Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 43:2-3 - Compare All Versions

Isaya 43:2-3 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Paunopfuura nomumvura zhinji ini ndichava newe; uye paunopinda nomunzizi, hadzizokukukuri. Paunofamba nomumoto, haungazotsvi; murazvo haungazokupisi. Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako, Mutsvene waIsraeri, Muponesi wako; ndinopa Ijipiti kuti ive rusununguko rwako, Etiopia neShebha pachinzvimbo chako.

Pakurirana nevamwe
Isaya 43 BDSC

Isaya 43:2-3 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Kana uchipinda nomumvura zhinji, ndichava newe, kana nomunzizi, hadzingakunyudzi; kana uchifamba nomumoto, haungatsvi, nomurazvo haungakupisi. Nokuti ndini Jehovha Mwari wako; ndakaisa Ijipiti ruve rudzikinuro rwako, Itiopia neShebha panzvimbo yako.

Pakurirana nevamwe
Isaya 43 SNA2002

Isaya 43:2-3 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

“Paunopfuura nomumvura zhinji ndichave newe, kana ukapfuura nomunzizi hadzikutore, kana ukafamba nomumoto haukupisi, rimi romoto harikuroromesi. Ndinodaro nokuti ini Tenzi ndini Mwari wako iye Anoera waIsiraeri mununuri wako. Ndiri kupa Ijipiti kuti ive chokukutsikinurisa nacho, Itiopia neSebha dzive dzokutsiva iwewe

Pakurirana nevamwe
Isaya 43 SCLBD

Isaya 43:2-3 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Kana ucipinda nomumvura zhinji, ndicaʋa newe, kana nomunzizi, hadziŋgakunyudzi; kana ucifamba nomumŋoto, hauŋgatȿi, nomuraɀo hauŋgakupisi. Nokuti ndini Jehova Mŋari wako, Mutȿene waIsraeri, Muponesi wako; ndakaisa Egipita ruʋe rudzikinuro rwako, Etiopia neSeba panɀimbo yako.

Pakurirana nevamwe
Isaya 43 SUB1949

Isaya 43:2-3 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Isaya 43 SCLB