Skip to content
Logo yeApp yeBhaibheri

Hosea 2:9 - Enzanisa Shanduro Dzose

Hosea 2:9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Naizvozvo ndichavatorera zviyo zvangu kana zvaibva, newaini yangu itsva nenguva yayo. Ndichatora makushe angu nomucheka wangu zvaifanira kufukidza kushama kwavo.

Pakurirana nevamwe
Hosea 2 BDSC

Hosea 2:9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Saka ndichamutorera zviyo zvangu nenguva yazvo, newaini yangu itsva nenhambo yazvo, ndichabvisa makushe angu neshinda yangu zvaifanira kufukidza kushama kwake.

Pakurirana nevamwe
Hosea 2 SNA2002

Hosea 2:9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Saka ndicamutorera ɀiyo ɀaŋgu neŋguʋa yaɀo, newaini yaŋgu itȿa nenhambo yaɀo, ndicabvisa makushe aŋgu necinda yaŋgu ɀaifanira kufukidza kushama kwake.

Pakurirana nevamwe
Hosea 2 SUB1949

Hosea 2:9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Naizvozvo ini ndichavatorera mbesanwa dzangu panguva yadzo newaini yangu itsva mumwaka wayo, ndichabvisa wuru yangu neshinda yangu yefurakisi yavaizowana nayo zvokupfeka.

Pakurirana nevamwe
Hosea 2 SCLB

Hosea 2:9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Naizvozvo ini ndichavatorera mbesanwa dzangu panguva yadzo newaini yangu itsva mumwaka wayo, ndichabvisa wuru yangu neshinda yangu yefurakisi yavaizowana nayo zvokupfeka.

Pakurirana nevamwe
Hosea 2 SCLBD