Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 11:8-31

VaHebheru 11:8-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Nokutenda Abhurahama, akati adanwa kuti aende kunzvimbo iyo yaaizogamuchira kuti ive nhaka yake, akateerera akaenda, kunyange zvazvo akanga asingazivi kwaaienda. Nokutenda akandogara somutorwa munyika yechipikirwa, saanogara munyika yavamwe; akagara mumatende, sezvakaita Isaka naJakobho, vakanga vari vadyi venhaka yechipikirwa pamwe chete naye. Nokuti akanga achitarisira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro. Nokutenda Abhurahama, kunyange zvake akanga apfuura zera, uye Sara pachake akanga asingabereki, akapiwa simba rokuva baba, nokuti akati iye akamupikira akatendeka. Uye nokudaro kubva pamunhu mumwe, akanga oita seafa, kwakava nezvizvarwa zvakawanda senyeredzi dzokudenga, zvisingaverengeki sejecha pamahombekombe egungwa. Vanhu ava vose vakanga vachirarama nokutenda kusvikira panguva yokufa. Havana kuwana zvinhu zvavakavimbiswa; vakangozviona chete vakazvigamuchira zviri kure. Uye vakabvuma kuti ivo vakanga vari vaeni navatorwa panyika. Vanhu vanotaura zvinhu zvakadai vanoratidza kuti vari kutsvaka nyika yavo chaiyo. Dai vakanga vachifunga nyika yavakabva kwairi vangadai vakawana mukana wokudzokera. Asi vakanga vachishuva nyika yakanaka, iyo yokudenga. Naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti anzi Mwari wavo, nokuti akavagadzirira guta. Nokutenda Abhurahama, paakaedzwa naMwari, akapa Isaka sechibayiro. Iye akanga agamuchira zvipikirwa akanga obayira mwanakomana wake mumwe oga, kunyange zvazvo Mwari akanga akati kwaari, “Nokuna Isaka zvizvarwa zvako zvichazovapo.” Abhurahama akafunga akati Mwari aigona kumutsa vakafa, uye tichitaura nomufananidzo, akagamuchira Isaka kubva kuvakafa. Nokutenda Isaka akaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvaizoitika. Nokutenda Jakobho, paakanga ava kufa akaropafadza mwanakomana mumwe nomumwe waJosefa, uye akanamata akazendamira pamusoro pomudonzvo wake. Nokutenda, Josefa, magumo ake ava pedyo, akataura zvokubuda kwavaIsraeri kubva muIjipiti uye akarayira pamusoro pamapfupa ake. Nokutenda Mozisi paakaberekwa, vabereki vake vakamuviga kwemwedzi mitatu, nokuti vakaona kuti akanga ari mwana akanaka uye havana kutya murayiro wamambo. Nokutenda Mozisi akati akura, akaramba kunzi mwanakomana womwanasikana waFaro. Akasarudza kutambudzwa pamwe chete navanhu vaMwari pano kufadzwa kwenguva duku namafaro ezvivi. Akati kuzvidzwa nokuda kwaKristu ipfuma huru kupfuura kupfuma kwose kweIjipiti, nokuti akanga achitarira mberi kumubayiro. Nokutenda akabva muIjipiti asingatyi kutsamwa kwamambo; akatsungirira nokuti akanga aona iye asingaonekwi. Nokutenda akavamba Pasika nokusasa ropa, kuitira kuti muurayi wamatangwe arege kuuraya matangwe eIsraeri. Nokutenda vanhu vakayambuka Gungwa Dzvuku, sapanyika yakaoma; asi vaIjipita pavakaedza kuzviita vakanyura. Nokutenda masvingo eJeriko akawira pasi, mushure mokunge vanhu vafamba vachiapoteredza kwamazuva manomwe. Nokutenda Rahabhi chifeve, haana kufa pamwe chete navasina kuteerera, nokuti akanga agamuchira vasori norugare.

VaHebheru 11:8-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Nokutenda Abhurahamu, akati adanwa, akateerera, akabuda, akaenda kunzvimbo yaakanzi achaipiwa ive nhaka yake; akabuda akaenda, asingazivi kwaanoenda. Nokutenda akandogara somutorwa munyika yechipikirwa, sapanyika yavamwe, akagara mumatende naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechipikirwa chimwe pamwechete naye; nokuti akanga achitarira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro. Nokutenda naiye Sara akapiwa simba rokutora mimba, kunyange akanga achembera, nokuti akati iye akamupikira akatendeka. Saka kumunhu mumwe, akanga akaita sowafa, kwakabva vana vakaita senyeredzi dzokudenga nokuwanda kwavo, uye sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa risingaverengwi. Ivava vose vakafa vachitenda, vasina kupiwa zvipikirwa, asi vakazviona zviri kure, vakazvikwazisa, vakatenda kuti ivo vaeni navafambi panyika. Nokuti vanotaura zvakadaro, vanoratidza kuti vanotsvaka nyika yavo chaiyo. Nokuti kana vairamba vachifunga nyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vawana nguva yokudzoka. Asi zvino vanoda imwe inopfuura nokunaka, ndiyo yokudenga; naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti aidzwe Mwari wavo; nokuti wakavagadzirira guta. Nokutenda Abhurahamu, achiedzwa, akabayira Isaka; iye akanga agamuchira kwazvo zvipikirwa, akanga achibayira mwana wake wakaberekwa mumwe woga; iye akanga audzwa, zvichinzi, “Muna Isaka vana vako vachatumidzwa; nokuti wakati Mwari anogona kumutsa munhu kunyange kuvakafa; ndipapowo, kana tichitaura nomufananidzo, paakamudzoserwa.” Nokutenda Isaka akaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvinozoitwa. Nokutenda Jakobho pakufa kwake akaropafadza mwanakomana mumwe nomumwe waJosefa; akanamata akasendamira pamusoro pomudonzvo wake. Nokutenda Josefa, ofa, akataura zvokubuda kwavana vaIsiraeri, akavarayira pamusoro pamapfupa ake. Nokutenda Mosesi pakuberekwa kwake akavanzwa navabereki vake mwedzi mitatu, nokuti vakaona kuti akanga ari mwana wakanaka; havana kutya murayiro wamambo. Nokutenda Mosesi akura, akaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao, akati zviri nani kuitirwa zvakaipa pamwechete navanhu vaMwari pakufarira zvivi nguva duku; akati kuzvidzwa kwaKristu ipfuma huru kupfuma kwose kweIjipiti; nokuti akatarira mubayiro. Nokutenda akabva Ijipiti, asingatyi kutsamwa kwamambo; nokuti akatsungirira somunhu anoona iye asingaonekwi. Nokutenda, akavamba Pasika nokusasa ropa, kuti muurayi wamatangwe avarege ivo. Nokutenda, vakayambuka Gungwa Dzvuku, sapanyika yakaoma; vaIjipiti vachiedza izvozvo, vakabitirirwa. Nokutenda, masvingo eJeriko akawira pasi, apoteredzwa mazuva manomwe. Nokutenda, Rakabhi chifeve, haana kufa pamwechete navasina kuteerera, nokuti akanga agamuchira vashori norugare.

VaHebheru 11:8-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Pamusana pechitendero Abhurahamu akateerera paakadaidzwa kuti aende kunzvimbo yaainzi anozogamuchira senhaka. Pamusana pechitendero akabuda achienda kwaakanga asingazivi akagara munyika yechipikirwa somunhu anogara munyika isiri yake achigara mumatendhe naIsaki naJakobho, vagari venhaka pamwechete naye vechipikirwa chimwechetecho. Chikonzero ndechokuti aitarisira guta rine ugaro hwakasimba rakavakwa naMwari rakarongwa noumhizha hwake. Pamusana pechitendero Sara pachake akagamuchira simba rokubata pamuviri kunyange akanga apfuura pazera rokubereka nokuti akati iye akanga avatsidzira akatendeka. Nokudaro kubva pamunhu mumwechete uye akanga aita somunhu akafa akabereka vana vakawanda senyenyedzi dzedenga uye vasingaverengeki sejecha rapamahombekombe pegungwa. Ava vose vakafa vachitenda vasati vagamuchira zvavakanga vatsidzirwa asi vakanga vazviona vakazvikwaziza vachiri kure. Vakanga vazviona kuti vaenzi navatorwa panyika. Vanhu vanotaura vachidaro vanoratidza pachena kuti vari kutsvaka nyika yavo. Dai vakanga vachifunga nenyika yekwavakabva vangadai vakakwanisa kuwana mukana wokudzokerako. Asi sezvazviri vari kutosuwira nyika iri nani zvichireva nyika yokudenga. Ndokusaka Mwari asinganyari kunzi Mwari wavo nokuti akavagadzirira guta. Pamusana pechitendero Abhurahamu paakaedzwa akapira Isaki; nezvo munhu akanga atsidzirwa akanga oda kupira mwanakomana wake mumwechete oga iye akanga ambonzi zvizvarwa zvako zvichatumidzwa zita nokuna Isaki. Akafunga kuti Mwari anokwanisa kumutsa vanhu kunyange kurufu. Naizvozvo pakutaura, tingati akamugamuchirazve. Nechitendero Isaki akakumbirira Jakobho naEsau zvikomborero mune ramangwana. Pamusana pechitendero, Jakobho paakanga ava kufa akakomborera vana vaJosefi vose vari vaviri akakotamira pamusoro petsvimbo yake achinamata. Pamusana pechitendero Josefi, pakuguma koupenyu hwake akataura nezvekubuda kwavaIsiraeri akavaraira nezvamapfupa ake. Pamusana pechitendero Mosesi paakaberekwa akavanzwa navabereki vake kwemwedzi mitatu nokuti vakaona kuti aitarisika zvakanaka. Havana kutya chirevo chamambo. Pamusana pechitendero Mosesi paakanga akura akaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao. Akatosarudza kuitirwa zvakaipa pamwechete navanhu vaMwari panze pokunakidzwa namafaro echitadzo. Akafunga kuti kuzvidzirwa Kristu upfumi hukuru kupinda upfumi hweIjipiti nokuti mwoyo wake wakanga uri kumubayiro. Pamusana pechitendero akasiya Ijipiti asingatyi hasha dzamambo achiita somunhu ari kuona iye Asingaoneki. Pamusana porudaviro akachengeta Pasika akasasa ropa kuitira kuti muparadzi wamatangwe arege kumbovabata–bata. Pamusana porudaviro vanhu vakayambuka Gungwa Dzvuku sokunge vari pasi pakaoma asi vaIjipiti pavakaedza kuita zvimwechetezvo vakanyura. Pamusana pechitendero rusvingo rweJeriko rwakaputsikira pasi mushure mokuritenderera mazuva manomwe. Pamusana pechitendero Rahabhu haana kuparara pamwepo navakanga vasingateereri nokuti akanga agamuchira zvakanaka vasori vaya.

VaHebheru 11:8-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Nokutenda Abrahama, wakati aɗanwa, akaterera, akaɓuɗa, akaenda kunɀimbo yaakanzi ucaipiwa iʋe nhaka yake; akaɓuɗa akaenda, asiŋgaziʋi kwaanoenda. Nokutenda wakandogara somutorwa munyika yecipikirwa, sapanyika yaʋamŋe, akagara mumatente naIsaka naJakobo, ʋadyi ʋenhaka yecipikirwa cimŋe pamŋe cete naye; nokuti wakaŋga acitarira guta rinenheyo, Mŋari ari mhizha nomuʋaki waro. Nokutenda naiye Sara wakapiwa simba rokutora mimba, kunyaŋge akaŋga acembera, nokuti wakati iye wakamupikira wakatendeka. Saka kumunhu mumŋe, wakaŋga akaita sowafa, kwakabva ʋana ʋakaita senyeredzi dzokuɗeŋga nokuwanda kwaʋo, ʋuye sejeca riri pamhenderekedzo yeguŋgwa risiŋgaʋereŋgwi. Iʋaʋa ʋose ʋakafa ʋacitenda, ʋasina‐kupiwa ɀipikirwa, asi ʋakaɀiʋona ɀiri kure, ʋakaɀikwazisa, ʋakatenda kuti iʋo ʋaeni naʋafambi panyika. Nokuti ʋanotaura ɀakaɗaro, ʋanoratidza kuti ʋanotȿaka nyika yaʋo caiyo. Nokuti kana ʋairamba ʋacifuŋga nyika iyo yaʋakabva kwairi, ʋaŋgaɗai ʋawana ŋguʋa yokudzoka. Asi ɀino ʋanoɗa imŋe inopfuʋura nokunaka, ndiyo yokuɗeŋga; naiɀoɀo Mŋari haanenyadzi pamsoro paʋo kuti aidzwe Mŋari waʋo; nokuti wakaʋagadzirira guta. Nokutenda Abrahama, aciidzwa, wakaɓayira Isaka; iye wakaŋga agamucira kwaɀo ɀipikirwa, wakaŋga aciɓayira mŋana wake wakaɓerekwa mumŋe woga; iye wakaŋga aʋudzwa, ɀicinzi: MunaIsaka ʋana ʋako ʋacatumidzwa; nokuti wakati Mŋari unogona kumutsa munhu kunyaŋge kuʋakafa; ndipapo ʋo, kana ticitaura nomufananidzo, paakamudzoserwa. Nokutenda Isaka wakaropafadza Jakobo naEsau pamsoro peɀinozoitwa. Nokutenda Jakobo pakufa kwake wakaropafadza mŋanakomana mumŋe nomumŋe waJosefa; akanamata akasendamira pamsoro pomuɗonɀo wake. Nokutenda Josefa, ofa, wakataura ɀokuɓuɗa kwaʋana ʋaIsraeri, akaʋaraira pamsoro pamafupa ake. Nokutenda Mosesi pakuɓerekwa kwake wakaʋanzwa naʋaɓereki ʋake mŋedzi mitatu, nokuti ʋakaʋona kuti wakaŋga ari mŋana wakanaka; haʋana‐kutya murairo wamambo. Nokutenda Mosesi, akura, wakaramba kunzi mŋanakomana womukunda waFarao, akati ɀirinani kuitirwa ɀakaipa pamŋe cete naʋanhu ʋaMŋari pakufarira ɀiʋi ŋguʋa ɗuku; akati kuɀidzwa kwaKristu ifuma huru kukufuma kwose kweEgipita; nokuti wakatarira muɓairo. Nokutenda wakabva Egipita, asiŋgatyi kutsamŋa kwamambo; nokuti wakatsuŋgirira somunhu unoʋona iye usiŋgaʋonekwi. Nokutenda wakaʋamba paseka nokusasa ropa, kuti muʋurayi wamataŋgwe aʋarege iʋo. Nokutenda ʋakayambuka Guŋgwa Dɀuku, sapanyika yakawoma; ʋaEgipita ʋaciidza iɀoɀo, ʋakaɓitirirwa. Nokutenda maȿiŋgo eJeriko akawira pasi, apoteredzwa mazuʋa manomŋe. Nokutenda Rakabi cifeʋe, haana‐kufa pamŋe cete naʋasinakuterera, nokuti wakaŋga agamucira ʋashori norugare.

VaHebheru 11:8-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)