Hosea 6:1-3
Hosea 6:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Uyai tidzokere kuna Jehovha. Akatibvambura kutiita zvidimbu zvidimbu, asi achatiporesa; akatikuvadza, asi achasungazve mavanga edu. Mushure mamazuva maviri achatimutsiridza; pazuva rechitatu achatidzorazve, kuti tirarame pamberi pake. Ngatimuzivei iye Jehovha; ngatishingairirei kumuziva. Zvirokwazvo sokubuda kwezuva, achaonekwa; achauya kwatiri semvura yomuchando, semvura yebumharutsva inodiridza nyika.”
Hosea 6:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Uyai, tidzokera kuna Jehovha; nokuti akabvambura, asi achatipodzazve; akarova, asi achatisungazve patakakuvara. Kana mazuva maviri apera achatiraramisa, nezuva rechitatu achatimutsazve, tirarame pamberi pake. Ngatimuzive, ngatishingaire kuziva Jehovha; kubuda kwake kwakatemwa sokwamangwanani; achauya kwatiri semvura, semvura yokuteverera inodiridza nyika.”
Hosea 6:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Uyai tidzokere kuna Tenzi nokuti ndiye akatibvambura kudai, kuti atirape; ndiye akadai kutirova, achatisunga maronda. Mushure memazuva kana maviri zvawo achatimutsurudza, mune rechitatu iri achitimutsa kuti tigare zvedu naye. Ngatizivei, ngativavarirei kuziva Tenzi kuuya kwake kuri pachokwadi sokusvika kunoita mambakwedza, achauya kwatiri semvura inonaya semvura yomunhuruka inodiridza nyika.
Hosea 6:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋuyai, tidzokere kunaJehova; nokuti wakabvambura, asi ucatipodza ɀe; wakaroʋa, asi ucatisuŋga ɀe patakakuʋara. Kana mazuʋa maʋiri apera ucatiraramisa, nezuʋa recitatu ucatimutsa ɀe, tirarame pamberi pake. Ŋgatimuziʋe, ŋgatishiŋgaire kuziʋa Jehova; kuɓuɗa kwake kwakatemŋa sokwamaŋgwanani; ucaʋuya kwatiri semvura, semvura yokuteʋerera inoɗiridza nyika.
Hosea 6:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)