Isaya 2:1-15
Isaya 2:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Izvi ndizvo zvakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi, pamusoro peJudha neJerusarema: Mumazuva okupedzisira, gomo retemberi yaJehovha richasimbiswa, richava guru pakati pamakomo; richakwiridzirwa pamusoro pezvikomo, uye ndudzi dzose dzichamhanyira kwariri. Ndudzi zhinji dzichauya dzichiti, “Uyai ngatiendei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho Iye achatidzidzisa nzira dzake, kuitira kuti tigofamba mumakwara ake.” Nokuti murayiro uchabva paZioni, shoko raJehovha richabva kuJerusarema. Achatonga pakati pendudzi uye achapedza gakava pakati pamarudzi mazhinji. Vachapfura minondo yavo vagoiita miromo yamagejo, namapfumo avo vagoaita mapanga okuchekerera miti nawo. Rudzi rumwe harungazosimudziri munondo kuno rumwe rudzi, kana kuzodzidzirazve kurwa. Uyai, imi imba yaJakobho, ngatifambei muchiedza chaJehovha. Nokuti makasiya vanhu venyu, ivo imba yaJakobho. Vakazara nezvinamato zvokuMabvazuva; vanoita zvokuvuka kufanana navaFiristia, vachibatana maoko nevedzimwe ndudzi. Nyika yavo izere nesirivha negoridhe; pfuma yavo haiperi. Nyika yavo izere namabhiza; ngoro dzavo hadziperi. Nyika yavo izere nezvifananidzo; vanopfugamira mabasa amaoko avo, kuzvinhu zvakaitwa neminwe yavo. Naizvozvo munhu achaderedzwa uye marudzi avanhu achaninipiswa, musavakanganwira. Pinda mumapako, uvande muguruva, ubve mukutyisa kwaJehovha nokubwinya kwoumambo hwake! Meso omunhu anozvikudza achaninipiswa, uye kuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa; asi Jehovha oga ndiye achakudzwa pazuva iro. Nokuti Jehovha Wamasimba Ose ane zuva raakachengetera avo vose vanozvikudza navanodada, navose vanokudzwa (uye vachaninipiswa), nemisidhari yose yeRebhanoni, yakareba neyakakwirira, nemiouki yose yeBhashani, namakomo ose akakwirira, nezvikomo zvose zvakakwirira, neshongwe dzose dzakakwirira, namasvingo ose akasimba
Isaya 2:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shoko rakaonekwa naIsaya, mwanakomana waAmozi, pamusoro paJudha neJerusaremu. Pamazuva okupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo, richakwiridzwa kupfuura zvikomo; marudzi ose achamhanyira kwariri. Vanhu vazhinji vachaendako vachiti, “Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye achatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake;” nokuti murayiro uchabva paZioni, shoko raJehovha richabva Jerusaremu. Iye achatonga pakati pamarudzi, nokururamisira vanhu vazhinji; vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa. Iwe imba yaJakobho, uyai tifambe muchiedza chaJehovha. Nokuti imi Jehovha makasiya vanhu venyu veimba yaJakobho, nokuti vazere netsika dzinobva mabvazuva, vanouka savaFirisitia, vanobatana maoko navana vavatorwa. Nyika yavo izere nesirivha nendarama, pfuma yavo haiperi; nyika yavo izerewo namabhiza, nengoro dzavo dzokurwa hadziperi. Nyika yavo izerewo nezvifananidzo; vanonamata zvakaitwa namaoko avo, izvo zvakaitwa neminwe yavo. Vanhu vaduku vakakotamiswa, navakuru vakaninipiswa; saka musavakanganwira. Pinda mudombo, uvande muguruva, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kwokubwinya kwoumambo hwake. Kuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa, namanyawi avanhu achaninipiswa, Jehovha oga achakudzwa nezuva iro. Nokuti Jehovha wehondo ane zuva rake pamusoro pavose vanodada navanozvikudza, navana manyawi; vachaderedzwa; napamusoro pemisidhari yose yeRebhanoni yakareba yakakwirira; napamusoro pamiouki yose yeBhashani, napamusoro pamakomo ose marefu, napamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira, napamusoro peshongwe dzose refu, napamusoro pamasvingo ose akasimbiswa
Isaya 2:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvinhu zvakaoneswa Isaya mwanakomana waAmozi zvakanangana nenyika yokwaJudha neguta reJerusaremu, Zvichazoitika pamazuva ari kuuya kuti gomo reTemberi yaTenzi richanyatsoti dzu-u pamusoro pemamwe makomo zvokupfuurira zvikomo kureba marudzi ose achakotonokera kwariri; ndudzi dzavanhu dzisingaverengeki dzichauyako dzichiti, “Uyai tikwire kugomo raTenzi, kuTemberi yaMwari waJakobho atidzidzise nzira dzake kuti tigofamba mumakwara ake.” Ndinodaro nokuti muGomo reZioni ndimo munobva mutemo uye shoko raTenzi rinobva muJerusaremu. Achatonga marudzi ose evanhu achienzanisa mhosva dzendudzi dzavanhu dzakawanda; vachapfura mapakatwa avo vachiaita miromo yemagejo, mapfumo vachiaita majeko okupemhenesa. Hakuna rudzi ruchazosimudzira rumwe rudzi zvarwo bakatwa, zvokudzidzisana kurwa hondo pachange pasisina. Douyai nhaimi vemba yaJakobho tifambe muchiedza chaTenzi. Chiripo ndechokuti imi makaramba vanhu venyu, imba yaJakobho pamusana pokuti mavari muzere vashoperi vokumabvazuva nevanofembera namaminimini sevaFirisitia uye vanotorovana zvavo maoko nevechirudzi. Nyika yavo izere nesirivha nendarama, upfumi hwavo hauverengeki. Nyika yakazara namabhiza, ngoro dzavo dzehondo hadziverengeki. Nyika yavo izere zvifananidzo zvokunamata vanopfugamira basa ravakaita namaoko avo zvinhu zvavakaita ivo neminwe yavo. Ipapo munhu anoninipiswa, munhu anodukupiswa. Musavaregerere zvitadzo zvavo! Pindai mubako, hwandai muvhu, muhwande hasha dzaTenzi muhwande mbiri youkuru hwake. Kutarisa kwomunhu kune kuzvikudza mukati, kuchadukupiswa kuzvikudza kwomunhu kuchininipiswa. Tenzi ndiye chete acharumbidzwa musi iwoyo. Ndinodaro nokuti Tenzi wehondo nehondo, ane zuva rake, zuva raachaworora kudada kwose nokuzvikudza achiwororawo zvose, manyawi nokuzvitutumadza. Zuva raachaworora miti yose yemisidhari yokuRebhanoni ina manyawi, inozvitutumadza achiworora miti yose yemioku yokuBhashani achiwororawo makomo marefu ose nokuworora zvikomo zvose zvakati dzu-u kumira. Achaworora nharire ndefu yose yose nokuwororawo guta rose rakavakirwa netsvingo
Isaya 2:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shoko rakaʋonekwa naIsaya, mŋanakomana waAmozi, pamsoro paJuda neJerusarema. Pamazuʋa okupedzisira ɀicaitika kuti gomo reimba yaJehova ricasimbiswa pamsoro pamakomo, ricakwiridzwa kupfuʋura ɀikomo; marudzi ose acamhanyira kwariri. Ʋanhu ʋazhinji ʋacaenda’ko ʋaciti: Ʋuyai, ŋgatikwire kugomo raJehova, kuimba yaMŋari waJakobo; iye ucatidzidzisa nzira dzake, ticafamba mumakwara ake; nokuti murairo ucabva paZioni, shoko raJehova ricabva Jerusarema. Iye ucatoŋga pakati pamarudzi, nokururamisira ʋanhu ʋazhinji; ʋacapfura minondo yaʋo ʋaciiita mapadza, namapfumo aʋo ʋaciaita mapaŋga okucekerera miti; rumŋe rudzi haruŋgazosimudziri rumŋe rudzi munondo, haʋaŋgazodzidzi kurwa. Iwe imba yaJakobo, ʋuyai tifambe muciedza caJehova. Nokuti imi Jehova makasiya ʋanhu ʋenyu ʋeimba yaJakobo, nokuti ʋazere netsika dzinobva mabvazuʋa, ʋanoʋuka saʋaFiristia, ʋanoɓatana maʋoko naʋana ʋaʋatorwa. Nyika yaʋo izere nesirveri nendarama, fuma yaʋo haiperi; nyika yaʋo izere ʋo namabiza, neŋgoro dzaʋo dzokurwa hadziperi. Nyika yaʋo izere ʋo neɀifananidzo; ʋanonamata ɀakaitwa namaʋoko aʋo, iɀo ɀakaitwa neminwe yaʋo. Ʋanhu ʋaɗuku ʋakakotamiswa, naʋakuru ʋakaninipiswa; saka musaʋakaŋganwira. Pinda muɗombo, uʋande muguruʋa, nokuɗa kwaJehova unotyisa, ʋuye nokuɗa kwokubginya kwoʋumambo bgake. Kuɀikudza kwaʋanhu kucaɗeredzwa, namanyawi aʋanhu acaninipiswa, Jehova oga ucakudzwa nezuʋa iro. Nokuti Jehova wehondo unezuʋa rake pamsoro paʋose ʋanoɗaɗa naʋanoɀikudza, naʋanamanyawi; ʋacaɗeredzwa; napamsoro pemisidari yose yeRebanoni yakareɓa yakakwirira; napamsoro pemiouki yose yeBashani, napamsoro pamakomo ose marefu, napamsoro peɀikomo ɀose ɀakakwirira, napamsoro peshoŋgwe dzose refu, napamsoro pamaȿiŋgo ose akasimbiswa
Isaya 2:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)