Hosea 14:1-3
Hosea 14:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iwe Israeri, dzokera kuna Jehovha Mwari wako. Zvivi zvako ndizvo zvakauyisa kuwa kwako! Endai namashoko uye mudzokere kuna Jehovha. Muti kwaari: “Regererai zvivi zvedu zvose mutigamuchire nenyasha, kuti tigopa zvibereko zvemiromo yedu. Asiria haingatiponesi; hatingatasvi mabhiza ehondo. Hatizombotizve, ‘Vamwari vedu’ kune zvakagadzirwa namaoko edu chaiwo, nokuti nherera dzinowana tsitsi mamuri.”
Hosea 14:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Aiwa, imi Isiraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, nokuti makagumburwa nezvakaipa zvenyu. Endai namashoko, mudzokere kuna Jehovha, muti kwaari, “Bvisai zvakaipa zvose, mugamuchire zvinhu zvakanaka, ipapo tichakupai miromo yedu, zvive zvibayiro zvedu. Asiria havangatiponesi; hatingatasvi mabhiza, hatingazoti kubasa ramaoko edu. Ndimi vamwari vedu; nokuti nherera dzinowana nyasha kwamuri.”
Hosea 14:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Imi vaIsiraeri, dzokerai kuna Tenzi, Mwari wenyu nokuti makadhadharika pamusana pouipi hwenyu. Chidzokerai kuna Tenzi namazwi okuteterera mundoti kwaari, “Tibvisireiwo uipi hwose mugamuchire waro zvinenge zvakanaka tichipira muromo watinotaura kwamuri sehandira. Nyika yeAsiria haimbotiponesa zvamabhiza, hatisiri kuzoatasva. Hatisiri kuzombotaura kuzvinhu zvatakagadzira namaoko edu tichizviti, ‘Nhai Mwari wedu.’ ” Mamuri imimi, nherera ndomadzinowana nyasha.
Hosea 14:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haiwa, imi Israeri, dzokerai kunaJehova Mŋari wenyu, nokuti makagumburwa neɀakaipa ɀenyu. Endai namashoko, mudzokere kunaJehova, muti kwaari: Bvisai ɀakaipa ɀose, mugamucire ɀinhu ɀakanaka, ipapo ticakupai miromo yeɗu, ɀiʋe ɀiɓayiro ɀeɗu. Asiria haʋaŋgatiponesi; hatiŋgataȿi mabiza, hatiŋgazoti kuɓasa ramaʋoko eɗu: Ndimi ʋamŋari ʋeɗu; nokuti nherera dzinowana nyasha kwamuri.
Hosea 14:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)