Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 37:4 - Enzanisa Shanduro Dzose

Isaya 37:4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Zvimwe Jehovha Mwari wenyu achanzwa mashoko omukuru wehondo, akatumwa naishe wake, mambo weAsiria, kuzomhura Mwari mupenyu, uye kuti azomutuka pamusoro pamashoko aakanzwa iye Jehovha Mwari wenyu. Naizvozvo nyengetererai vakasara vari vapenyu.”

Pakurirana nevamwe
Isaya 37 BDSC

Isaya 37:4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvimwe Mwari wenyu achanzwa mashoko ose omukuru wavatariri, akatumwa namambo weAsiria tenzi wake, kuzvidza Mwari mupenyu, agovatuka pamusoro pamashoko aakanzwa iye Jehovha Mwari wenyu; naizvozvo nyengetererai vakasara.’ ”

Pakurirana nevamwe
Isaya 37 SNA2002

Isaya 37:4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀimŋe Mŋari wenyu ucanzwa mashoko ose omukuru waʋatariri, wakatumŋa namambo weAsiria tenzi wake, kuɀidza Mŋari mupenyu, agoʋatuka pamsoro pamashoko aakanzwa iye Jehova Mŋari wenyu; naiɀoɀo nyeŋgetererai ʋakasara.

Pakurirana nevamwe
Isaya 37 SUB1949

Isaya 37:4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Zvingangoita kuti Tenzi, Mwari wenyu anzwa zvataurwa nomutariri mukuru wezvomumuzinda uya atumwa natenzi wake mambo weAsiria kuzonyomba Mwari mupenyu; iye Tenzi Mwari wenyu angadaro akatsiudza zvaanzwa zvacho. Naizvozvo dai mukanamatirawo chitsama chavanhu chasara.’ ”

Pakurirana nevamwe
Isaya 37 SCLB

Isaya 37:4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Isaya 37 SCLBD