VaHebheru 12:2-3
VaHebheru 12:2-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tichitarira kuna Jesu muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu; iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, uye akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari. Cherechedzai iye akatsunga pakupikiswa kwakadai navatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba mumwoyo menyu.
VaHebheru 12:2-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
tichitarira kuna Jesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro akaiswa pamberi pake, akashoora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari. Nokuti cherekedzai uyo akatsunga pakukakavara kwakadai kwavatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba mumweya yenyu.
VaHebheru 12:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
takatarisa kuna Jesu muvambi akaita kuti chitendero chedu chive chakakwana. Iye, pamusana pemufaro waakanga anzi achawana, akatirira muchinjikwa achiona kunyadziswa sechinhu pasina, iye zvino agere kurudyi rwechigaro choumambo chaMwari. Fungai nezvake, iye akatirira ruvengo rwakadai rwaakaitirwa navatadzi kuti imi murege kuneta kana kurasa mwoyo.
VaHebheru 12:2-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ticitarira kunaJesu, muʋambi nomukwanisi wokutenda kweɗu, iye wakatsuŋga pamucinjikwa nokuɗa kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashoʋora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwecigaro coʋushe caMŋari. Nokuti cerekedzai uyo wakatsuŋga pakukakaʋara kwakaɗai kwaʋatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba pamŋeya yenyu.
VaHebheru 12:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)