VaHebheru 9:1-4 - Compare All Versions
VaHebheru 9:1-4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino sungano yokutanga yakanga ine mirayiro yokunamata Mwari uye neyeimba tsvene yapanyika. Tabhenakeri yakamiswa. Mukamuri rayo rokutanga makanga mune chigadziko chomwenje, netafura uye nezvingwa zvitsvene; iyi ndiyo yainzi Nzvimbo Tsvene. Mberi kwechidzitiro chechipiri kwakanga kune kamuri yainzi Nzvimbo Tsvene-tsvene, yakanga ine ndiro yegoridhe yezvinonhuhwira uye neareka yesungano yakanga yakafukidzirwa negoridhe. Muareka iyi ndimo makanga mune hari yegoridhe yakanga ine mana, netsvimbo yaAroni yakanga yatungira, uye namahwendefa esungano.
VaHebheru 9:1-4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino, neyiyi sungano yokutanga yakanga ine mirayiro yokushumira Mwari nayo, neimba tsvene yenyika. Nokuti tabhenakeri, yaiva yokutanga, yakagadzirwa, makanga mune chigadziko chemwenje, netafura, nezvingwa zvokuratidza; ndipo panonzi Patsvene. Zvino mberi kwechidzitiro chechipiri pakanga pane tabhenakeri yainzi Patsvene-tsvene; pakanga pane ndiro yendarama yezvinonhuwira, neareka yesungano, yakanga yakanamwa nhivi dzose nendarama, imomo makanga mune hari yendarama, yakanga ine mana, netsvimbo yaAroni yakadeya kutungira, namahwendefa esungano
VaHebheru 9:1-4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino, neyiyi suŋgano yokutaŋga yakaŋga inemirairo yokushumira Mŋari nayo, neimba tȿene yenyika. Nokuti tabernakeri, yaiʋa yokutaŋga, yakagadzirwa, makaŋga munecigadziko cemŋenje, netafura, neɀiŋgwa ɀokuratidza; ndipo panonzi Patȿene. Ɀino mberi kwecidzitiro cecipiri pakaŋga panetabernakeri yainzi Patȿene‐tȿene; pakaŋga panendiro yendarama yeɀinonhuwira, neareka yesuŋgano, yakaŋga yakanamŋa nhiʋi dzose nendarama, imomo makaŋga munehari yendarama, yakaŋga inemana, netȿimbo yaAroni yakaɗeya kutuŋgira, namahwendefa esuŋgano
VaHebheru 9:1-4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange chitenderano chokutanga chaivewo nemirau yezvokunamata uye Nzvimbo Tsvene pasi pano. Nokuti tende yakagadzirwa, yokunze, mairi maiva nechigadzikiro chemwenje netafura, nezvingwa zvakapirwa kuna Mwari, yainzi NzvimboTsvene. Seri kwejira rokudzikatirisa rechipiri kwaiva netendhe inonzi Nzvimbo Tsvene Inoeresesa, yaiva neAtari yorusenzi yendarama, nebhokisi rechitenderano rakanamirwa nendarama. Maivawo nomudziyo wendarama wakanga uine Mana; kozouya tsvimbo yaAroni iya yakambotungira mashizha; kozoti mafendefa echitenderano.
VaHebheru 9:1-4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)