VaHebheru 7:23-25
VaHebheru 7:23-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino kwakava navazhinji vavaprista, nokuti rufu rwakavatadzisa kupfuurira mberi paushumiri; asi Jesu, nokuti anogara nokusingaperi, ano uprista huchavapo nokusingaperi. Naizvozvo anogona kuponesa zvizere vaya vanouya kuna Mwari kubudikidza naye, nokuti anorarama nokusingaperi achivanyengeterera.
VaHebheru 7:23-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ivo vaiva vapristi vazhinji, nokuti vakadziviswa norufu kugara nokusingaperi; asi iye, zvaanogara nokusingaperi, anoupristi husingapfuudzwi kunomumwe. Naizvozvo ane simba rokuponesa kwazvo-kwazvo avo vanoswedera kuna Mwari naye, zvaanorarama nokusingaperi kuti avareverere.
VaHebheru 7:23-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vapristi vokutanga vaive vazhinji nokuti vaitadziswa norufu kuti vaenderere mberi nebasa ravo. Asi iye anoramba ainoupristi hwake nokuti anoramba aripo nokusingaperi. Naizvozvo, anogona kuponesa nguva dzose avo vanouya kuna Mwari nokwaari, nokuti mupenyu nguva dzose kuti avakumbirire.
VaHebheru 7:23-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iʋo ʋaiʋa ʋaprista ʋazhinji, nokuti ʋakadziʋiswa norufu kugara nokusiŋgaperi; asi iye, ɀaanogara nokusiŋgaperi, unoʋuprista bgusiŋgapfuʋudzwi kunomumŋe. Naiɀoɀo unesimba rokuponesa kwaɀo‐kwaɀo aʋo ʋanosweɗera kunaMŋari naye, ɀaanorarama nokusiŋgaperi kuti aʋareʋerere.
VaHebheru 7:23-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)