Hosea 6:1-11 - Compare All Versions
Hosea 6:1-11 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uyai tidzokere kuna Jehovha. Akatibvambura kutiita zvidimbu zvidimbu, asi achatiporesa; akatikuvadza, asi achasungazve mavanga edu. Mushure mamazuva maviri achatimutsiridza; pazuva rechitatu achatidzorazve, kuti tirarame pamberi pake. Ngatimuzivei iye Jehovha; ngatishingairirei kumuziva. Zvirokwazvo sokubuda kwezuva, achaonekwa; achauya kwatiri semvura yomuchando, semvura yebumharutsva inodiridza nyika.” “Ndichaiteiko newe, Efuremu? Ndichaiteiko newe, Judha? Rudo rwenyu rwakafanana nemhute yamangwanani, sedova ramangwanani rinopera. Naizvozvo ndinokugurai ndichikuitai zvidimbu zvidimbu navaprofita vangu, ndakakuurayai namashoko omuromo wangu, kutonga kwangu kwakapenya semheni kwamuri. Nokuti ndinoda ngoni, kwete zvibayiro, nokuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa. SaAdhamu, vakaputsa sungano, vakanga vasina kutendeka kwandiri ipapo. Gireadhi iguta ravarume vakaipa, rakasvibiswa norunyoro rwetsoka dzeropa. Samakororo anovandira munhu, ndizvo zvinoita boka ravaprista. Vanouraya vanhu panzira inoenda kuShekemu, vachipara mhosva dzinonyadzisa. Ndakaona chinhu chakaipa kwazvo muimba yaIsraeri. Imomo Efuremu anoita ufeve uye Israeri anosvibiswa. “Nokwauriwo iwe, Judha, kukohwa kwatarwa.
Hosea 6:1-11 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Uyai, tidzokera kuna Jehovha; nokuti akabvambura, asi achatipodzazve; akarova, asi achatisungazve patakakuvara. Kana mazuva maviri apera achatiraramisa, nezuva rechitatu achatimutsazve, tirarame pamberi pake. Ngatimuzive, ngatishingaire kuziva Jehovha; kubuda kwake kwakatemwa sokwamangwanani; achauya kwatiri semvura, semvura yokuteverera inodiridza nyika.” “Aiwa, Efuremu, ndichakuitei? Aiwa, Judha ndichakuitei? Nokuti kunaka kwenyu kwakaita semhute yamangwanani, uye sedova rinokurumidza kuenda. Naizvozvo ndakavatema navaporofita; ndakavauraya namashoko omuromo wangu, zvandakatonga zvakaita sechiedza chinobuda. Nokuti ndinoda rudo, handidi zvibayiro, uye kuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa. “Asi vakadarika sungano saAdhamu, ndipapo pavakandinyengera. Gireadhi iguta ravanoita zvakaipa, rina mwakwapa eropa. Sezvakaita makororo anovandira munhu, saizvozvo boka ravapristi rinouraya panzira inoenda Shekemi; zvirokwazvo, vakaita zvinonyadzisa. Paimba yaIsiraeri ndakaona chinhu chinonyangadza kwazvo, pakati paEfuremu panohufeve, Isiraeri vakasvibiswa. “Newewo, Judha, wakagadzirirwa kukohwa, nenguva yandinodzosa kutapwa kwavanhu vangu.
Hosea 6:1-11 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ʋuyai, tidzokere kunaJehova; nokuti wakabvambura, asi ucatipodza ɀe; wakaroʋa, asi ucatisuŋga ɀe patakakuʋara. Kana mazuʋa maʋiri apera ucatiraramisa, nezuʋa recitatu ucatimutsa ɀe, tirarame pamberi pake. Ŋgatimuziʋe, ŋgatishiŋgaire kuziʋa Jehova; kuɓuɗa kwake kwakatemŋa sokwamaŋgwanani; ucaʋuya kwatiri semvura, semvura yokuteʋerera inoɗiridza nyika. Haiwa, Efraimi, ndicakuitei? Haiwa, Juda ndicakuitei? Nokuti kunaka kwenyu kwakaita semhute yamaŋgwanani, ʋuye seɗoʋa rinokurumidza kuenda. Naiɀoɀo ndakaʋatema naʋaprofita; ndakaʋaʋuraya namashoko omuromo waŋgu, ɀandakatoŋga ɀakaita seciedza cinoɓuɗa. Nokuti ndinoɗa ruɗo, handiɗi ɀiɓayiro, ʋuye kuziʋa Mŋari kupfuʋura ɀipiriso ɀinopiswa. Asi ʋakaɗarika suŋgano saAdama, ndipapo paʋakandinyeŋgera. Gireadi iguta raʋanoita ɀakaipa, rinamakwapa eropa. Seɀakaita makororo anoʋandira munhu, saiɀoɀo ɓoka raʋaprista rinoʋuraya panzira inoenda Shekemi; ɀirokwaɀo, ʋakaita ɀinonyadzisa. Paimba yaIsraeri ndakaʋona cinhu cinonyaŋgadza kwaɀo: Pakati paEfraimi panoʋufeʋe, Israeri ʋakaȿiɓiswa. Newe ʋo, Juda, wakagadzirirwa kukohwa, neŋguʋa yandinodzosa kutapxa kwaʋanhu ʋaŋgu.
Hosea 6:1-11 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Uyai tidzokere kuna Tenzi nokuti ndiye akatibvambura kudai, kuti atirape; ndiye akadai kutirova, achatisunga maronda. Mushure memazuva kana maviri zvawo achatimutsurudza, mune rechitatu iri achitimutsa kuti tigare zvedu naye. Ngatizivei, ngativavarirei kuziva Tenzi kuuya kwake kuri pachokwadi sokusvika kunoita mambakwedza, achauya kwatiri semvura inonaya semvura yomunhuruka inodiridza nyika. “Ndodiiko nemi vanhu vokwaEfuremu? Ndodiiko ini nemi vanhu vokwaJudha? Rudo rwenyu, rwakaita semhute yemangwanani, sedova zvaro risingatani kunyungudika. Ndokusaka ndakavapanha nevaporofita, ndichivasakadza kuuraya namazwi omuromo wangu. Kutonga kwangu kunoti bha-a kuvheneka sechiedza. Ndinodaro nokuti chandinoda ini, rudo chairwo kwete zvibayiro, uye kuziva Mwari pane kupirwa mipiro yokupisa. “Asi savanhu vakatyora Chitenderano ikoko havana kuva vanhu vakatendeseka kwandiri. Gireadhi iguta ravaiti vezvakaipa, guta revadeuri veropa. Sezvinongoita makororo kuhwandira vanhu ndizvozvo zviri kuitwa navapristi, vanouraya vanhu panzira inoenda Shikemu. Ndozvavanoita chaizvo zvakaipisa. Ndakaona chinhu chakaipisisa muimba yokwaIsiraeri VokwaEfuremu vanoita ufeve vachin'oresa vanhu vokwaIsiraeri, nemiwo vokwaJudha muchakohwa mubayiro wenyu wakakumirirai. Pandichadzosa kutapwa vanhu vangu.”
Hosea 6:1-11 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)