Hosea 2:14-20
Hosea 2:14-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Naizvozvo zvino ndichazovakwezva; ndichavatungamirira kurenje ndigotaura zvinyoronyoro kwavari. Ikoko ndichavadzosera minda yavo yemizambiringa uye ndichaita kuti mupata weAkori uve musuo wetariro. Ikoko vachaimba sapamazuva oumhandara hwavo, sapamazuva avakabuda kubva muIjipiti. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “Uchanditi ‘murume wangu;’ hauchazonditi ‘tenzi wangu.’ Ndichabvisa mazita avanaBhaari pamiromo yavo; havangazodani kumazita avozve. Pazuva iro ndichavaitira sungano nemhuka dzesango neshiri dzedenga uye nezvipuka zvinokambaira pasi. Uta nomunondo nehondo, ndichazvibvisa panyika kuti zvose zvivate pasi zvakachengetedzeka. Ndichatsidza kukuwana uve wangu nokusingaperi; ndichatsidza kukuwana mukururama uye nomukururamisira, murudo netsitsi. Ndichatsidza kukuwana mukutendeka, uye uchabvuma kuti ndini Jehovha.
Hosea 2:14-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saka tarirai, ndichamunyengera nokumuisa kurenje, ndichitaura zvinofadza mwoyo wake. Ndichamupa minda yake yemidzambiringa zvichibva ipapo, nomupata waAkori uve mukova wetariro kwaari; achapindura aripo, sapamazuva ousikana hwake, uye sapazuva raakabuda panyika yeIjipiti. Zvino nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, achandiidza Ishi, haungazondiidzi Bhaari. Nokuti ndichabvisa mazita avaBhaari mumuromo make, havangazozikanwi namazita avo. Nezuva iro ndichavaitira sungano nemhuka dzokusango, neshiri dzokudenga, nezvinokambaira zvapasi; ndichavhuna uta nomundo nehondo panyika, ndivavatise pasi vakachengetwa. Ndichakunyenga uve wangu nokusingaperi; zvirokwazvo ndichakunyenga uve wangu nokururama, nokururamisira, nounyoro, nenyasha. Ndichakunyenga uve wangu nokutendeka; ipapo uchaziva Jehovha.
Hosea 2:14-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo chinzwai, ndichanyengetedza amai venyu ndiende navo kurenje nditaure navo zvinovabata mwoyo. Ikoko ndokwandichavadzosera minda yavo yamagirepisi ndigoita kuti Bani rokutambura rive musuo wechitarisiro. Ikokowo vachadaira sapamazuva avo oumhandara senguva iya yavakabuda muIjipiti. Zvanzi naTenzi, pazuva iroro, mudzimai iwe uchazondidaidza kuti, “Murume wangu.” Hauchazondidaidza kuti, “Bhaari wangu.” Ndinodaro nokuti ndichabvisa mazita avanaBhaari pamuromo pake, havachazodomwazve nezita. Pazuva iroro, kuri kuitiremi zvenyu, ndichaita chitenderano nemhuka dzesango neshiri dzedenga nezvinokambaira nepasi, zvouta nezvamapakatwa nezvehondo izvi, munyika muno, ndigozvipedza ndichiita kuti munyatsorara zvenyu pasina chinokuwanai. Ndichakuroorazve uchiva wangu nokusingaperi. Ndichakuroorazve ndigova pachokwadi newe. Zvandinenge ndoita kwauri, zvinenge zviri zvinhu zviri pamwero zvine rudo chairwo netsitsi. Ndichakuroorazve tigoitirana mukutendeka. Ndipo pachazoziva Tenzi.
Hosea 2:14-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka tarirai, ndicamunyeŋgera nokumuisa kurenje, ndicitaura ɀinofadza mŋoyo wake. Ndicamupa minda yake yemizambiriŋga ɀicibva ipapo, nomupata waAkori uʋe mukoʋa wetariro kwaari; ucapindura ari’po, sapamazuʋa oʋusikana bgake, ʋuye sapazuʋa raakaɓuɗa panyika yeEgipita. Ɀino nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ucandiidza Ishi, hauŋgazondiidzi Baari. Nokuti ndicabvisa mazita aʋaBaari mumuromo make, haʋaŋgazozikanwi namazita aʋo. Nezuʋa iro ndicaʋaitira suŋgano nemhuka dzokusaŋgo, neshiri dzokuɗeŋga, neɀinokambaira ɀapasi; ndicavuna ʋuta nomunondo nehondo panyika, ndiʋaʋatise pasi ʋakaceŋgetwa. Ndicakunyeŋga uʋe waŋgu nokusiŋgaperi; ɀirokwaɀo ndicakunyeŋga uʋe waŋgu nokururama, nokururamisira, noʋunyoro, nenyasha. Ndicakunyeŋga uʋe waŋgu nokutendeka; ipapo ucaziʋa Jehova.
Hosea 2:14-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)