Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 37:21-38 - Compare All Versions

Isaya 37:21-38 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi akatumira shoko kuna Hezekia achiti, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Nokuda kwokuti wanyengetera kwandiri pamusoro paSenakeribhi mambo weAsiria, heri shoko rakataurwa naJehovha pamusoro pake: “Mhandara Mwanasikana weZioni anokuzvidza uye anokuseka. Mwanasikana weJerusarema anokudzungudzira musoro wake paunenge uchitiza. Ndianiko wawatuka uye ukamhura? Ndianiko wawasimudzira inzwi rako, uye ukasimudzira meso ako uchizvikudza? Ndiye Mutsvene waIsraeri! Navaranda vako watutira kutuka pamusoro paIshe. Uye wakati, ‘Nengoro dzangu zhinji ndakakwira makomo marefu, kumusoro-soro kweRebhanoni. Ndakatema misidhari yayo mirefu refu, nemisipuresi yayo yakanakisisa. Ndakasvika kumusoro-soro kwayo, nokumasango ayo akanakisisa. Ndakachera matsime munyika yavamwe, ndikanwa mvura imomo. Netsoka dzangu ndakapwisa hova dzose dzeIjipiti.’ “Hauna kunzwa here? Izvi ndakazviita kare. Ndakazvironga pamazuva akare; zvino ndaita kuti zviitike, nokuti wakaparadza maguta akakomberedzwa akava mirwi yamatombo. Vanhu vawo, vapererwa nesimba, vavhundutswa uye vanyadziswa. Vafanana nembeu mumunda, namabukira manyoro, sebundo ramera padenga remba, ratsva risati rakura. “Asi ndinoziva paunogara uye nguva yaunouya neyaunoenda uye kuti unondiitira hasha zvakadii. Nokuda kwehasha dzako kwandiri uye nokuda kwokuti kusateerera kwako kwasvika munzeve dzangu, ndichaisa chiredzo changu mumhuno dzako namatomu angu mumuromo mako, uye ndichaita kuti udzokere nenzira yawakauya nayo. “Ichi ndicho chichava chiratidzo kuvarwi, iwe Hezekia: “Gore rino muchadya zvinomera zvoga, uye mugore rinotevera muchadya mabukira azvo. Asi mugore rechitatu mudyare mugokohwa, mudyare minda yemizambiringa mugodya michero yayo. Zvakare, vakasara veimba yaJudha vachava nemidzi pasi uye vachabereka michero kumusoro. Nokuti muJerusarema muchabuda vachasara, uye muZioni muchabuda boka ravachapunyuka. Kushingaira kwaJehovha kuchazviita. “Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria, “Haazopindi muguta iri kana kupfura museve pano. Haazosviki mberi kwaro nenhoo kana kuvaka gomo revhu pariri. Achadzokera nenzira yaakauya nayo; haazopindi muguta rino,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichadzivirira guta rino uye ndichariponesa, nokuda kwangu uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu!” Ipapo mutumwa waJehovha akabuda akauraya varume zviuru zana namakumi masere nezvishanu pamusasa wavaAsiria. Vanhu vakati vachimuka mangwanani, onei mitumbi yavakafa! Naizvozvo Senakeribhi mambo weAsiria akaputsa musasa. Akadzokera kuNinevhe akandogara ikoko. Mumwe musi achinamata ari mutemberi yamwari wake Nisiroki, Adhiramereki naSharezeri, vanakomana vake vakamuuraya nomunondo, ndokutizira kunyika yeArarati. Mwanakomana waEsarihadhoni akamutevera paushe.

Pakurirana nevamwe
Isaya 37 BDSC

Isaya 37:21-38 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi, akatuma shoko kuna Hezekia, akati, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, ‘Zvawanyengetera kwandiri pamusoro paShanheribhi mambo weAsiria,’ heri shoko rakataurwa naJehovha, pamusoro pake, ‘Mhandara, mukunda weZioni, wakakushora nokukuseka; mukunda weJerusaremu wakakudzungudzira musoro wake.’ Ndianiko wawakatuka nokuzvidza? Wakazvikudza kuna aniko nenzwi rako, meso ako akatarira aniko kudenga? NdiMutsvene waIsiraeri! “Watuka Jehovha navaranda vako, ukati, ‘Ndakwira kumakomo marefu nengoro dzangu zhinji, kunzvimbo dzomukati dzeRebhanoni; ndichatema misidhari mirefu iripo, nemisiperesi yakatsaurwa iripo, ndichipa kusvikira kumusoro-soro kwaro, kudondo raro rinobereka zvakanaka; ndakachera ndikanwa mvura, ndichapwisa nzizi dzose dzeIjipiti nokutsika netsoka dzangu.’ “Hauna kunzwa here kuti ndakazviita kare, kuti ndakazvirayira nenguva dzokutanga-tanga? Zvino ndakarayira zviitike, kuti iwe uve muparadzi wamaguta akakombwa namasvingo, ave matongo. “Naizvozvo vakanga vageremo vakanga vane simba duku, vakavhundutswa nokunyadziswa; vakafanana nouswa hwebundo, nomuriwo mutema, nouswa huri pamusoro peimba, nomunda wezviyo zvigere kukura. “Asi ndinoziva kugara kwako pasi, nokubuda kwako, nokupinda kwako, uye hasha dzako kwandiri. Nokuda kwehasha dzako kwandiri, uye nokuti ndakanzwa, kuzvikudza kwako, ndichaisa rwauro rwangu mumhino dzako, netomu rangu mumiromo yako, ndikudzosere nenzira yawakauya nayo. “Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri: nhaka muchadya zvinongomera zvoga, negore rechipiri muchadya zvinomerazve kwazviri; asi negore rechitatu munofanira kudyara, nokucheka, nokusima minda yemidzambiringa, mudye michero yayo. Zvino vakasara vakapukunyuka veimba yaJudha, vachaitazve midzi pasi, nokubereka michero kumusoro. Nokuti vakasara vachabuda Jerusaremu, navakapukunyuka pagomo reZioni; kushingaira kwaJehovha kuchazviita. “Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria, ‘Haangapindi muguta rino, kana kuposhera museve imomo, kana kusvika pamberi paro nenhoo, kana kututira gomo revhu kwariri.’ Zvanzi naJehovha, ‘Nenzira yaakauya nayo, achadzokerazve nayo; haangapindi muguta rino. Nokuti ndichadzivirira guta rino, ndiriponese nokuda kwangu ini, uye nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi.’ “Zvino mutumwa waJehovha akabuda, akauraya vanhu vane zviuru zvine zana namakumi masere nezvishanu pamisasa yavaAsiria; zvino vanhu vakati vachimuka mangwanani, vakawana zvava zvitunha zvose. Naizvozvo Shanheribhi mambo weAsiria akabva, akaenda, akadzokera kwakare, akandogara Ninivhe. Zvino akati achinamata mumba maNisiroki, mwari wake, Adhiramereki naSharezeri vanakomana vake, vakamuuraya nomunondo, ivo vakatizira kunyika yeArarati. Esarihadhoni akamutevera paushe.”

Pakurirana nevamwe
Isaya 37 SNA2002

Isaya 37:21-38 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Isaya mwanakomana waAmozi akatuma shoko kuna Hezekiya rokuti, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Pamusana pokuti wanamata kwandiri nezvaSenakeribhu mambo weAsiria.’ ” Zvataurwa naTenzi nezvake ndezvizvi: “Iri kukushora inokuzvidza mhandara yeZioni. Ari kutozunguza zvake musoro shure kwako mukunda weJerusaremu. “Wawanyomba ukatuka ipapa ndiani? Wauri kuzhambira ipapa ndiani chaizvozvo? Waunodzvondorera maziso kuzvikudza kudaro ndiani? Wauri kudaro ndiyeni Mutsvene weIsiraeri navaranda vako uchitonyombaka Tenzi iwe. Uchitoti zvako: ‘Negurusvusvu rangu rengoro dzehondo, ndakakwira makomo ini kusvika pamusoro, nadzo ndikasvika kwakaperera Rebhanoni, miti yeko yakarebesesa yemisidhari ndikairizhanisa, miti yeko yemisaipurasi yakanakisisa ndikaitema, ndikaenda ini pamusoro pacho chaipo, chaimo mumasango ayo matema; ndikatocheramo matsime ndikanwa ini mvura. Ndakatsika ini netsoka yangu tukova twose tweIjipiti twukaoma kuti gwa.’ Zvaive mumwoyo mangu kwenguva ndefu hazvisati zvakusvika munzeve nhai, zvandakaronga kare kare pasichigare, zvandava kutozoita iye nhasi zvokuti maguta ane tsvingo uaite mirwi yamatongo? Vagari vemo vachiti rukutu kupera simba, vakangaidzwa vazvishaira pazvo vaita sezvinhu zvinomera musango soruswiswi, souswa hunomera padenga remba hunoshauruka kuoma husati hwambokura. Mugariro wako ndinouziva kwaunofamba ndinokuziva twaunobata ndinotuziva kunyange kundipunyairira kwako nehasha ndinokuziva nokuti uri kundipunyairira nehasha iwe, kuzvitutumadza kwako kwasvika munzeve dzangu. Ndichaisa chikochekero changu pamhuno dzako ndichakuisa matomhu mukanwa ndikupishunutsire nokwakare kunzira kwawakauya nako kuno. Ichi ndicho chichava chiratidzo chako, nakauno zvamuchadya zvichamera zvoga, gore ramakei zvichava zvamahoko, mugore rechitatu muchadyara mukatokohwa, muchatosima zvenyu minda yemagirepisi, mukatodyawo zvenyu michero yayo. Chitsama chavanhu vokwaJudha chichasara chichadzika midzi pasi, mudenga chichibereka michero nokuti chitsama chinosara chichabuda muJerusaremu chikwata chavanopunyuka rufu chichabuda mugomo reZioni. Shungu dzina Tenzi wehondo nehondo ndidzo dzichaita izvozvi. Naizvozvo panyaya yamambo weAsiria uyu zvanzi naTenzi; ‘Haambopinda muguta rino kana museve, haamborikanda. Hapana nhoo yaanomborivheyesera, kana kuriumbira nevhu kurusvingo chimusana chenzou kuita pokupindamo napo. Nzira yaakauya nayo yacho ndiyo yaachadzokera nayo. Kupinda muguta rino haambomupinda ndiTenzi anodaro kutaura. Ndichadzivirira guta rino ndigoriponesa. Izvozvo ndichiitira iyeni pachangu uye pamusana pomuranda wangu Dhavhidhi.’ ” Mutumwa waTenzi akaenda akauraya vanhu zana rezviuru rine zviuru makumi masere nezvishanu. Pakafumomuka vanhu mangwanani, onei ivava vose zvangova zvitunha. Senakeribhu mambo weAsiria ndokusimuka oenda kumusha akandogara muNinevhe. Zvino akati achinamata ari mumba maNisiroki mwari wake, vanakomana vake, Adhiramereki naSharezeru vakamuuraya nebakatwa vakatizira kunyika yeArarati. Mwanakomana wake Esarihadhoni ndiye akazotonga panzvimbo pake.

Pakurirana nevamwe
Isaya 37 SCLBD

Isaya 37:21-38 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ipapo Isaya mŋanakomana waAmozi, akatuma shoko kunaHezekia, akati: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ɀawanyeŋgetera kwandiri pamsoro paSanheribi mambo weAsiria, heri shoko rakataurwa naJehova pamsoro pake: Mhandara, mukunda weZioni, wakakushoʋora nokukuseka; mukunda weJerusarema wakakudzuŋgudzira musoro wake. Ndianiko wawakatuka nokuɀidza? Wakaɀikudza kunaniko nenzwi rako, meso ako akatarira aniko kuɗeŋga? NdiMutȿene waIsraeri! Watuka Jehova naʋaranda ʋako, ukati: Ndakwira kumakomo marefu neŋgoro dzaŋgu zhinji, kunɀimbo dzomukati dzeRebanoni; ndicatema misidari mirefu iri’po, nemisipresi yakatsaurwa iri’po, ndicapinda kuȿikira kumsoro‐soro kwaro, kuɗondo raro rinoɓereka ɀakanaka; ndakacera ndikanwa mvura, ndicapxisa nzizi dzose dzeEgipita nokutsika kwetsoka dzaŋgu. Hauna‐kunzwa here kuti ndakaɀiita kare, kuti ndakaɀiraira neŋguʋa dzokutaŋga‐taŋga? Ɀino ndakaraira ɀiitike, kuti iwe uʋe muparadzi wamaguta akakombga namaȿiŋgo, aʋe matoŋgo. Naiɀoɀo ʋakaŋga ʋagere’mo ʋakaŋga ʋanesimba ɗuku, ʋakavunduswa nokunyadzwa; ʋakafanana noʋuswa bgeɓundo, nomuriʋo mutema, noʋuswa ʋuri pamsoro peimba, nomunda weɀiyo ɀigere kukura. Asi ndinoziʋa kugara kwako pasi, nokuɓuɗa kwako, nokupinda kwako, ʋuye hasha dzako kwandiri. Nokuɗa kwehasha dzako kwandiri, ʋuye nokuti ndakanzwa, kuɀikudza kwako, ndicaisa rwauro rwaŋgu mumhino dzako, netomu raŋgu mumiromo yako, ndikudzosere nenzira yawakaʋuya nayo. Ici ndico cicaʋa ciratidzo kwauri: Nhaka mucadya ɀinoŋgomera ɀoga, negore recipiri mucadya ɀinomera ɀe kwaɀiri; asi negore recitatu munofanira kudɀara, nokuceka, nokusima minda yemizambiriŋga, mudye micero yayo. Ɀino ʋakasara ʋakapukunyuka ʋeimba yaJuda, ʋacaita ɀe midzi pasi, nokuɓereka micero kumsoro. Nokuti ʋakasara ʋacaɓuɗa Jerusarema, naʋakapukunyuka pagomo reZioni; kushiŋgaira kwaJehova kucaɀiita. Naiɀoɀo ɀanzi naJehova pamsoro pamambo weAsiria: Haaŋgapindi muguta rino, kana kuposhera museʋe imomo, kana kuȿika pamberi paro nenhoʋo, kana kututira gomo revu kwariri. Ɀanzi naJehova: Nenzira yaakaʋuya nayo, ucadzokera ɀe nayo; haaŋgapindi muguta rino. Nokuti ndicadzitira guta rino, ndiriponese nokuɗa kwaŋgu ini, ʋuye nokuɗa kwomuranda waŋgu Davidi. Ɀino mutumŋa waJehova akaɓuɗa, akaʋuraya ʋanhu ʋaneɀuru ɀinezana namakumi masere neɀishanu pamisasa yaʋaAsiria; ɀino ʋanhu ʋakati ʋacimuka maŋgwanani, ʋakawana ɀaʋa ɀitunha ɀose. Naiɀoɀo Sanheribi mambo weAsiria akabva, akaenda, akadzokera kwakare, akandogara Nineve. Ɀino wakati acinamata mumba maNisroki, mŋari wake, Adramereki naSharezeri ʋanakomana ʋake, ʋakamuʋuraya nomunondo, iʋo ʋakatizira kunyika yeArarati. Esari‐hadoni akamuteʋera paʋushe.

Pakurirana nevamwe
Isaya 37 SUB1949

Isaya 37:21-38 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Isaya 37 SCLB