VaHebheru 2:1-10 - Compare All Versions
VaHebheru 2:1-10 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka tinofanira kuteerera zvikuru, izvo zvatakanzwa, kuitira kuti tirege kutsauka. Nokuti kana shoko rakataurwa navatumwa rakanga rakasimba, uye kana kudarika nokusateerera kwose kwakapiwa chirango chakafanira, ko, isu tichapunyuka sei kana tisina hanya noruponeso rwakakura zvakadai? Ruponeso urwu rwakatanga kuziviswa naIshe, rwakasimbiswa kwatiri naavo vakamunzwa. Mwariwo akarupupurira nezviratidzo, zvishamiso, mabasa esimba akasiyana-siyana, uye nezvipo zvoMweya Mutsvene nokuda kwake. Hapazi pasi pavatumwa pakaiswa nyika inouya, yatiri kutaura nezvayo. Asi mumwe akapupura kwazvo pane imwe nzvimbo achiti: “Ko, munhu chii zvamunomufunga, kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye? Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa; makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa uye mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Pakuisa zvinhu zvose pasi pake, Mwari haana kusiya chinhu chimwe chete chisina kuiswa pasi pake. Asi panguva ino hationi zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake. Asi tinoona Jesu, akaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, zvino ashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa nokuti akatambudzika murufu, kuitira kuti nenyasha dzaMwari anzwe rufu nokuda kwavose. Mukuuyisa vanakomana vazhinji pakubwinya, zvakanga zvakafanira kuti Mwari iye akaitirwa zvinhu zvose uye akaita kuti zvinhu zvose zvivepo, aite muvambi woruponeso rwazvo rwakakwana nenzira yokutambudzika.
VaHebheru 2:1-10 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka tinofanira kuteerera zvikuru izvo zvatakanzwa, kuti tirege kukukurwa. Nokuti kana shoko rakanga rataurwa navatumwa, rakanga rakasimba, uye kana kudarika nokusateerera kwose kwakapiwa mubayiro wakarurama, ko isu tichatiza sei, kana tisina hanya nokuponeswa kukuru kwakadai? Uku kwakaparidzwa pakutanga naIshe, kukasimbiswa kwatiri naivo vakanzwa; naiye Mwariwo achipupurirana navo nezviratidzo nezvinoshamisa, namabasa esimba mazhinji, nezvipo zvoMweya Mutsvene, nokuda kwake. Nokuti nyika inozouya, yatinoreva, haana kuiisa pasi pavatumwa. Asi mumwe akapupura kwazvo paneimwe nzvimbo, achiti, “Ko munhu chinyiko, zvamunomufunga? Kana Mwanakomana womunhu, zvamunomushanyira? Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa, Makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa, Mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Nokuti pakuisa kwake zvinhu zvose pasi pake, haana kusiya chinhu chimwe, chisina kuiswa pasi pake. Asi zvino tigere kuona kuti zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake. Asi tinomuona, iye Jesu, akaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, akashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa nokuda kwokutambudzika kworufu, kuti nenyasha dzaMwari anzwe rufu nokuda kwavose. Nokuti zvakanga zvakafanira kuti iye, akaitirwa zvinhu zvose, uye akaita zvinhu zvose, pakuisa kwake vanakomana vazhinji pakubwinya, akwanise Mutungamiriri wokuponeswa kwavo nenzira yokutambudzika.
VaHebheru 2:1-10 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Saka tinofanira kuterera ɀikuru iɀo ɀatakanzwa, kuti tirege kukukurwa. Nokuti kana shoko, rakaŋga rataurwa naʋatumŋa, rakaŋga rakasimba, ʋuye kana kuɗarika nokusaterera kwose kwakapiwa muɓairo wakarurama, ko isu ticatiza sei, kana tisinehanya nokuponeswa kukuru kwakaɗai? uku kwakaparidzwa pakutaŋga naShe, kukasimbiswa kwatiri naiʋo ʋakanzwa; naiye Mŋari ʋo acipupurirana naʋo neɀiratidzo neɀinoshamisa, namaɓasa esimba mazhinji, neɀipo ɀoMŋeya Mutȿene, nokuɗa kwake. Nokuti nyika, inozoʋuya, yatinoreʋa, haana‐kuiisa pasi paʋatumŋa. Asi mumŋe wakapupura kwaɀo paneimŋe nɀimbo, aciti: Ko munhu cinyiko, ɀamunomufuŋga? Kana mŋanakomana womunhu, ɀamunomushanyira? Makamuita muɗuku ɀishoma kuʋatumŋa, Makamushoŋgedza korona yokubginya nokukudzwa, Mukaisa ɀinhu ɀose pasi petsoka dzake. Nokuti pakuisa kwake ɀinhu ɀose pasi pake, haana‐kusiya cinhu cimŋe, cisinakuiswa pasi pake. Asi ɀino tigere kuʋona kuti ɀinhu ɀose ɀakaiswa pasi pake. Asi tinomuʋona, iye Jesu, wakaitwa muɗuku ɀishoma kuʋatumŋa, akashoŋgedzwa korona yokubginya nokukudzwa nokuɗa kwokutambudzika kworufu, kuti nenyasha dzaMŋari anzwe rufu nokuɗa kwaʋose. Nokuti ɀakaŋga ɀakafanira kuti iye, wakaitirwa ɀinhu ɀose, ʋuye wakaita ɀinhu ɀose, pakuisa kwake ʋanakomana ʋazhinji pakubginya, akwanise Mutuŋgamiriri wokuponeswa kwaʋo nenzira yokutambudzika.
VaHebheru 2:1-10 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo tinofanira kunyatsobatisisa zvatanzwa, kuti tirege kurasika, tonanga mutome. Nokuti kana shoko riya rakarehwa navatumwa riri rechokwadi, uyezve kana kukanganisa kose nokusateerera kwakapihwa chirango chakaenzanirana nazvo, ko, isu tichazopunyuka napapi kana tisina kuita hanya noruponeso rwakakomba kudai? Ndirwo rwakataurwa naTenzi pokutanga, rwukatsinhirwa kwatiri navavo vakamunzwa. Mwari akarupupurirawo nezvioneso, nezvishamiso, nezviratidzo, zvorudzi norudzi nezvipo zvaMweya Mutsvene zvaaipa samadiro ake. Mwari haana kuisa pasi pavatumwa nyika ichauya, yatiri kutaura nezvayo. Zvakapupurirwawo kumwe zvichinzi, “Iye munhu chiikowo zvake wamunorangarira? “Iye munhuwo zvake wamunochengeta. Kwechinguvana mukamuita kuti ave mudiki kuvatumwa, mukamupfekedza ndaza nembiri norukudzo. Makaisawo zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Pamakaisa zvinhu zvose pasi pake, haana kusiya nechinhu chose chisiri mumaoko ake. Iye zvino hatisati zvedu toona zvinhu zvose zviri pasi pake. Asi tinoona Jesu, iye akamboitwa muduku panavatumwa kwechinguvana achidzikwa chiremba chembiri nokukudzwa, pamusana pamarwadzo erufu kuti anzwe chinonzi rufu nenyasha dzaMwari, achifira munhu wose. Zvaikodzera kuti muridzi wezvinhu zvose, iye nyakuita kuti zvivepo, zvaaida kuendesa vana vazhinji mumbiri, aite kuti namatambudziko, mutungamiriri wavo ave wakaruramisisa.
VaHebheru 2:1-10 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)