Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 34:1-8 - Compare All Versions

Isaya 34:1-8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Swederai pedyo, imi ndudzi dzavanhu, munzwe. Teererai, imi vanhu! Nyika ngainzwe, nezvose zviri mairi, pasi pose, nezvose zvinobudamo! Jehovha akatsamwira ndudzi dzose; hasha dzake dziri pamusoro pehondo dzavo dzose. Achavaparadza chose, achaita kuti vaurayiwe. Vakaurayiwa vavo vacharasirwa kunze, mitumbi yavo ichanhuhwa; makomo achanyorova neropa ravo. Nyeredzi dzokudenga dzose dzichanyungudika, uye denga richapetwa sorugwaro; marudzi ose enyeredzi achawa samashizha akaoma abva pamuzambiringa, samaonde akasvava abva pamuonde. Munondo wangu wakanwa ukaguta kumatenga; tarirai, unoburukira kuzotonga Edhomu, vanhu vandakaparadza chose. Munondo waJehovha wakanyura muropa, wakafukidzwa namafuta, iro ropa ramakwayana nerembudzi, namafuta anobva paitsvo dzamakondobwe. Nokuti Jehovha ane chibayiro muBozira uye nokuuraya kukuru muEdhomu. Nyati dzichawa pamwe navo nehono dzemhuru nehando huru. Nyika yavo ichanyorova neropa, uye guruva richazara mafuta. Nokuti Jehovha ane zuva rokutsiva negore rokuripira kuti atsigire zvinodiwa neZioni.

Pakurirana nevamwe
Isaya 34 BDSC

Isaya 34:1-8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Swederai, imi marudzi avanhu, munzwe, tererai imi vanhu; nyika ngainzwe, nezvose zvayo, pasi pose, nezvose zvinobudamo. Nokuti Jehovha akatsamwira marudzi ose, ane hasha nehondo dzawo dzose; akavaparadza chose, akavaisa pakuurawa. Vakaurawa vavo vacharaswa kunze, kunhuwa kwezvitunha zvavo kuchakwira, makomo achanyauswa neropa ravo. Hondo dzose dzokudenga dzichanyakatika, denga rose richapetwa sorugwaro rwakapetwa; hondo dzaro dzose dzichaoma, sokuoma kwamashizha pamudzambiringa, uye seshizha rinooma pamuonde. Nokuti munondo wangu wanwa ukaguta kudenga; tarirai uchaburukira pamusoro paEdhomu, napamusoro pavanhu vakatukwa neni, kuti vatongwe. Munondo waJehovha uzere neropa, unobwinya namafuta, neropa ramakwayana nerembudzana, namafuta etsvo dzamakondobwe; nokuti Jehovha ane chibayiro chake paBhozira, nokubaya kukuru panyika yaEdhomu. Nyati dzichawa pamwechete navo, nenzombe pamwechete nehandira; nyika yavo ichabatwa neropa, guruva ravo richazara namafuta. Nokuti Jehovha ane zuva rokutsiva, negore rokutsiva zvakaitirwa Zioni.

Pakurirana nevamwe
Isaya 34 SNA2002

Isaya 34:1-8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Swederai padyo imi marudzi avanhu muzonzwa, tererai munzwe imi ndudzi dzavanhu. Nyika ngaiteerere nezvose zviri mairi naipo pasi pose nezvinhu zvose zvazvo zvinobva mairi, nokuti Tenzi avirukira nehasha marudzi ose avanhu ashatirirwa vose zvavo nouwandi hwavo kudaro avatemera kuparadzwa avatemera kuti vakatakazhwe kuurayiwa. Zvitunha zvavo zvichanzi hupukupu kuraswa kunze, zvitunha zvavo zvichaita gutukutu kunhuwa. Makomo achayerera ropa ravo. Gurusvusvu rezvomudenga richaora, matenga omonwa sebhuku rokumononora gurusvusvu razvo zvose richidonha samashizha anosasamuka mumugirepisi samashizha ari kusasamuka mumukuyu. Chikonzero ndechokuti bakatwa rangu ranwa rikaguta nezvokumatenga, hero, rava kuburuka kuzoranga Edhomu pavanhu vandatemera kuparadzwa. Tenzi ane bakatwa bakatwa racho rizere ropa rakanunirira namafuta neropa rehwayana nerembudzi namafuta etsvo dzehondohwe nokuti Tenzi ane chibayiro kuBhozira kukatakazhwa chaiko kwavanhu munyika yeEdhomu. Vacharigirwa pasi pamwechete nenyati nezvigondora zvenzombe uye nehandira dzakasimba. Nyika yavo ichanyata neropa ivhu ravo rakoreswa namafuta nokuti Tenzi ane zuva rake rokutsividza gore rokudzosera achitsividzira Zioni.

Pakurirana nevamwe
Isaya 34 SCLBD

Isaya 34:1-8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Sweɗerai, imi marudzi aʋanhu, munzwe, tererai imi ʋanhu; nyika ŋgainzwe, neɀose ɀayo, pasi pose, neɀose ɀinoɓuɗa’mo. Nokuti Jehova wakatsamŋira marudzi ose, unehasha nehondo dzawo dzose; wakaʋaparadza cose, wakaʋaisa pakuʋurawa. Ʋakaʋurawa ʋaʋo ʋacarashwa kunze, kunhuwa kweɀitunha ɀaʋo kucakwira, makomo acanyauswa neropa raʋo. Hondo dzose dzokuɗeŋga dzicanyakatika, ɗeŋga rose ricapetwa sorugwaro rwakapetwa; hondo dzaro dzose dzicawoma, sokuwoma kwamashizha pamuzambiriŋga, ʋuye seshizha rinowoma pamuʋonde. Nokuti munondo waŋgu wanwa ukaguta kuɗeŋga; tarirai ucaɓurukira pamsoro paEdomi, napamsoro paʋanhu ʋakatukwa neni, kuti ʋatoŋgwe. Munondo waJehova uzere neropa, unobginya namafuta, neropa ramakwaiana nerembudzana, namafuta etȿo dzamakondobge; nokuti Jehova uneciɓayiro cake paBozra, nokuɓaya kukuru panyika yaEdomi. Nyati dzicawa pamŋe cete naʋo, nenzombe pamŋe cete nehando; nyika yaʋo icaɓatwa neropa, guruʋa raʋo ricazara namafuta. Nokuti Jehova unezuʋa rokutsiʋa, negore rokutsiʋa ɀakaitirwa Zioni.

Pakurirana nevamwe
Isaya 34 SUB1949

Isaya 34:1-8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Isaya 34 SCLB