VaHebheru 11:30-31
VaHebheru 11:30-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokutenda masvingo eJeriko akawira pasi, mushure mokunge vanhu vafamba vachiapoteredza kwamazuva manomwe. Nokutenda Rahabhi chifeve, haana kufa pamwe chete navasina kuteerera, nokuti akanga agamuchira vasori norugare.
VaHebheru 11:30-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokutenda, masvingo eJeriko akawira pasi, apoteredzwa mazuva manomwe. Nokutenda, Rakabhi chifeve, haana kufa pamwechete navasina kuteerera, nokuti akanga agamuchira vashori norugare.
VaHebheru 11:30-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pamusana pechitendero rusvingo rweJeriko rwakaputsikira pasi mushure mokuritenderera mazuva manomwe. Pamusana pechitendero Rahabhu haana kuparara pamwepo navakanga vasingateereri nokuti akanga agamuchira zvakanaka vasori vaya.
VaHebheru 11:30-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokutenda maȿiŋgo eJeriko akawira pasi, apoteredzwa mazuʋa manomŋe. Nokutenda Rakabi cifeʋe, haana‐kufa pamŋe cete naʋasinakuterera, nokuti wakaŋga agamucira ʋashori norugare.
VaHebheru 11:30-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)