Isaya 42:17-25
Isaya 42:17-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi ivo vanovimba nezvifananidzo, vanoti kune zvakaumbwa, ‘Ndimi vamwari vedu,’ vachadzoserwa shure mukunyadziswa kukuru. “Inzwai, imi matsi; tarirai, imi mapofu, muone! Ndianiko bofu, asi muranda wangu, uye matsi kufanana nenhume yandinotuma? Ndianiko bofu rakafanana naiye akazvipira kwandiri, kana bofu rakafanana nomuranda waJehovha? Wakaona zvinhu zvizhinji, asi hauna kuva nehanya; nzeve dzako dzakazaruka, asi hauna chaunonzwa.” Zvakafadza Jehovha nokuda kwokururama kwake, kuti akudze murayiro wake uye aubwinyise. Asi ava ndivo vanhu vakapambwa uye vakabirwa, vose vakasungwa mumakomba kana kuti vakavanzwa mumatorongo. Vakava vabatwa, pasina anovarwira; vakaitwa chinhu chakapambwa, pasina anoti, “Vadzoserei kwavakabva.” Ndiani pakati penyu achateerera izvi, kana kurerekera nzeve dzake zvikuru panguva inouya? Ndiani akarega Jakobho achipambwa, akaendesa Israeri kuvapambi? Akanga asiri Jehovha here, iye watakatadzira? Nokuti havana kuda kutevera nzira dzake; havana kuteerera murayiro wake. Naizvozvo akadururira hasha dzake dzinopisa pamusoro pavo, iro bongozozo rehondo. Rakavaputira muvira romoto, asi havana kunzwisisa; rakavapisa, asi mwoyo yavo yakashaya hanya nazvo.
Isaya 42:17-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vanovimba nemifananidzo yakavezwa, vanoti kumifananidzo yakaumbwa, “Imi muri vamwari vedu,” ivo vadzoserwa shure, vachanyadziswa kwazvo. Inzwai, imi matsi; tarirai, imi mapofu, muone. Ndianiko bofu, haazi iye muranda wangu here? Ndiani matsi, senhume yangu yandinotuma? Anoona zvinhu zvizhinji, asi haucherekedzi; nzeve dzake dzakadziuka, asi haanzwi. Zvakafadza Jehovha, nokuda kwokururama kwake, kukudza murayiro nokuurumbidza. Asi ava ndavanhu vakatorerwa nokupambwarwa; vose vakateyiwa mumakomba, vakavanzwa mudzimba dzokusungwa; vava chinhu chakatapwa, hakuna anovarwira, chinhu chakapambwa, hakuna anoti, “Dzosa!” Ndianiko pakati penyu acharerekera nzeve dzake kune chinhu ichi? Achaterera nokunzwa panguva inouya? Ndianiko akarega Jakobho apambwe, naIsiraeri awirwe namakororo? Haazi Jehovha here? Iye watakatadzira, wavakaramba kufamba nenzira dzake, wavakaramba kuteerera murayiro wake. Naizvozvo akadurura pamusoro pake kutsamwa kwake kukuru, nesimba rokurwa; zvikamupisira kumativi ose, asingazvizivi; zvikamupisa, asi akanaga asine hanya nazvo.
Isaya 42:17-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi vachapishunurwa vachinyadziswa chaizvo vanovimba nezvifananidzo zvavo zvokunamata zvakavezwa, vanoti kuzvifananidzo zvoutare hwakaita zvokunyungurutswa, “Imi ndimi vamwari vedu.” Chinzwa unzwe iwe matsi chitarisa iwe bofu uonewo! Ndiani chaizvo ano upofu kusatoti iye muranda wangu, kana kuti ane umatsi sohwenhume yangu yandinotuma? Ndiani chaizvo ane upofu sehwaiye akateketererweni uyu, kana kuti ane upofu hwakaita sohwemuranda waTenzi? Unoona zvako zvinhu zvakawanda asi haunyatsozvicherechedza, nzeve dzako dzakazaruka asi haunzwe. Tenzi, pamusana pokururama kwake, akafadzwa nokurumbidza mutemo wake nokuita kuti ukurumbire. Asi vanhu ivava vanhu vakabhinywa, vakapambwa, vose zvavo vakazaririrwa muninga vakahwandiswa mujeri, vakapinda munhamo isina anonunura, chinhu zvacho chokupamba chisina anoti, “Ngachidzorerwe!” Pakati penyu nyaya iyoyi ndiani angaitetekere nzeve akateerera akanzwa zvakanangana neramangwana? Ndianiko wakaisa wokwaJakobho mumaoko omupambi, uye vokwaIsiraeri mumaoko amabhinya? Handiti ndiTenzi here watakatadzira, ana makwara avasina kutevedza ano mutemo wavasina kuteerera? Ndokusaka akapedzera paari shungu dzokuviruka kwaakanga aita nehasha, nokumupinza munhamo yehondo. Akaputirwa namarimi omoto asi kuti zvazvaireva haana kuzvibata zvakamupisa asi chidzidzo chacho hachina kumupinda mumusoro.
Isaya 42:17-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋanoʋimba nemifananidzo yakaʋezwa, ʋanoti kumifananidzo yakaʋumbga: Imi muri ʋamŋari ʋeɗu, iʋo ʋacadzoserwa shure, ʋacanyadziswa kwaɀo. Inzwai, imi matsi; tarirai, imi mapofu, muʋone. Ndianiko ɓofu, haazi iye muranda waŋgu here? Ndiani matsi, senhume yaŋgu yandinotuma? Ndiani ɓofu, saiye unoɗikanwa neni, neɓofu somuranda waJehova? Unoʋona ɀinhu ɀizhinji, asi haucerekedzi; nzeʋe dzake dzakadziʋuka, asi haanzwi. Ɀakafadza Jehova, nokuɗa kwokururama kwake, kukudza murairo nokuurumbidza. Asi aʋa ndaʋanhu ʋakatorerwa nokupambarwa; ʋose ʋakateyiwa mumakomba, ʋakaʋanzwa mudzimba dzokusuŋgwa; ʋaʋa cinhu cakatapxa, hakuna‐unoʋarwira, cinhu cakapambga, hakuna‐unoti: Dzosa! Ndianiko pakati penyu ucarerekera nzeʋe dzake kunecinhu ici? Ucaterera nokunzwa paŋguʋa inoʋuya? Ndianiko wakarega Jakobo apambge, naIsraeri awirwe namakororo? Haazi Jehova here? Iye watakatadzira, waʋakaramba kufamba nenzira dzake, waʋakaramba kuterera murairo wake. Naiɀoɀo wakaɗurura pamsoro pake kutsamŋa kwake kukuru, nesimba rokurwa; ɀikamupisira kumatiʋi ose, asiŋgaɀiziʋi; ɀikamupisa, asi wakaŋga asinehanya naɀo.
Isaya 42:17-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)