Isaya 18:2 - Compare All Versions
Isaya 18:2 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
inotuma nhume nenzira yomugungwa, muzvikepe zvenhokwe pamusoro pemvura. Endai, imi nhume dzinokurumidza, kuvanhu vakareba uye vane ganda rinotsvedzerera, kuvanhu vanotyiwa kure napedyo, rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki, rune nyika yakakamurwa nenzizi.
Isaya 18:2 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
inotuma nhume nenzira dzegungwa namagwa enhokwe pamusoro pemvura, ichiti, “Endai, imi nhume dzinokurumidza, kurudzi rwavanhu vakareba vakanaka kumeso, kuvanhu vanotyiwa kwose-kwose, rudzi rune simba, runotsika-tsika pasi, rune nyika inokamurwa nenzizi.
Isaya 18:2 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
inotumira vamiririri nomuna Nairi nomagwa enhokwe pamvura, ichiti, “Chiendai imi nhumwa dzinokurumidza kuvanhu varefu vane ganda rinotsvedzerera vanhu vanotyiwa padyo nokurekure rudzi rune simba runokurira rune nyika yakakamuraniswa nehova.
Isaya 18:2 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
inotuma nhume nenzira dzeguŋgwa namagwa enhokwe pamsoro pemvura, iciti: Endai, imi nhume dzinokurumidza, kurudzi rwaʋanhu ʋakareɓa ʋakanaka kumeso, kuʋanhu ʋanotyiwa kwose‐kwose, rudzi runesimba, runotsika‐tsika pasi, runenyika inokamurwa nenzizi.
Isaya 18:2 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)