VaHebheru 7:1-28
VaHebheru 7:1-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Merikizedheki uyu aiva mambo weSaremu, uye aiva muprista waMwari Wokumusoro-soro. Akasangana naAbhurahama pakudzoka kwake achibva kundokunda madzimambo, akamuropafadza, uye Abhurahama akamupa chegumi chezvinhu zvose. Kutanga zita rake rinoreva kuti, “mambo wokururama”; uyezve, “mambo weSaremu” zvinoreva kuti, “mambo woRugare.” Asina baba kana mai, asina madzitateguru, asina mavambo amazuva kana magumo oupenyu, soMwanakomana waMwari anoramba ari muprista nokusingaperi. Chingofungai kuti akanga ari mukuru sei. Kunyange natateguru Abhurahama akamupa chegumi chezvaakanga apamba! Zvino murayiro unoti avo vari zvizvarwa zvaRevhi vakava vaprista kuti vatore chegumi kuvanhu, idzo hama dzavo, kunyange zvazvo hama dzavo dziri zvizvarwa zvaAbhurahama. Murume uyu, kunyange zvakadaro, akanga asina rudzi runobva pazvizvarwa zvaRevhi, asi akatora chegumi kubva kuna Abhurahama uye akaropafadza iye akanga ane zvipikirwa. Uye hapana kukahadzika kuti muduku anoropafadzwa neakamupfuura paukuru. Panyaya iyi yokutanga, chegumi chinotorwa navanhu vanofa; asi pane imwe nyaya iyi chinotorwa naiye anonzi mupenyu. Mumwe angati Revhi, anotora chegumi, akapawo chegumi kubudikidza naAbhurahama, nokuti Merikizedheki paakasangana naAbhurahama, Revhi akanga achiri muchiuno chatateguru vake. Kana kukwaniswa kwaigona kuvapo nenzira youprista hwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murayiro nokuda kwahwo), ko, mumwe muprista aifanira kuzomuka sei, iye ari worudzi rwaMerikizedheki, asiri worudzi rwaAroni? Nokuti kana uprista huchishandurwa, kunofanirawo kushandurwa murayiro. Iye anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake ndeworumwe rudzi, uye hakuna mumwe worudzi urwu akamboshumira paaritari. Nokuti zviri pachena kuti Ishe wedu akabva kurudzi rwaJudha uye pamusoro porudzi urwu Mozisi haana kumbotaura zvavaprista. Uye zvatataura zvinotova pachena kunyanya kana mumwe muprista akaita saMerikizedheki achionekwa, uyo ava muprista kwete nokuda kwomurayiro wenhoroondo yamadzitateguru ake asi nokuda kwesimba roupenyu husingaparadziki. Nokuti zvakataurwa zvichinzi: “Iwe uri muprista nokusingaperi, worudzi rwaMerikizedheki.” Murau wokutanga wakaiswa padivi nokuti wakanga une utera uye usina maturo (nokuti murayiro hauna chinhu chawakaita kuti chive chakakwana), uye tariro iri nani inoziviswa, yatinoswededzwa nayo pedyo naMwari. Uye hazvina kuitwa pasina mhiko! Vamwe vakava vaprista pasina kana mhiko zvayo, asi iye akava muprista ane mhiko, Mwari paakati kwaari: “Ishe akapika uye haangashanduri murangariro wake: ‘Iwe uri muprista nokusingaperi.’ ” Nokuda kwemhiko yake, Jesu akava rubatso rwesungano inopfuura nokunaka. Zvino kwakava navazhinji vavaprista, nokuti rufu rwakavatadzisa kupfuurira mberi paushumiri; asi Jesu, nokuti anogara nokusingaperi, ano uprista huchavapo nokusingaperi. Naizvozvo anogona kuponesa zvizere vaya vanouya kuna Mwari kubudikidza naye, nokuti anorarama nokusingaperi achivanyengeterera. Muprista mukuru akadai anotipa zvatinoshayiwa, iye mutsvene, asina chaangapomerwa, asina kusvibiswa, akatsaurwa kubva kuvatadzi, akasimudzirwa pamusoro pamatenga. Asingafanani navaya vaprista, haafaniri kubayira zvipiriso zuva rimwe nerimwe, kutanga pamusoro pezvivi zvake, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu. Akabayira zvivi zvavo kamwe chete zvikapera paakazvipa iye. Nokuti murayiro unogadza vanhu vano utera savaprista vakuru; asi mhiko yakauya shure kwomurayiro, yakagadza Mwanakomana, uyo akakwaniswa nokusingaperi.
VaHebheru 7:1-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti Merekizedheki uyo, mambo weSaremi, mupristi waMwari Wokumusoro-soro, akasangana naAbhurahamu pakudzoka kwake andouraya madzimambo, akamuropafadza; Abhurahamu akamupawo chegumi chezvose; iye pakutanga ari mambo wokururama, kana zvichishandurwa, uyezve, mambo weSaremi, ndokuti, mambo worugare; asina baba, asina mai, asina madzisekuru, asina kutanga kwamadzisekuru, asina kutanga kwamazuva, kana kuguma kwoupenyu, asi akafananidzwa noMwanakomana waMwari, anogara ari mupristi nokusingaperi. Zvino fungai kukura kwomunhu uyu, akapiwa natateguru Abhurahamu chegumi chezvaakapamba. Zvino avo, vari vanakomana vaRevhi, vanopiwa basa roupristi, vakarayirwa nomurayiro kuti vatore chegumi kuvanhu, iko kuhama dzavo, kunyange vakabva muchiuno chaAbhurahamu; asi uyu, asina kuravirwa rudzi rwake kwavari, akapiwa zvegumi naAbhurahamu, akamuropafadza iye akanga ane zvipikirwa. Zvino hatingarambi kuti muduku ndiye anoropafadzwa noanopfuura nokunaka. Uye pano, vanhu vanofa, vanopiwa zvegumi; asi apo uyo anopiwa, anopupurirwa zvichinzi mupenyu. Zvino tingati, naRevhi anopiwa zvegumi, iyewo akapa zvegumi naAbhurahamu; nokuti akanga achiri muchiuno chababa vake, pakusangana kwaMerekizedheki naye. Naizvozvo, kana kukwaniswa kwaivapo nenzira youpristi hwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murayiro nokuda kwahwo), ko mumwe mupristi aifanira kuzomuka seiko anorudzi naMerekizedheki, asinganzi anorudzi naAroni? Nokuti kana upristi huchisandurwa, nomurayiro unofanira kuti ushandurwewo. Nokuti uyo anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake, akanga ari worumwe rudzi, rwakanga rusina munhu akambobata basa paaritari. Nokuti zvinoonekwa pachena, kuti Ishe wedu akabva kuna Judha; pamusoro porudzi urwu, Mosesi haana kureva zvavapristi. Izvi zvinoratidzwawo kwazvo, kana kuchimuka mumwe mupristi akafanana naMerekizedheki, asina kuitwa mupristi nomurayiro wokurayira kwenyama, asi nesimba rohupenyu husingapedzwi. Nokuti iye anopupurirwa, zvichinzi, “Iwe uri mupristi nokusingaperi, Anorudzi naMerekizedheki.” Nokuti murau wokutanga unokoneswa nokuda kwoutera hwawo, uye nokuti hauna maturo, (nokuti murayiro hauna kukwanisa chinhu), zvino tariro, inopfuura nokunaka, ikaiswapo, yatinoswedera nayo kuna Mwari. Uyezve, zvaasina kuitwa mupristi kusina mhiko; nokuti ivo vakaitwa vapristi kusina mhiko, asi iye nokupika kwaiye, akati kwaari, “Ishe akapika, haangazvidyi mwoyozve, achiti, ‘Iwe uri mupristi nokusingaperi.’ ” Saizvozvo Jesu akaitwa rubatso rwesungano inopfuura nokunaka. Ivo vaiva vapristi vazhinji, nokuti vakadziviswa norufu kugara nokusingaperi; asi iye, zvaanogara nokusingaperi, anoupristi husingapfuudzwi kunomumwe. Naizvozvo ane simba rokuponesa kwazvo-kwazvo avo vanoswedera kuna Mwari naye, zvaanorarama nokusingaperi kuti avareverere. Nokuti mupristi mukuru akadai ndiye ataifanira kuva naye, mutsvene, asina chakaipa, asina kusvibiswa, akaparadzaniswa navatadzi, akakwidzwa kumusoro kwedenga; asingafaniri, savaya vapristi vakuru, kubayira zuva rimwe nerimwe, pakutanga pamusoro pezvivi zvavo, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu; nokuti akaita izvozvi kamwechete, zvikapera, pakuzviita kwake chibayiro. Nokuti murayiro unogadza vanhu vanoutera, kuti vave vapristi vakuru; asi shoko rokupika, rakatevera murayiro, rinogadza Mwanakomana, akakwaniswa nokusingaperi.
VaHebheru 7:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti iye Merekizedheki uyu, mambo weSaremu, mupristi waMwari Wokumusororo, akachingurana naAbhurahamu akanga achidzoka kubva kwaakanga andouraya madzimambo. Merekizedheki akakomborera Abhurahamu. Abhurahamu akamupa chegumi chezvinhu zvake zvose. Kana zita rake rotsanangurwa, pokutanga rinoreva kuti ndiMambo woururami, rinorevawo kuti ndiMambo weSaremu, zvichireva kuti Mambo worugare. Haana baba; haana amai; haana dzinza; mazuva ake haana mavambo; upenyu hwake hauna mugumo; asi wakafanana noMwanakomana waMwari anoramba ari mupristi nokusingaperi. Tarisai muone mukuriro waakaita! Abhurahamu, iye zitateguru, vakamupa chegumi chezvavakapamba mukurwa. Vechizvarwa chaRevhi vanogamuchira upristi hwedzinza. Vano murau unovabvumira kutora, zviri pamutemo, chegumi kubva kuvanhu, ndokuti kubva kuhama dzavo, kunyange vari vana vedzinza rimwechete raAbhurahamu. Asi munhu uyu asiri wedzinza iri akapiwa chegumi naAbhurahamu, iye akakomborera Abhurahamu, wakareyo aive nezvivimbiso. Hazvina angarambe kuti mudiki ndiye anokomborerwa nomukuru kwaari. Apa zvegumi, zvinopiwa kuvanhu vanofa, pamwe apo, zvinopiwa kune anopupurirwa kuti mupenyu. Zvichida mumwe angatoti iye Revhi pachake, anopiwa zvegumi, akabvisa chegumi pakabvisa Abhurahamu chegumi, nokuti akanga ari muchiuno chatateguru wake paakasangana naMerekizedheki. Zvino kana dai ururami huzere hwaiwanikwa pamusana poupristi hwaRevhi, nokutika panguva yahwo ndopakapiwa vanhu mutemo; ko paizodirwei kuti pamuke mumwe mupristi wegovero raMerekizedheki panze pomupristi anodaidzwa nezita regovero raAroni, nokuti kana upristi hukasanduka nomutemowo unofanira kutosanduka. Ari kurehwa panyaya iyi akanga ari werimwewo dzinza risina ati amboshanda paAritari. Zviri pachena kuti Tenzi wedu wakabva kudzinza raJudha, nezvedzinza irori panyaya yezvavapristi, Mosesi haana chaakamboreva. Izvi zvinobva zvanyatsobuda pachena–chena kana mumwe mupristi wakafanana naMerekizedheki womuka asina kuitwa mupristi maererano nomurawo womutemo womuzvarirwo wenyama asi pamusana pesimba risingagoni kuparadzwa. Anopupurirawo kuti, “Iwe uri mupristi wegovero raMerekizedheki nokusingaperi, nokuti zvinoti, uku murairo wakare wakabviswa pamusana pokushaya simba nokushaya maturo kwawo, (nokuti mutemo hauna chaunoruramisa) ukuwo uku kwakauya chitarisiro chitsva chiri nani chinotibatsira kuswedera kuna Mwari.” Izvi hazvina kuitwa pasina mhiko. Vamwe vakave vapristi pasina mhiko asi iye akave mupristi zvine mhiko. Uye akati kwaari nemhiko, “Mwari akapika uyezve haachasanduka, akati, ‘Uri mupristi nokusingaperi.’ ” Izvi zvinoita kuti Jesu ave chivimbiso chinotsigira chitenderano chiri nani. Vapristi vokutanga vaive vazhinji nokuti vaitadziswa norufu kuti vaenderere mberi nebasa ravo. Asi iye anoramba ainoupristi hwake nokuti anoramba aripo nokusingaperi. Naizvozvo, anogona kuponesa nguva dzose avo vanouya kuna Mwari nokwaari, nokuti mupenyu nguva dzose kuti avakumbirire. Nokuti zvakanga zvakakodzera kuti tive nomupristi mukuru wakadai, akarurama, asina chinoshoreka, asina kun'oreswa, akatsaurwa achibviswa panavatadzi, akasimudzirwa pamusoro, kupfuura matenga. Haasungirwi, sezvinoita vapristi vakuru vaya, kuti zuva roga roga apire chibayiro, pokutanga achizvipirira iye pachake, ozopirirawo zvitadzo zvavanhu, nokuti iye akaita izvi chakamwe paye paakazvipira iye pachake. Hongu, Mutemo unogadza vanhu vane utera kuti vave vapristi vakuru, asi izwi remhiko, rakazouya mushure moMutemo, rakagadza Mwanakomana, akaita mururami nokusingaperi.
VaHebheru 7:1-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti Merkisedeki uyo, mambo weSaremi, muprista waMŋari Wokumsoro‐soro, wakasoŋgana naAbrahama pakudzoka kwake andoʋuraya madzimambo, akamuropafadza; Abrahama akamupa ʋo cegumi ceɀose; iye pakutaŋga ari mambo wokururama, kana ɀicishandurwa, ʋuye ɀe, mambo weSaremi, ndokuti, mambo worugare; asinaɓaɓa, asinamai, asinamadzisekuru, asina‐kutaŋga kwamazuʋa, kana kuguma kwoʋupenyu, asi wakafananidzwa noMŋanakomana waMŋari, unogara ari muprista nokusiŋgaperi. Ɀino fuŋgai kukura kwomunhu uyu, wakapiwa nateteguru Abrahama cegumi ceɀaakapamba. Ɀino aʋo, ʋari ʋanakomana ʋaRevi, ʋanopiwa ɓasa roʋuprista, ʋakarairwa nomurairo kuti ʋatore cegumi kuʋanhu, iko kuhama dzaʋo, kunyaŋge ʋakabva muciʋuno caAbrahama; asi uyu, usinakuraʋirwa rudzi rwake kwaʋari, wakapiwa ɀegumi naAbrahama, akamuropafadza iye wakaŋga aneɀipikirwa. Ɀino hatiŋgarambi kuti muɗuku ndiye unoropafadzwa nounopfuʋura nokunaka. Ʋuye pano, ʋanhu, ʋanofa, ʋanopiwa ɀegumi; asi apo uyo unopiwa, unopupurirwa ɀicinzi mupenyu. Ɀino tiŋgati, naRevi, unopiwa ɀegumi, iye ʋo wakapa ɀegumi munaAbrahama; nokuti wakaŋga aciri muciʋuno caɓaɓa ʋake, pakusoŋgana kwaMerkisedeki naye. Naiɀoɀo, kana kukwaniswa kwaiʋa’po nenzira yoʋuprista bgaRevi (nokuti ʋanhu ʋakapiwa murairo nokuɗa kwabgo), ko mumŋe muprista waifanira kuzomuka seiko unorudzi naMerkisedeki, asiŋganzi unorudzi naAroni? Nokuti kana ʋuprista bgucishandurwa, nomurairo unofanira kuti ushandurwe ʋo. Nokuti uyo unorebga ɀinhu iɀi pamsoro pake, wakaŋga ari worumŋe rudzi, rwakaŋga rusinomunhu wakamboɓate‐ɓasa paartari. Nokuti ɀinoʋonekwa pacena, kuti Ishe weɗu wakabva kunaJuda; pamsoro porudzi urwu Mosesi haana‐kureʋa ɀaʋaprista. Iɀi ɀinoratidzwa ʋo kwaɀo, kana kucimuka mumŋe muprista wakafanana naMerkisedeki, usinakuitwa muprista nomurairo wokuraira kwenyama, asi nesimba roʋupenyu bgusiŋgapedzwi. Nokuti iye unopupurirwa, ɀicinzi: Iwe uri muprista nokusiŋgaperi, Unorudzi naMerkisedeki. Nokuti murau wokutaŋga unokoneswa nokuɗa kwoʋutera bgawo, ʋuye nokuti haunamaturo, (nokuti murairo hauna‐kukwanisa cinhu), ɀino tariro, inopfuʋura nokunaka, ikaiswa’po, yatinosweɗera nayo kunaMŋari. Ʋuye ɀe, ɀaasina‐kuitwa muprista kusinemhiko; (nokuti iʋo ʋakaitwa ʋaprista kusinemhiko, asi iye nokupika kwaiye, wakati kwaari: Ishe wakapika, haaŋgaɀidyi mŋoyo ɀe, aciti: Iwe uri muprista nokusiŋgaperi); Saiɀoɀo Jesu wakaitwa ruɓatso rwesuŋgano inopfuʋura nokunaka. Iʋo ʋaiʋa ʋaprista ʋazhinji, nokuti ʋakadziʋiswa norufu kugara nokusiŋgaperi; asi iye, ɀaanogara nokusiŋgaperi, unoʋuprista bgusiŋgapfuʋudzwi kunomumŋe. Naiɀoɀo unesimba rokuponesa kwaɀo‐kwaɀo aʋo ʋanosweɗera kunaMŋari naye, ɀaanorarama nokusiŋgaperi kuti aʋareʋerere. Nokuti muprista mukuru wakaɗai ndiye wataifanira kuʋa naye, mutȿene, usinecakaipa, usina‐kuȿiɓiswa, wakaparadzaniswa naʋatadzi, wakakwidzwa kumsoro kweɗeŋga; usiŋgafaniri, saʋaya ʋaprista ʋakuru, kuɓayira zuʋa rimŋe nerimŋe, pakutaŋga pamsoro peɀiʋi ɀaʋo, pashure pamsoro peɀiʋi ɀaʋanhu; nokuti wakaita iɀoɀi kamŋe cete, ɀikapera, pakuɀiita kwake ciɓayiro. Nokuti murairo unogadza ʋanhu ʋanoʋutera, kuti ʋaʋe ʋaprista ʋakuru; asi shoko rokupika, rakateʋera murairo, rinogadza Mŋanakomana, wakakwaniswa nokusiŋgaperi.
VaHebheru 7:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)