Hosea 1:10
Hosea 1:10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Kunyange zvakadaro vaIsraeri vachava sejecha riri pamahombekombe egungwa, risingabviri kuyerwa kana kuverengwa. Paya pakanga panzi kwavari, ‘Hamuzi vanhu vangu,’ vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’
Hosea 1:10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kunyange zvakadaro kuwanda kwavana vaIsiraeri kuchaita sejecha regungwa, risingabviri kuyerwa kana kuverengwa; zvichaitika kuti paya pakanga panzi kwavari, “Hamuzi vanhu vangu,” ndipapo pazvichanzi kwavari, “Muri vanakomana vaMwari mupenyu.”
Hosea 1:10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvakadaro zvazvo, vanhu vokwaIsiraeri vachawanda sejecha regungwa risingagone kuerwa kana kuverengeka. Panzvimbo pokuti munzi, “Vasivangu” muchanzi “Vanhu vaMwari mupenyu.”
Hosea 1:10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kunyaŋge ɀakaɗaro kuwanda kwaʋana ʋaIsraeri kucaita sejeca reguŋgwa, risiŋgabviri kuyerwa kana kuʋereŋgwa; ɀicaitika kuti paya pakaŋga panzi kwaʋari: Hamuzi ʋanhu ʋaŋgu, ndipapo paɀicanzi kwaʋari: Muri ʋanakomana ʋaMŋari mupenyu.