Isaya 41:17-20
Isaya 41:17-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Varombo navanoshaya vanotsvaka mvura asi hakuna; ndimi dzavo dzaoma nenyota. Asi ini Jehovha ndichavapindura; ini, Mwari waIsraeri, handizovasiya. Ndichaita kuti nzizi dziyerere pamitunhu isina miti, namatsime pakati pemipata. Ndichashandura gwenga rikava madziva emvura, nenyika yakaoma ikava matsime. Ndichaisa mugwenga musidhari nomuakasiya, mumite nomuorivhi. Ndichaisa mipaini musango, misipuresi nemifiri pamwe chete, kuitira kuti vanhu vaone uye vagoziva, varangarire vagonzwisisa, kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvozvi, kuti Mutsvene waIsraeri ndiye akazvisika.
Isaya 41:17-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Varombo navanoshayiwa vanotsvaka mvura, asi haipo, marimi avo anooma nenyota; ini, Jehovha ndichavapindura, ini Mwari waIsiraeri, handingavarasi. “Ndichazarura nzizi pamakomo asine miti, namatsime pakati pemipata; renje ndichariita dziva remvura, nenyika yakaoma zvitubu zvemvura. Ndichasima parenje miti yemisidhari, nemiakasia, nemimirite, nemiorivhi; ndichaisa musango misiperesi, nemipani, nemifiri, iyo yose; kuti vanhu vaone, nokuziva, nokurangarira, nokunzwisisa, kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rwakaita izvozvo, uye kuti Mutsvene waIsiraeri ndiye wakazvisika.”
Isaya 41:17-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Varombo navasina chavanacho vari kutsvaka mvura, asi hapana vatooma pahuro nenyota, ini Tenzi ndichavapindura, Ini Mwari weIsiraeri handivafuratiri. Ndichadziura hova pazvikomo zvisina miti nezvisipiti mumapani, Renje ndichariita dziva remvura pasi pakaoma ndichipaita chisipiti chemvura. Murenje ndichamumeresa miti yemisidhari yemiunga neyemumituri nemiorivhi, ndichisima mugwenga misaipurasi nemipureni nemipaini pamwechete kuitira kuti vanhu vaone vagoziva, varangarire vagonzwisisa pamwechete kuti simba roruoko rwaTenzi ndorwaita izvozvi, uye kuti iye Anoera waIsiraeri ndiye asika izvozvi.
Isaya 41:17-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋarombo naʋanoshaiwa ʋanotȿaka mvura, asi hai’po, marimi aʋo anowoma nenyota; ini, Jehova ndicaʋapindura, ini, Mŋari waIsraeri, handiŋgaʋarashi. Ndicazarura nzizi pamakomo asinemiti, namatsime pakati pemipata; renje ndicariita dziʋa remvura, nenyika yakawoma ɀituɓu ɀemvura. Ndicasima parenje miti yemisidari, nemiakasia, nemimirte, nemiorivi; ndicaisa musaŋgo misipresi, nemipaini, nemifiri, iyo yose; kuti ʋaʋone, nokuziʋa, nokuraŋgarira, nokunzwisisa ʋose, kuti ruʋoko rwaJehova ndirwo rwakaita iɀoɀo, ʋuye kuti Mutȿene waIsraeri ndiye wakaɀisika.
Isaya 41:17-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)