Hosea 1:1-2
Hosea 1:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shoko raJehovha rakasvika kuna Hosea mwanakomana waBheeri panguva yokutonga kwaUzia, Jotamu, Ahazi naHezekia, madzimambo eJudha, napanguva yokutonga kwaJerobhoamu mwanakomana waJehoashi mambo weIsraeri: Jehovha paakatanga kutaura kubudikidza naHosea, akati kwaari, “Enda, unozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve nokuti nyika ine mhosva yokuita ufeve hwakaipisisa nokuti yakabva kuna Jehovha.”
Hosea 1:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shoko raJehovha rakasvika kuna Hosea mwanakaomana waBheeri, namazuva aUziya naJotami naAhazi naHezekia, madzimambo aJudha, uye namazuva aJerobhoami mwanakomana waJoashi, mambo waIsiraeri. Pakutanga kwokutaura kwaJehovha naHosea, Jehovha akati kuna Hosea, “Enda undozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve; nokuti nyika inofeva zvikuru, zvavakasiyana naJehovha.”
Hosea 1:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Herinoi shoko raTenzi, raakataurira Hosea mwanakomana waBheeri nguva yaitonga madzimambo aya okwaJudha anoti: Uziya naJotamu naAhazi naHezekiya uye iri nguvawo yaJerobhoamu mambo wokwaIsiraeri mwanakomana waJehoashi. Pakatangisisa chaipo Tenzi kutaura nomuromo waHosea, iye Tenzi akati kuna Hosea, “Enda undotora pfambi uite vana nayo voufeve nokuti nyika iri kuita ufeve hwakakurisa kwazvo hwokufuratira Tenzi.”
Hosea 1:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shoko raJehova, rakaȿika kunaHosea mŋanakomana waBeeri, namazuʋa aUzia naJotami naAhazi naHezekia, madzimambo aJuda, ʋuye namazuʋa aJeroboami mŋanakomana waJoashi, mambo waIsraeri. Pakutaŋga kwokutaura kwaJehova naHosea, Jehova wakati kunaHosea: Enda undoɀitorera mukadzi woʋufeʋe naʋana ʋoʋufeʋe; nokuti nyika inofeʋa ɀikuru, ɀaʋakasiyana naJehova.
Hosea 1:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)