Isaya 25:6-9
Isaya 25:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pamusoro pegomo iri, Jehovha Wamasimba Ose achagadzirira vanhu vose mutambo wezvakakora, namabiko ewaini yakare, nyama yakanakisa uye newaini yakaisvonaka. Pamusoro pegomo iri, achaparadza chifukidziro chinoputira marudzi ose, mucheka unofukidza ndudzi dzose; iye achamedza rufu nokusingaperi. Wamasimba Ose achapisika misodzi kubva pazviso zvose; achabvisa kunyadziswa kwavanhu vake panyika yose. Jehovha ataura. Pazuva iro vachati, “Zvirokwazvo uyu ndiye Mwari wedu; takavimba naye, iye akatiponesa. Uyu ndiye Jehovha, takavimba naye; ngatifarei tifarisise muruponeso rwake.”
Isaya 25:6-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pagomo iri Jehovha wehondo achagadzirira marudzi ose avanhu mutambo wezvakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, wezvakakora zvizere nomwongo, wewaini yakagara pamasese yakasvinwa zvakanaka. Pagomo iri uchaparadza chifukidziro chinofukidzira vanhu vose, nechidzitiro chakatasanurwa pamusoro pamarudzi ose. Akaparadza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha achapisika misodzi pazviso zvose; achabvisa kuzvidzwa kwavanhu vake panyika yose; nokuti Jehovha akataura izvozvo. Nezuva iro vachati, “Tarirai, uyu ndiye Mwari wedu; takanga takamumirira, iye achatiponesa; uye ndiye Jehovha, takanga takamumirira, tichafara, nokufarira ruponeso rwake.”
Isaya 25:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pagomo irori, Tenzi wehondo nehondo achaitira ndudzi dzose dzavanhu mabiko ezvakakora, mabiko ewaini isina kana kasese, mabiko ezvakakora zvizere mwongo ewaini yamasese akanyatsosvinwa. Achaparadza pagomo irori chakaputira marudzi ose, dandadzi rakaputira ndudzi dzose dzavanhu. Achatsakatisa rufu nokusingaperi, uye Tenzi, Tenzi achapukuta vose musodzi pamatama, uyewo achabvisa kuzvidzwa kwavanhu vake pasi pose, nokuti Tenzi ndiye azvireva. Pazuva iroro vanhu vachati, “Hauwoneka, uyu ndiye Mwari wedu watanga takamirira kuti atinunure. Uyu ndiTenzi, ndiye watanga takamirira, ngatichifarai tichipemberera kutiponesa kwake.”
Isaya 25:6-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pagomo iri Jehova wehondo ucagadzirira marudzi ose aʋanhu mutambo weɀakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, weɀakakora ɀizere nomŋoŋgo, wewaini yakagara pamasese yakaȿinwa ɀakanaka. Pagomo iri ucaparadza cifukidziro cinofukidzira ʋanhu ʋose, necidzitiro cakatasanurwa pamsoro pamarudzi ose. Wakaparadza rufu nokusiŋgaperi, Ishe Jehova ucapisika misodzi paɀiso ɀose; ucabvisa kuɀidzwa kwaʋanhu ʋake panyika yose; nokuti Jehova wakataura iɀoɀo. Nezuʋa iro ʋacati: Tarirai, uyu ndiye Mŋari weɗu; takaŋga takamumirira, iye ucatiponesa; uyu ndiye Jehova, takaŋga takamumirira, ticafara, nokufarira ruponeso rwake.
Isaya 25:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)