Isaya 19:20-21
Isaya 19:20-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ichava chiratidzo nechapupu kuna Jehovha Wamasimba Ose munyika yeIjipiti. Pavanodanidzira kuna Jehovha nokuda kwavamanikidzi vavo, achavatumira muponesi nomurwiri, ipapo achavanunura. Saka Jehovha achazviratidza kuvaIjipita, uye pazuva iro vachaziva Jehovha. Vachanamata nezvibayiro uye nezvipiriso zvezviyo; vachaita mhiko kuna Jehovha uye vagodzichengeta.
Isaya 19:20-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvichava chiratidzo nechapupu chaJehovha wehondo panyika yeIjipiti; nokuti vachadanidzira kuna Jehovha nemhaka yavamanikidzi, achavatumira muponesi nomurwiri, iye achavaponesa. Jehovha achazviratidza kuIjipiti, navaIjipiti vachaziva Jehovha nezuva iro; zvirokwazvo vachamunamata nezvibayiro nezvipo, vachapikira Jehovha mhiko, nokuzviita.
Isaya 19:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvichange zviri chiratidzo chinopupurira Tenzi wehondo nehondo munyika yeIjipiti pavanochema kuna Tenzi pamusana pevanodzvinyirira vamwe iye anozovatumira mununuri achavadzivirira achivaponesa. Tenzi achazvizivisa kuvaIjipiti, vaIjipiti vachazivawo Tenzi pazuva iroro vagomupfugamira nokupira kwaari zvibayiro nomupiro wokupisa. Vachapika mhiko kuna Tenzi vachidzichengeta.
Isaya 19:20-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀicaʋa ciratidzo necapupu caJehova wehondo panyika yeEgipita; nokuti ʋacaɗanidzira kunaJehova nemhaka yaʋamanikidzi, ucaʋatumira muponesi nomurwiri, iye ucaʋaponesa. Jehova ucaɀiratidza kuEgipita, naʋaEgipita ʋacaziʋa Jehova nezuʋa iro; ɀirokwaɀo ʋacamunamata neɀiɓayiro neɀipo, ʋacapikira Jehova mhiko, nokuɀiita.
Isaya 19:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)