Isaya 44:24-28
Isaya 44:24-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Zvanzi naJehovha, mudzikinuri wako, iye akakuumba uri mudumbu: “Ndini Jehovha, akaita zvinhu zvose, iye oga akatatamura matenga, akatambanudza nyika oga, “iye anokonesa zviratidzo zvavaprofita venhema, anoita kuti vavuki vave mapenzi, iye anoparadza kudzidza kwevane njere, uye anokushandura kuti kuve upenzi, anozadzisa mashoko omuranda wake, uye anozadzisa zvakaprofitwa nenhume dzake, “anoti kuJerusarema, ‘Richagarwa,’ nokumaguta eJudha, ‘Achavakwa,’ nokumatongo awo, ‘Ndichaavandudza,’ iye anoti kumvura yakadzika, ‘Oma, uye ndichaomesa hova dzako,’ iye anoti pamusoro paSirasi, ‘Ndiye mufudzi wangu uye achaita zvose zvandinoda; iye achati pamusoro peJerusarema, “Ngarivakwezve,” uye pamusoro petemberi achati, “Nheyo dzayo ngadziteyiwe.” ’
Isaya 44:24-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wako, akakuumba kubva pachizvaro, “Ndini Jehovha, anoita zvinhu zvose, anotatamura denga rose iye oga, anotambanudza nyika (ndiani waiva neni?) Iye anoparadza zviratidzo zvavane nhema, anopengesa vauki, anodzosa vachenjeri, achishandura zivo yavo uye upenzi. “Iye anosimbisa shoko romuranda wake, anoita zvakarayirirwa nenhume dzake; iye anoti pamusoro peJerusaremu, ‘Richagarwa navanhu,’ napamusoro pamaguta aJudha, ‘Achavakwa, ini ndichamutsa matongo awo;’ iye anoti kumvura yakadzika, ‘Chipwa, uye ndichapwisa nzizi dzako;’ iye anoti pamusoro paKoreshi, ‘Ndiye mufudzi wangu, achaita zvose zvinondifadza,’ kana achiti pamusoro peJerusaremu ‘Richavakwa,’ uye pamusoro petemberi, ‘Nheyo dzako dzichateyiwa.’ ”
Isaya 44:24-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi, mununuri wako, akakuumba uchiri munhumbu anoti, ‘Ndini Tenzi akasika zvinhu zvose,’ iye woga akatambanudza matenga akawarira nyika nokokoko. Ndiani aiva neni ipapo? Iye anoshayisa mazano shuramanenji dzinofembera zvenhema anopusisa vanoshopera, iye anosandutsa vachenjeri, ruzivo rwavo achiruita chinhu chisina maturo. Ndiye anotsigira shoko romuranda wake anoita kuti mazano enhume ashande. Iye anotaura nezveJerusaremu kuti, ‘Richagarwazve navanhu,’ uye nezvamaguta okwaJudha kuti, ‘Achavakwa,’ ndichasimudza kuvaka matongo acho. Anoti kuhwenje, ‘Iti papata kuoma, ndichiita kuti nzizi dzenyu dzipwe.’ Ndini iyeni ndinoti kuna Sairasi: mufudzi wangu achaita zvose zvandakaronga, achitoti nezveJerusaremu, ‘Ngarivakwe,’ achitiwo, ‘NezveTemberi ugaro hwayo ngahuvakwe.’ ”
Isaya 44:24-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀanzi naJehova, Mudzikinuri wako, wakakuʋumba kubva paciɀaro: Ndini Jehova, unoita ɀinhu ɀose, unotatamura ɗeŋga rose iye oga, unotambanudza nyika (ndiani waiʋa neni?); iye unoparadza ɀiratidzo ɀaʋanenhema, unopeŋgesa ʋaʋuki, unodzosa ʋacenjeri, acishandura ziʋo yaʋo ʋuʋe ʋupenzi; iye unosimbisa shoko romuranda wake, unoita ɀakarairirwa nenhume dzake; iye unoti pamsoro peJerusarema: Ricagarwa naʋanhu, napamsoro pamaguta aJuda: Acaʋakwa, ini ndicamutsa matoŋgo awo; iye unoti kumvura yakadzika: Cipxa, ʋuye ndicapxisa nzizi dzako; iye unoti pamsoro paKoreshi: Ndiye mufudzi waŋgu, ucaita ɀose ɀinondifadza, kana aciti pamsoro peJerusarema: Ricaʋakwa, ʋuye pamsoro petembere: Nheyo dzako dzicateyiwa.
Isaya 44:24-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)