Isaya 18:1-7
Isaya 18:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ine nhamo nyika yokutinhira kwamapapiro inotevedza nzizi dzeEtiopia, inotuma nhume nenzira yomugungwa, muzvikepe zvenhokwe pamusoro pemvura. Endai, imi nhume dzinokurumidza, kuvanhu vakareba uye vane ganda rinotsvedzerera, kuvanhu vanotyiwa kure napedyo, rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki, rune nyika yakakamurwa nenzizi. Imi mose muri pasi pose, imi munogara panyika, kana mureza wasimudzwa pamusoro pamakomo, muchauona, uye kana hwamanda yarira, muchainzwa. Zvanzi naJehovha kwandiri: “Ndicharamba ndinyerere uye ndichatarira ndiri paugaro hwangu, samanyirinyiri omushana unopisa, segore redova mukupisa kwokukohwa.” Nokuti, kukohwa kusati kwasvika, kana kutungira kwamaruva kwaguma, uye ruva rova muzambiringa woibva, achagura mabukira namapanga okurangura, achatemera pasi uye agorasira kure matavi akatandavara. Zvose zvichasiyirwa magora omugomo nokuzvikara zvesango; shiri dzichazvidya chirimo chose, uye zvikara zvesango zvichazvidya muchando chose. Panguva iyoyo, zvipo zvichavigirwa Jehovha Wamasimba Ose, zvichibva kuvanhu vakareba vane ganda rinotsvedzerera, kubva kuvanhu vanotyiwa kwose kwose, rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki, rudzi rune nyika yakakamurwa nenzizi, zvipo zvichauyiswa kuZioni, nzvimbo yeZita raJehovha Wamasimba Ose.
Isaya 18:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Haiwa, nyika yokuvirira kwamapapiro, iri mhiri kwenzizi dzeItiopia; inotuma nhume nenzira dzegungwa namagwa enhokwe pamusoro pemvura, ichiti, “Endai, imi nhume dzinokurumidza, kurudzi rwavanhu vakareba vakanaka kumeso, kuvanhu vanotyiwa kwose-kwose, rudzi rune simba, runotsika-tsika pasi, rune nyika inokamurwa nenzizi. “Imi mose muri pasi pose, nemi mugere panyika, kana mureza uchisimudzwa pamakomo, tarirai; kana hwamanda ichiridzwa, inzwai!” Nokuti Jehovha akataura kwandiri kudai, “Ndichanyarara, ndichatarira ndiri paugaro hwangu, sokupisa kwezuva pamushana, seguti pakupisa kwenguva yokukohwa.” Nokuti kukohwa kusati kwasvika, kana maruva azuka, ruva rashanduka dzambiringa roda kuibva, achagura matavi namapanga; namatavi anotandira achaabvisa nokuatema. Ose pamwechete achasiyirwa magora ari pamakomo, nezvikara zvenyika; magora achagara pamusoro pavo chirimo chose, nezvikara zvenyika zvichapedza chando pamusoro pavo. Nenguva iyo Jehovha wehondo achavigirwa zvipo norudzi rwavanhu vakareba vakanaka kumeso, vanhu vanotyiwa kwose-kwose, rudzi rune simba, runotsika-tsika pasi, rune nyika inokamurwa nenzizi, kunzvimbo yezita raJehovha wehondo, kugomo reZioni.
Isaya 18:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hameno zvayo nyika yamapapiro anobhabhama iri mhiri kwenzizi dzokuItiopia inotumira vamiririri nomuna Nairi nomagwa enhokwe pamvura, ichiti, “Chiendai imi nhumwa dzinokurumidza kuvanhu varefu vane ganda rinotsvedzerera vanhu vanotyiwa padyo nokurekure rudzi rune simba runokurira rune nyika yakakamuraniswa nehova. “Imi mose vagari vapasi pose imi mugere panyika, kana pamakomo pasimudzwa mucherechedzo, tarisai, kana kwaridzwa bhosvo, teererai nokuti Tenzi ati kwandiri, ‘Ndichatarisa chinyararire ndiri kwandigere sokupisa kwezuva masikati machena, souma hwenguva yokupisa yapakukohwa.’ “Ndinodaro nokuti, panongoti kutumbuka perei ruva racho rava girepisi ratookuibva, achacheka nhungirwa dzacho nejeko rokupemhenesa, mapazi akatandavara achiatema. Vose zvavo vachasiyiwa vave nyama yeshiri dzomumakomo nokuzvikara zvapasi pano. Vachasaruka vachidyiwa, muzhizha vachichochonhwa neshiri, pachirimo vachibubunwa nezvikara zvesango. “Panguva iyo mipiro ichaunzwa kuna Tenzi wehondo nehondo zvichibva kuvanhu varefu vane ganda rinotsvedzerera, vanhu vanotyiwa padyo nokurekure, rudzi rune simba runokurira, rune nyika yakakamuraniswa nehova vachiuya nayo kuGomo reZioni nzvimbo ine zita raTenzi wehondo nehondo.”
Isaya 18:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haiwa, nyika yokuʋirira kwamapapiro, iri mhiri kwenzizi dzeEtiopia; inotuma nhume nenzira dzeguŋgwa namagwa enhokwe pamsoro pemvura, iciti: Endai, imi nhume dzinokurumidza, kurudzi rwaʋanhu ʋakareɓa ʋakanaka kumeso, kuʋanhu ʋanotyiwa kwose‐kwose, rudzi runesimba, runotsika‐tsika pasi, runenyika inokamurwa nenzizi. Imi mose muri pasi pose, nemi mugere panyika, kana mureza ucisimudzwa pamakomo, tarirai; kana hwamanda iciridzwa, inzwai! Nokuti Jehova wakataura kwandiri kuɗai: Ndicanyarara, ndicatarira ndiri paʋugaro bgaŋgu, sokupisa kwezuʋa pamushana, seguti pakupisa kweŋguʋa yokukohwa. Nokuti kukohwa kusati kwaȿika, kana maruʋa azuka, ruʋa rashanduka zambiriŋga roɗo‐kuibva, ucagura mataʋi namapaŋga; namataʋi anotandira ucaabvisa nokuatema. Ose pamŋe cete acasiyirwa magora ari pamakomo, neɀikara ɀenyika; magora acagara pamsoro paʋo cirimo cose, neɀikara ɀenyika ɀicapedza cando pamsoro paʋo. Neŋguʋa iyo Jehova wehondo ucaʋigirwa ɀipo norudzi rwaʋanhu ʋakareɓa ʋakanaka kumeso, ʋanhu ʋanotyiwa kwose‐kwose, rudzi runesimba, runotsika‐tsika pasi, runenyika inokamurwa nenzizi, kunɀimbo yezita raJehova wehondo, kugomo reZioni.
Isaya 18:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)