VaHebheru 11:13-16
VaHebheru 11:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanhu ava vose vakanga vachirarama nokutenda kusvikira panguva yokufa. Havana kuwana zvinhu zvavakavimbiswa; vakangozviona chete vakazvigamuchira zviri kure. Uye vakabvuma kuti ivo vakanga vari vaeni navatorwa panyika. Vanhu vanotaura zvinhu zvakadai vanoratidza kuti vari kutsvaka nyika yavo chaiyo. Dai vakanga vachifunga nyika yavakabva kwairi vangadai vakawana mukana wokudzokera. Asi vakanga vachishuva nyika yakanaka, iyo yokudenga. Naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti anzi Mwari wavo, nokuti akavagadzirira guta.
VaHebheru 11:13-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ivava vose vakafa vachitenda, vasina kupiwa zvipikirwa, asi vakazviona zviri kure, vakazvikwazisa, vakatenda kuti ivo vaeni navafambi panyika. Nokuti vanotaura zvakadaro, vanoratidza kuti vanotsvaka nyika yavo chaiyo. Nokuti kana vairamba vachifunga nyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vawana nguva yokudzoka. Asi zvino vanoda imwe inopfuura nokunaka, ndiyo yokudenga; naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti aidzwe Mwari wavo; nokuti wakavagadzirira guta.
VaHebheru 11:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ava vose vakafa vachitenda vasati vagamuchira zvavakanga vatsidzirwa asi vakanga vazviona vakazvikwaziza vachiri kure. Vakanga vazviona kuti vaenzi navatorwa panyika. Vanhu vanotaura vachidaro vanoratidza pachena kuti vari kutsvaka nyika yavo. Dai vakanga vachifunga nenyika yekwavakabva vangadai vakakwanisa kuwana mukana wokudzokerako. Asi sezvazviri vari kutosuwira nyika iri nani zvichireva nyika yokudenga. Ndokusaka Mwari asinganyari kunzi Mwari wavo nokuti akavagadzirira guta.
VaHebheru 11:13-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iʋaʋa ʋose ʋakafa ʋacitenda, ʋasina‐kupiwa ɀipikirwa, asi ʋakaɀiʋona ɀiri kure, ʋakaɀikwazisa, ʋakatenda kuti iʋo ʋaeni naʋafambi panyika. Nokuti ʋanotaura ɀakaɗaro, ʋanoratidza kuti ʋanotȿaka nyika yaʋo caiyo. Nokuti kana ʋairamba ʋacifuŋga nyika iyo yaʋakabva kwairi, ʋaŋgaɗai ʋawana ŋguʋa yokudzoka. Asi ɀino ʋanoɗa imŋe inopfuʋura nokunaka, ndiyo yokuɗeŋga; naiɀoɀo Mŋari haanenyadzi pamsoro paʋo kuti aidzwe Mŋari waʋo; nokuti wakaʋagadzirira guta.
VaHebheru 11:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)