Hosea 1:2-3
Hosea 1:2-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha paakatanga kutaura kubudikidza naHosea, akati kwaari, “Enda, unozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve nokuti nyika ine mhosva yokuita ufeve hwakaipisisa nokuti yakabva kuna Jehovha.” Naizvozvo akawana Gomeri mwanasikana waDibhiraimu, uye akabata pamuviri akamuberekera mwanakomana.
Hosea 1:2-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakutanga kwokutaura kwaJehovha naHosea, Jehovha akati kuna Hosea, “Enda undozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve; nokuti nyika inofeva zvikuru, zvavakasiyana naJehovha.” Naizvozvo akaenda akatora Gomeri mukunda waDibhiraimi, iye akanaka pamuviri akamuberekera mwanakomana.
Hosea 1:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakatangisisa chaipo Tenzi kutaura nomuromo waHosea, iye Tenzi akati kuna Hosea, “Enda undotora pfambi uite vana nayo voufeve nokuti nyika iri kuita ufeve hwakakurisa kwazvo hwokufuratira Tenzi.” Saizvozvowo akaenda akandotora Gomero mwanasikana waDhibhuraimu. Iye akaita pamuviri akamuberekera mwana mukomana.
Hosea 1:2-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakutaŋga kwokutaura kwaJehova naHosea, Jehova wakati kunaHosea: Enda undoɀitorera mukadzi woʋufeʋe naʋana ʋoʋufeʋe; nokuti nyika inofeʋa ɀikuru, ɀaʋakasiyana naJehova. Naiɀoɀo wakaenda akatora Gomeri mukunda waDibraimi, iye akanaka pamuʋiri akamuɓerekera mŋanakomana.
Hosea 1:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)