Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 8:1-13

VaHebheru 8:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Shoko guru pane izvozvi zvatiri kutaura ndiro iri rokuti: Tino muprista mukuru akadai, akagara kurudyi rwechigaro chaIshe kudenga, uye anoshumira muimba tsvene, iyo tabhenakeri chaiyo yakamiswa naIshe, kwete nomunhu. Muprista mukuru, mumwe nomumwe, akagadzwa kuti ape zvipo nezvibayiro kuna Mwari, naizvozvo zvakanga zvakafanira kuti uyu ave nechokubayirawo. Dai akanga ari panyika, angadai asina kuva muprista, nokuti vaprista vakanga varipo kare vaibayira zvipo sezvakarehwa nomurayiro. Vaishumira panzvimbo tsvene inova mufananidzo nomumvuri wezviri kudenga. Nokuda kweizvi Mozisi akayambirwa paakanga ava kuvaka tabhenakeri: “Uve nechokwadi kuti waita zvose maererano nomufananidzo wawakaratidzwa mugomo.” Asi ushumiri hwakapiwa Jesu hwakapfuura hwavo pakunaka sezvo ari murevereri wesungano inopfuura nokunaka pane sungano yakare, uye yakasimbiswa nezvipikirwa zviri nani. Nokuti dai pakanga pasina chakaipa nesungano yokutanga pangadai pasina kuwanikwa mukana weimwe sungano. Asi Mwari akaona kukanganisa kwavanhu ava akati: “Nguva inouya, ndizvo zvinotaura Ishe, yandichaita sungano itsva neimba yaIsraeri, uye neimba yaJudha, Haichazovi sesungano yandakaita namadzitateguru avo, pandakavabata noruoko kuti ndivabudise kubva muIjipiti, nokuti havana kuramba vakatendeka kusungano yangu, neniwo ndakavasiya, ndizvo zvinotaura Ishe. Iyi ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri, mushure menguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Ishe. Ndichaisa mirayiro yangu mundangariro dzavo, uye ndichainyora pamwoyo yavo. Ndichava Mwari wavo, uye vachava vanhu vangu. Hakuna munhu achazodzidzisa muvakidzani wake, kana munhu kudzidzisa hama yake, achiti, ‘Ziva Ishe,’ nokuti vose vachandiziva, kubva kumuduku kusvikira kumukuru pakati pavo. Nokuti ndichavaregerera zvakaipa zvavo uye handizorangaririzve zvivi zvavo.” Nokuti akati sungano iyi “itsva,” ipapo akashayisa basa yokutanga; zvino chinhu chisisina basa uye chava chekare chichaparara nokukurumidza.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaHebheru 8

VaHebheru 8:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino, shoko guru panaizvozvo zvatataura, ndiro kuti: Tino mupristi mukuru akadai akagara kurudyi rwechigaro choushe choUmambo kudenga; iye mushumiri wezvinhu zvitsvene, nowetabhenakeri chaiyo, yakamiswa naIshe, isina kumiswa nomunhu. Nokuti mupristi mukuru mumwe nomumwe akagadzwa, kuti abayire Mwari zvipo nezvibayiro; naizvozvo naiye aifanira kuti ave nechaangabayirawo; nokuti dai aiva panyika, angadai asina kuva mupristi, nokuti vapristi varipo, vanobayira Mwari zvipo sezvinorehwa nomurayiro; ivo vanoshumira mufananidzo nomumvuri wezvokudenga, sezvaakarayirwa iye Mosesi oda kuita tabhenakeri; nokuti akati, “Tarira, uite zvose nomufananidzo, wawakaratidzwa mugomo.” Asi zvino akapiwa basa rakanyanya kunaka, sezvaari Murevereri wesungano inopfuura nokunaka, yakasimbiswa nezvipikirwa zvinopfuura nokunaka. Nokuti dai iya yokutanga yakanga isina chaingapomerwa, yechipiri ingadai isina kutsvakirwa nzvimbo. Nokuti anovapa mhosva, achiti, “Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Ishe, Andichaita nawo sungano itsva neimba yaIsiraeri, uye neimba yaJudha; Isina kuita sesungano yandakaita namadzibaba avo, Pazuva randakabata ruoko rwavo, kuti ndivabudise munyika yeIjipiti; Nokuti havana kurambira musungano yangu, Neni ndakasava nehanya navo, ndizvo zvinotaura Ishe. Nokuti ndiyo sungano yandichaita nemhuri yaIsiraeri Kana mazuva iwayo apfuura, ndizvo zvinotaura Ishe; Ndichaisa mirayiro yangu pakufunga kwavo, Napamwoyo yavo ndichainyora, Ndichava Mwari wavo, Ivo vachava vanhu vangu; Mumwe nomumwe haangazodzidzisi wokwake, Kana mumwe nomumwe hama yake, ichiti, ‘Ziva Ishe;’ Nokuti vose vachandiziva, Kubva kumuduku kusvikira kumukuru pakati pavo. Nokuti ndichava nengoni nokusarurama kwavo, Nezvivi zvavo handichazozvirangariri.” Zvaanoti: Sungano itsva, akasakadza yokutanga; zvino chinhu chosakara, chova chakare, choda kurova.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaHebheru 8

VaHebheru 8:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Chikuru chatiri kutaura apa ndechichi chokuti, tine mupristi mukuru agere kurudyi rwechigaro choumambo choukuru–ukuru chokudenga. Ndiye mushandiri womuNzvimbo Tsvene, tendhe rechokwadi risina kumiswa navanhu asi naTenzi. Mupristi mukuru oga oga anogadzwa kuti apire zvipo nezvibayiro. Naizvozvo mupristi iyeyo anofanira kuva nezvipo zvaanopira. Zvino dai kuri kuti aripo pasi pano haaizombova mupristi zvapane vapristi vanopira zvipo maererano nomutemo. Vanonamata muNzvimbo inoera inongova somufananidzo nomumvuri weiri kudenga nokuti Mosesi paakanga ava kuvaka tendhe akataurirwa naMwari achinzi, “Ona kuti waita zvose maererano nezvawakaratidzwa pagomo.” Asi zvino Jesu akawana basa rakatonakisisa kupinda rakare. Pamusana paizvozvo ndiye ava muyananisi wechitenderano chiri nani chakaitwa nezvitsidzo zviri nani. Dai kuri kuti chitenderano chokutanga chakanga chisina chakaipa pachiri pangadai pasina zvokuchitsiva nechechipiri. Mwari anovapa mhosva paanoti, “Zvanzi naTenzi chionai mazuva achasvika andichaita chitenderano chitsva nemba yokwaIsiraeri nevemba yokwaJudha. Chichange chisina kufanana nechitenderano chiya chandakaita namadzitateguru avo, pazuva randakavabata ruoko ndichivaburitsa munyika yeIjipiti nokuti havana kuenderera mberi nechitenderano changu navo nokudaro handina kuzoita hanya navo.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ichi ndicho chitenderano chandichaita neveimba yokwaIsiraeri mushure mamazuva iwayo ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndichaisa mitemo yangu mupfungwa dzavo ndigoinyora mumwoyo mavo, ini ndichava Mwari wavo, ivowo vachava vanhu vangu. Hapana achadzidzisa mumwe achiti kuna mumwe, “Ziva Tenzi” nokuti vose zvavo vachandiziva kubvira pamuduku–duku wavo chaiye kusvikira pamukuru wavo chaiye nokuti ndichavanzwira nyasha pazvitadzo zvavo uye zvitadzo zvavo handichazombozvirangaririzve. Nokutaura nezvechitenderano chitsva, Mwari ari kutoita kuti chakare chinzi chitsaru. Chinhu chinenge chava kusakara, chavakuchembera chinobva chazorova.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaHebheru 8

VaHebheru 8:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino, shoko guru panaiɀoɀo ɀatataura, ndiro kuti: Tinomuprista mukuru wakaɗai wakagara kurudyi rwecigaro coʋushe coƲumambo kuɗeŋga; iye mushumiri weɀinhu ɀitȿene, nowetabernakeri caiyo, yakamiswa naShe, isina‐kumiswa nomunhu. Nokuti muprista mukuru mumŋe nomumŋe wakagadzwa, kuti aɓayire Mŋari ɀipo neɀiɓayiro; naiɀoɀo naiye waifanira kuti aʋe necaaŋgaɓayira ʋo; nokuti ɗai aiʋa panyika, uŋgaɗai asina‐kuʋa muprista, nokuti ʋaprista ʋari’po, ʋanoɓayira Mŋari ɀipo seɀinorebga nomurairo; iʋo ʋanoshumira mufananidzo nomumvuri weɀokuɗeŋga, seɀaakarairwa iye Mosesi oɗa kuita tabernakeri; nokuti wakati: Tarira, uite ɀose nomufananidzo, wawakaratidzwa mugomo. Asi ɀino wakapiwa ɓasa rakanyanya kunaka, seɀaari Mureʋereri wesuŋgano inopfuʋura nokunaka, yakasimbiswa neɀipikirwa ɀinopfuʋura nokunaka. Nokuti ɗai iya yokutaŋga yakaŋga isina‐caiŋgapomerwa, yecipiri iŋgaɗai isina‐kutȿakirwa nɀimbo. Nokuti unoʋapa mhoȿa, aciti: Tarirai, mazuʋa anoʋuya, ndiɀo ɀinotaura Ishe, Andicaita nawo suŋgano itȿa neimba yaIsraeri, ʋuye neimba yaJuda; Isina‐kuita sesuŋgano yandakaita namadziɓaɓa aʋo, Pazuʋa randakaɓata ruʋoko rwaʋo, kuti ndiʋaɓuɗise munyika yeEgipita; Nokuti haʋana‐kurambira musuŋgano yaŋgu, Neni ndikasaʋa nehanya naʋo, ndiɀo ɀinotaura Ishe. Nokuti ndiyo suŋgano yandicaita neimba yaIsraeri Kana mazuʋa iwayo apfuʋura, ndiɀo ɀinotaura Ishe; Ndicaisa mirairo yaŋgu pakufuŋga kwaʋo, Napamŋoyo yaʋo ndicainyora, Ndicaʋa Mŋari waʋo, Iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu; Mumŋe nomumŋe haaŋgazodzidzisi wokwake, Kana mumŋe nomumŋe hama yake, aciti: Ziʋa Ishe; Nokuti ʋose ʋacandiziʋa, Kubva kumuɗuku kuȿikira kumukuru pakati paʋo. Nokuti ndicaʋa neŋgoni nokusarurama kwaʋo, Neɀiʋi ɀaʋo handicazoɀiraŋgariri. Ɀaanoti: Suŋgano itȿa, wakasakadza yokutaŋga; ɀino cinhu cosakara, coʋa cakare, coɗa kuroʋa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaHebheru 8

VaHebheru 8:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)