Isaya 33:15-16
Isaya 33:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Munhu anofamba noururami achitaura zvakarurama, anosema upfumi hunowanikwa nokuonesa vanhu ndondo, anozunza maoko ake kuti arege kubata pfumbamuromo, anodzivira nzeve kuti arege kunzwa zvokudeura ropa, anozarira maziso ake kuti arege kutarisa zvinhu zvakaipa. Iyeyo achagara makakwirira nyare yake yokuzvidzivirira ichange iri tsvingo dzamabwe achiwaniswa chokudya chake, mvura yake yokunwa isingamboshayika.
Isaya 33:15-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iye anofamba nokururama uye anotaura zvakanaka, anoramba pfuma inobva pakumanikidza uye anodzivisa ruoko rwake kugamuchira fufuro, anodzivisa nzeve dzake kunzwa rangano dzokuuraya, uye anotsinzina meso ake kuti arege kuona zvakaipa, uyu ndiye munhu achagara pakakwirira, nhare dzegomo dzichava utiziro hwake. Zvokudya zvake achazvipiwa, uye haangashayiwi mvura.
Isaya 33:15-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndiye anofamba nokururama, anotaura zvakarurama; iye anoshora pfuma yakawanikwa nokunyengera, anozuza maoko ake achiramba fufuro, anodzivira nzeve dzake, kuti arege kunzwa mashoko eropa, anotsinzina meso ake kuti arege kutarira zvakaipa; iye achagara pakakwirira, nhare dzamatombo dzichava utiziro hwake; zvokudya zvake achazvipiwa, mvura yake haingapwi.
Isaya 33:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu anofamba noururami achitaura zvakarurama, anosema upfumi hunowanikwa nokuonesa vanhu ndondo, anozunza maoko ake kuti arege kubata pfumbamuromo, anodzivira nzeve kuti arege kunzwa zvokudeura ropa, anozarira maziso ake kuti arege kutarisa zvinhu zvakaipa. Iyeyo achagara makakwirira nyare yake yokuzvidzivirira ichange iri tsvingo dzamabwe achiwaniswa chokudya chake, mvura yake yokunwa isingamboshayika.
Isaya 33:15-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndiye unofamba nokururama, unotaura ɀakarurama; iye unoshoʋora fuma yakawanikwa nokunyeŋgera, unozuza maʋoko ake aciramba fufuro, unodziʋira nzeʋe dzake, kuti arege kunzwa mashoko eropa, unotsinzina meso ake kuti arege kutarira ɀakaipa; iye ucagara pakakwirira, nhare dzamatombo dzicaʋa ʋutiziro bgake; ɀokudya ɀake ucaɀipiwa, mvura yake haiŋgapxi.