Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 4:5-7 - Compare All Versions

VaHebheru 4:5-7 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Uyezve mundima iri pamusoro anoti, “Havazopindi muzororo rangu.” Ichokwadi kuti vamwe vachapinda muzororo iroro, uye vaya vakatanga kuparidzirwa vhangeri kare havana kupinda, nokuda kwokusateerera kwavo. Naizvozvo Mwari akaisazve rimwe zuva rinonzi Nhasi, paakataura kare kubudikidza naDhavhidhi, sezvazvakataurwa pakutanga zvichinzi: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu.”

Pakurirana nevamwe
VaHebheru 4 BDSC

VaHebheru 4:5-7 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

napanozve; havangapindi muzororo rangu.” Naizvozvo, shoko zvarichipo kuti vamwe vachapinda pariri, uye kuti avo vakaparidzirwa Vhangeri kare havana kupinda nokusateerera kwavo, anotarazve rimwe zuva, rinonzi, “Nhasi” ndizvo zvaanotaura naDhavhidhi, nguva huru yakadai yapfuura, (sezvakwakambotaurwa kare, zvichinzi,) “Nhasi, kana muchinzwa izwi rake, Musaomesa mwoyo yenyu.”

Pakurirana nevamwe
VaHebheru 4 SNA2002

VaHebheru 4:5-7 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Pamwechetepo anotizve, “Havachazombopinda muzororo rangu.” Naizvozvo pamusana pokuti pane vamwe vachiri kukwanisa kupindamo, pagoti vaya vakaparidzirwa Shoko vasina kupinda nemhaka yokusateerera, anomisa rimwe zuva racho achitori doma kuti, “Nhasi uno,” achitaura nomuromo waDhavhidhi, iko kwapera nguva yakati rebei kudai namazwi aya akamborehwa atinodzokorora anoti, “Nhasi kana monzwa izwi rake Musazoomesa mwoyo yenyu.”

Pakurirana nevamwe
VaHebheru 4 SCLBD

VaHebheru 4:5-7 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

napano ɀe: Haʋaŋgapindi muzororo raŋgu. Naiɀoɀo, shoko ɀarici’po kuti ʋamŋe ʋacapinda pariri, ʋuye kuti aʋo ʋakaparidzirwa Evaŋgeri kare haʋana‐kupinda nokusaterera kwaʋo, unotara ɀe rimŋe zuʋa, rinonzi Nhasi — ndiɀo ɀaanotaura naDavidi, ŋguʋa huru yakaɗai yapfuʋura, (seɀakwakambotaurwa kare, ɀicinzi: ) Nhasi, kana mucinzwa inzwi rake, Musawomesa mŋoyo yenyu.

Pakurirana nevamwe
VaHebheru 4 SUB1949

VaHebheru 4:5-7 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Pamwechetepo anotizve, “Havachazombopinda muzororo rangu.” Naizvozvo pamusana pokuti pane vamwe vachiri kukwanisa kupindamo, pagoti vaya vakaparidzirwa Shoko vasina kupinda nemhaka yokusateerera, anomisa rimwe zuva racho achitori doma kuti, “Nhasi uno,” achitaura nomuromo waDhavhidhi, iko kwapera nguva yakati rebei kudai namazwi aya akamborehwa atinodzokorora anoti, “Nhasi kana monzwa izwi rake Musazoomesa mwoyo yenyu.”

Pakurirana nevamwe
VaHebheru 4 SCLB