VaHebheru 2:17-18
VaHebheru 2:17-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuda kwemhaka iyi aifanira kuitwa sehama dzake munzira yose, kuitira kuti agova muprista mukuru ane tsitsi uye akatendeka muushumiri kuna Mwari, uye kuti ayananise vanhu nokuda kwezvivi zvavo. Nokuti iye amene akatambudzika paakaedzwa, anokwanisa kubatsira vanoedzwa.
VaHebheru 2:17-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo akafanira kuti aenzaniswe nehama dzake pazvinhu zvose, kuti ave mupristi mukuru ane ngoni, akatendeka pazvinhu zvaMwari, kuti adzikinure zvivi zvavanhu. Nokuti zvaakatambudzika iye amene pakuedzwa kwake, anogona kubatsira vanoedzwa.
VaHebheru 2:17-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo, aifanira kuva sehama dzake muna zvose, kuti ave mupristi mukuru ane tsitsi, anotendeseka mubasa raMwari, anoripirawo zvitadzo zvavanhu. Nokuti iye pachake akatambudzika akaedzwa, anokwanisawo kubatsira avo vanoedzwa.
VaHebheru 2:17-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo wakafanira kuti aenzaniswe nehama dzake paɀinhu ɀose, kuti aʋe muprista mukuru Uneŋgoni, wakatendeka paɀinhu ɀaMŋari, kuti adzikinure ɀiʋi ɀaʋanhu. Nokuti ɀaakatambudzika iye amene pakuidzwa kwake, unogona kuɓatsira ʋanoidzwa.
VaHebheru 2:17-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Naizvozvo, aifanira kuva sehama dzake muna zvose, kuti ave mupristi mukuru ane tsitsi, anotendeseka mubasa raMwari, anoripirawo zvitadzo zvavanhu. Nokuti iye pachake akatambudzika akaedzwa, anokwanisawo kubatsira avo vanoedzwa.