Isaya 14:9-16
Isaya 14:9-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pasi, iro sheori razungunuka kuti rinangane newe pakuuya kwako; riri kumutsa mweya yavakaenda kuti izokukwazisai, vose vakaenda vari vatungamiri munyika; rinoita kuti vasimuke pazvigaro zvavo zvoushe, vose vakanga vari madzimambo endudzi. Vose vachapindura, vachati kwauri, “Newewo hauchisina simba, sesu; wangofanana nesu.” Kuzvikudza kwako kwose kwaderedzwa kusvika muguva, pamwe chete nokurira kworudimbwa rwako; honye dzawarirwa pasi pako uye makonye anokufukidza. Haiwa, wawa seiko, uchibva kudenga, iwe nyamasase yamangwanani, mwanakomana wamambakwedza! Wakakandwa panyika, iyewe wakambowisira ndudzi pasi! Wakati mumwoyo mako, “Ndichakwira kudenga; ndichasimudzira chigaro changu choushe pamusoro penyeredzi dzaMwari; ndichagara pachigaro changu choushe pagomo reungano, pamusoro pegomo dzvene. Ndichakwira pamusoro-soro pamakore; ndichazviita seWokumusoro-soro.” Asi waderedzwa kusvika kuguva, kwakadzika dzika kwegomba. Vose vanokuona vanokunanʼanidza, vachafungisisa zvamagumo ako vachiti, “Ndiye here murume uya akazungunutsa nyika, akadederesa ushe
Isaya 14:9-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Sheori pasi rine nyongano pamusoro pako kuzosangana newe pakuuya kwako; rinokumutsira vakafa, ivo vose vaiva vakuru panyika; ramutsa madzimambo ose amarudzi avanhu pazvigaro zvavo zvoushe. Ivo vose vachapindura, vachiti kwauri, ‘Newe wava usina simba sesu kanhi? Iwe wafanana nesu kanhi?’ “Kuzvikudza kwako kwaderedzwa kusvikira paSheori, nokurira kwoudimbwa hwako; honye dziri pasi pako, nehonye dzinokufukidza. “Haiwa, wawa seiko uchibva kudenga, iwe nyamasase, iwe mwanakomana wamambakwedza! Wakandwa seiko pasi, iwe wokuwisira marudzi pasi! Iwe wakati mumwoyo mako, ‘Ndichakwira kudenga, ndichakwiridza chigaro changu choushe kumusoro kwenyeredzi dzaMwari; ndichagara pamusoro pegomo reungano, pamigumo yamativi okumusoro; ndichakwira kumusoro kwamakore, ndichazvienzanisa noWokumusoro-soro.’ Kunyange zvakadaro uchaderedzwa kusvikira paSheori, kusvikira pakadzika pegomba. “Vanokuona vachakucherekedza, vachakutarira, vachiti, ‘Ko uyu ndiye munhu aidederesa nyika, aizunungusa ushe
Isaya 14:9-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Nzvimbo yavakafa, yavachakabvu yatozhandanuka kuzochingurana newe, paunosvikako inomutsa vachakabvu kuti vakukwazise vaiva vatungamiriri panyika. Inovasimudza pazvigaro zvavo zvoumambo vose vaimbova madzimambo endudzi dzavanhu. Vose vachataurawo kwauri vachiti, ‘Newe wachitiwo rukutu sesu! Tafanana! Kuenda mbiri kwako nomutinhimira wemadimbwa ako zvachinzi pasi mbombombo, munzvimbo yevachakabvu, zvidukutse ndizvo zvava bonde rako, poworara honye ndodzava gumbeze rako.’ “Zvakuvingaka! Kutotozomoka mudenga kudai, iwe Nyamatsatsi, hweva yamangwanani zvauya sei kuti unzi pasi rikiti, iyewe waimbombomesa ndudzi dzavanhu, waizviti nechomumwoyo, ‘Ndichaita chitundumusere-musere chaicho kukwira kudenga kupfuura nyenyedzi dzaMwari, ndiise chigaro changu choumambo pamusoro, nditi zvangu tendhe kugara pagomo padare ravo riri kuchamhembe uko. Ndichakwira kumusoro kwamakute, ndizviite soWokumusorosoro.’ Asi waunzwa pasi kunzvimbo yevachakabvu pasi pasi chaipo peGomba. Vachakuona vacharamba vakakuti kanha kutarisa vachifunga nezvako vachiti; ‘Ndiye here chokwadi munhu aiita kuti pasi padedere uyu? Aingwendesa dzinyika
Isaya 14:9-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Sheori pasi rinenyoŋgano pamsoro pako kuzosoŋgana newe pakuʋuya kwako; rinokumutsira ʋakafa, iʋo ʋose ʋaiʋa ʋakuru panyika; ramutsa madzimambo ose amarudzi aʋanhu paɀigaro ɀawo ɀoʋushe. Iʋo ʋose ʋacapindura, ʋaciti kwauri: Newe waʋa usinesimba sesu kanhi? Iwe wafanana nesu kanhi? Kuɀikudza kwako kwaɗeredzwa kuȿikira paSheori, nokurira kwoʋuɗimbga bgako; honye dziri pasi pako, nehonye dzinokufukidza. Haiwa, wawa seiko ucibva kuɗeŋga, iwe nyamasase, iwe mŋanakomana wamambakwedza! Wakandwa seiko pasi, iwe wokuwisira marudzi pasi! Iwe wakati mumŋoyo mako: Ndicakwira kuɗeŋga, ndicakwiridza cigaro caŋgu coʋushe kumsoro kwenyeredzi dzaMŋari; ndicagara pamsoro pegomo reʋuŋgano, pamigumo yamatiʋi okumsoro; ndicakwira kumsoro kwamakore, ndicaɀienzanisa noWokumsorosoro. Kunyaŋge ɀakaɗaro ucaɗeredzwa kuȿikira paSheori, kuȿikira pakadzika pegomba. Ʋanokuʋona ʋacakucerekedza, ʋacakutarira, ʋaciti: Ko uyu ndiye munhu waiɗeɗeresa nyika, waizunuŋgusa ʋushe
Isaya 14:9-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)