Isaya 43:11-28
Isaya 43:11-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ini, iyeni, ndini Jehovha, uye kunze kwangu hakuna muponesi. Ini ndakaratidza ndikaponesa, ndikaparidza, ini, kwete vamwe vamwari vedzimwe ndudzi vari pakati penyu. Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti, “ndini Mwari. Hongu, kubva pamazuva akare ndini iye. Hakuna angarwira munhu muruoko rwangu. Pandinoita chinhu, ndianiko angachikonesa?” Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wenyu, Mutsvene waIsraeri: “Ndichatuma vanhu kuBhabhironi nokuda kwenyu, uye ndichaburitsa vaBhabhironi vose vachitiza, muzvikepe zvavaidada nazvo. Ndini Jehovha, Mutsvene Wenyu, Musiki waIsraeri, Mambo wenyu.” Zvanzi naJehovha, iye akaita nzira pakati pegungwa, nenzira mukati memvura zhinji, iye akabudisa ngoro namabhiza, hondo pamwe chete nezvinosimbisa, vakavata ipapo, havana kuzombomukazve, vadzimwa, vadzimwa somwenje: “Chikanganwai zvinhu zvakare; musaramba muri pane zvakapfuura. Tarirai, ndava kuita chinhu chitsva! Zvino chava kumera; hamuchioni here? Ndiri kuita nzira mugwenga nehova musango. Zvikara zvesango zvinondikudza, makava namazizi, nokuti ndinozvipa mvura mugwenga nehova musango, kuti ndipe vanhu vangu chokunwa, vasanangurwa vangu, vanhu vandakazviumbira, kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu. “Kunyange zvakadaro hauna kudana kwandiri, iwe Jakobho; hauna kuzvinetesa nokuda kwangu, iwe Israeri. Hauna kundivigira makwai ezvipiriso zvinopiswa, kana kundikudza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza nezvipiriso zvezviyo, kana kukunetesa nokuda zvinonhuhwira. Hauna kundivigira kana zvinotapira, kana kundigutsa namafuta ezvibayiro zvako. Asi wakandiremedza nezvivi zvako uye ukandinetesa nokudarika kwako. “Ini, iyeni, ndini ndinodzima kudarika kwako, nokuda kwangu, handizorangaririzve zvakaipa zvako. Ndiyeuchidze zvakapfuura, ngatitaurirane nyaya iyi pamwe chete; zvipupurire kuti hauna mhosva. Tateguru wako akatadza; vamiririri vako vakandimukira. Naizvozvo ndichanyadzisa vanokudzwa vomutemberi yako, uye ndichaita kuti Jakobho aparadzwe uye Israeri asekwe.
Isaya 43:11-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ini, iyeni, ndiJehovha, kunze kwangu hakuna mumwe muponesi. Ini ndakaparidza, ini ndakaponesa, ini ndakaratidza; kwakanga kusina mwari wokumwe pakati penyu; saka imi muri zvapupu zvangu, neni ndiri Mwari, ndizvo zvinotaura Jehovha. Zvirokwazvo, kubva zuva ranhasi ndini iye; hakuna angwarwira munhu paruoko rwangu; ini ndichabata basa, ndiani angandidzivisa?” Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wenyu, Mutsvene waIsiraeri, “Ndakatuma vanhu Bhabhironi, nokuda kwenyu, ndichavaburitsa vose vachitiza, ivo vaKaradhea muzvikepe zvavo zvomufaro. Ndini Jehovha, Mutsvene wenyu, Musiki waIsiraeri, Mambo wenyu.” Ndizvo zvinotaura Jehovha, anoita nzira mugungwa, negwara pakati pemvura zhinji ine simba; anobudisa ngoro nebhiza, nehondo neane simba; vanovata pasi pamwechete, havangamukizve; havachapfuti, vadzimwa somwenje. Musarangarira zvinhu zvakapfuura, musafunga zvinhu zvakare. Tarirai, ndichaita chinhu chitsva; chobuda zvino; hamungachizivi here? Ndichaita nzira murenje, nenzizi musango. Mhuka dzebundo dzichandikudza, makava nemhou; nokuti ndinobudisa mvura zhinji murenje, nenzizi musango, kuti ndipe vanhu vangu, ivo vakasanangurwa, vanwe, ivo vanhu vandakazviumbira, kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu. Kunyange zvakadaro hauna kudana kwandiri, iwe Jakobho; asi wakaneta neni, iwe Isiraeri. Hauna kundivigira makwai ako zvive zvipiriso zvingapiswa; hauna kundikudza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza kuti uuye nezvipiriso zvoupfu, handina kukunetsa ndichiti uuye nezvinonhuwira. Hauna kunditengera ipwa nemari, hauna kundigutisa namafuta ezvibayiro zvako; asi wakandiremedza nezvivi zvako, wakandinetsa nezvakaipa zvako. Ini, iyeni, ndini ndinodzima kudarika kwako nokuda kwangu, handicharangariri zvivi zvako. Ndiyeudzire, ngatitaurirane; rondedzera, kuti ururamisirwe. Teteguru vako vakatadza, navaporofita vako vakandidarikira. Naizvozvo ndakamhura machinda matsvene; Jakobho ndakamuita chinhu chakatukwa, naIsiraeri chinhu chinosekwa.
Isaya 43:11-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ini ndini Tenzi, kunze kwangu hakuna mununuri. Ini ndakataura ndikanunura ndikazviparadza, izvozvo, pakati penyu pakanga pasati pava navamwari vesirivo, imimi ndimi zvapupu zvangu,” ndizvo zviri kutaura Tenzi “Ndini Mwari ini. Namangwana ese ndini Iye ari. Hakuna ane chaanogona kununura mumaoko mangu. Chandinenge ndaita ndiani chaizvo angachidzivise?” Zvanzi naTenzi, Mununuri wako, iye Anoera waIsiraeri, “Pamusana pako iwe ndichatumira vanhu kuBhabhironi kundotyoranisa zvihuri zvose; zhowezhowe revaKaridhea richasandurwa rikava kuchema. Ini ndini Tenzi, iye Anoera wenyu, Musiki weIsiraeri, Mambo wenyu.” Zvanzi naTenzi, iye anoita mugwagwa mugungwa, nenzira mukati memvura ine simba, nyakuunza ngoro nebhiza nehondo nomurwi wayo zvigoti pasi umburu pazvisingagoni kumukazve, zvakadzimwa zvikafuridzwa setambo yerambi “Regai kurangarira zvinhu zvakare kana kufunga zvinhu zvepasichigare, Chionai ndava kuita chinhu chitsva, chava kutoitika. Hamusi kuchiona here? Ndichaita nzira murenje nenzizi mugwenga. Mhuka dzesango dzichandikudza, makava kana mhou; nokuti ndichaita kuti murenje muve nemvura mugwenga muve nenzizi ndichipa mvura yokunwa kuvanhu vangu vandakasarudza, vanhu vangu vandakatozvisikira kuti vaite kuti mbiri yangu idhume.” “Asi iwe Jakobho hauna kudaidzira kwandiri asi wakatoneta neni iwe Isiraeri. Hauna kundivigira hwayana yako yemipiro yokupisa kana kundiremekedza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza nemipiro kana kukunetsa norusenzi. Hauna kunditengera nemari rusenzi runonhuhwirira kana kundigutsa namafuta ezvibayiro zvako. Asi kutoti wakatonditakudza mutoro wezvitadzo zvako, ukandifinha nouipi hwako. Ini, ini ndini Iye Ari, anodzima zvikanganiso zvako ndichizviita pamusana pangu, zvitadzo zvako ndicharega kuzvirangarira. Ndiyeuchidze, ngatiitei dare upire nyaya yako uratidze kuti hauna mhosva. Tateguru wako wokutanga akapara mhaka yechitadzo, vaikumiririra kwandiri, vakandikanganisira. Ndokusaka ndakan'oresa machinda omuNzvimbo Inoera ndakapinza Jakobho mukuparadzwa chaiko ndikapinza Isiraeri mukushorwa.”
Isaya 43:11-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ini, iyeni, ndiJehova, kunze kwaŋgu hakunomumŋe muponesi. Ini ndakaparidza, ini ndakaponesa, ini ndakaratidza; kwakaŋga kusinamŋari wokumŋe pakati penyu; saka imi muri ɀapupu ɀaŋgu, neni ndiri Mŋari, ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ɀirokwaɀo, kubva zuʋa ranhasi ndini iye; hakuna‐uŋgarwira munhu paruʋoko rwaŋgu; ini ndicaɓateɓasa, ndiani uŋgandidziʋisa? Ɀanzi naJehova, Mudzikinuri wenyu, Mutȿene waIsraeri: Ndakatuma ʋanhu Babironi, nokuɗa kwenyu, ndicaʋaɓurusa ʋose ʋacitiza, iʋo ʋaKardea muɀikepe ɀaʋo ɀomufaro. Ndini Jehova, Mutȿene wenyu, Musiki waIsraeri, Mambo wenyu. Ndiɀo ɀinotaura Jehova, unoita nzira muguŋgwa, negwara pakati pemvura zhinji inesimba; unoɓuɗisa ŋgoro nebiza, nehondo nounesimba; ʋanoʋata pasi pamŋe cete, haʋaŋgamuki ɀe; haʋacapfuti, ʋadzimŋa somŋenje. Musaraŋgarira ɀinhu ɀapfuʋura, musafuŋga ɀakare. Tarirai, ndicaita cinhu citȿa; coɓuɗa ɀino; hamuŋgaciziʋi here? Ndicaita nzira murenje, nenzizi musaŋgo. Mhuka dzeɓundo dzicandikudza, makaʋa nemhou; nokuti ndinoɓuɗisa mvura zhinji murenje, nenzizi musaŋgo, kuti ndipe ʋanhu ʋaŋgu, iʋo ʋakasanaŋgurwa, ʋanwe, iʋo ʋanhu ʋandakaɀiʋumbira, kuti ʋaparidze kurumbidzwa kwaŋgu. Kunyaŋge ɀakaɗaro hauna‐kuɗana kwandiri, iwe Jakobo; asi wakaneta neni, iwe Israeri. Hauna‐kundiʋigira makwai ako ɀiʋe ɀipiriso ɀiŋgapiswa; hauna‐kundikudza neɀiɓayiro ɀako. Handina‐kukuremedza kuti uʋuye neɀipiriso ɀoʋupfu, handina‐kukunetsa ndiciti uʋuye neɀinonhuwira. Hauna‐kunditeŋgera ipxa nemari, hauna‐kundigutisa namafuta eɀiɓayiro ɀako; asi wakandiremedza neɀiʋi ɀako, wakandinetsa neɀakaipa ɀako. Ini, iyeni, ndini ndinodzima kuɗarika kwako nokuɗa kwaŋgu, handicaraŋgariri ɀiʋi ɀako. Ndiyeʋudzire, ŋgatitaurirane; rondedzera, kuti ururamisirwe. Teteguru ʋako ʋakatadza, naʋaɗudziri ʋako ʋakandiɗarikira. Naiɀoɀo ndakamhura macinda matȿene; Jakobo ndakamuita cinhu cakatukwa, naIsraeri cinhu cinosekwa.
Isaya 43:11-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)