Hosea 2:5
Hosea 2:5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mai vavo vakanga vasina kutendeka uye vakavaberekera mune zvinonyadzisa. Vakati, ‘Ndichateverazve vadiwa vangu, vanondipa zvokudya zvangu nemvura yangu, makushe angu nomucheka wangu, mafuta angu nezvokunwa zvangu.’
Hosea 2:5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
nokuti mai vavo vakafeva; vakavabereka vakaita zvinonyadzisa, nokuti vakati, “Ndichatevera vadikani vangu, vanondipa zvokudya zvangu nemvura yangu, namakushe angu neshinda yangu, namafuta angu nezvokunwa zvangu.”
Hosea 2:5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
pamusana pokuti amai venyu vakaita ufeve, ivo vakabata pamuviri penyu ndivo vacho vakaita zvinhu zvakafumuka nokuti amai ava vakati, “Regai nditeveredzane nezvikomba zvangu zvinondiwanisa sadza nemvura newuru neshinda yofurakisi namafuta nezvokunwira-nwira.”
Hosea 2:5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
nokuti mai ʋaʋo ʋakafeʋa; wakaʋaɓereka wakaita ɀinonyadzisa, nokuti wakati: Ndicateʋera ʋaɗikani ʋaŋgu, ʋanondipa ɀokudya ɀaŋgu nemvura yaŋgu, namakushe aŋgu necinda yaŋgu, namafuta aŋgu neɀokunwa ɀaŋgu.
Hosea 2:5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)