VaHebheru 4:15-16
VaHebheru 4:15-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti hatina muprista mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi tinaye akaedzwa pazvinhu zvose, sesu, asi asina chivi. Ngatiswederei tisingatyi pachigaro choushe chenyasha, kuitira kuti tigogamuchira ngoni uye tigowana nyasha, tibatsirwe panguva yokushayiwa.
VaHebheru 4:15-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti hatina mupristi mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi akaedzwa pazvinhu zvose sesu, asina zvivi. Naizvozvo, ngatiswederei tisingatyi kuchigaro choushe chenyasha, kuti tinzwirwe ngoni, tiwane nyasha, tibatsirwe nenguva yakafanira.
VaHebheru 4:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti hatina mupristi mukuru asingakwanisi kutinzwira tsitsi noutera hwedu. Asi mupristi akamboedzwa nenzira dzakawanda sokuedzwa kwatinoitwa asi haana kumboita chivi. Naizvozvo ngatiswederei nechivimbo pedyo nechigaro choumambo chenyasha, kuti tinzwirwe ngoni tigowanawo nyasha dzinotibatsira nenguva yatinenge toda rubatsiro.
VaHebheru 4:15-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti hatinomuprista mukuru usiŋgagoni kutinzwira tsitsi paʋutera bgeɗu, asi wakaidzwa paɀinhu ɀose sesu, asineɀiʋi. Naiɀoɀo, ŋgatisweɗerei tisiŋgatyi kucigaro coʋushe cenyasha, kuti tinzwirwe ŋgoni, tiwane nyasha, tiɓatsirwe neŋguʋa yakafanira.
VaHebheru 4:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)