VaHebheru 11:11-12
VaHebheru 11:11-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokutenda Abhurahama, kunyange zvake akanga apfuura zera, uye Sara pachake akanga asingabereki, akapiwa simba rokuva baba, nokuti akati iye akamupikira akatendeka. Uye nokudaro kubva pamunhu mumwe, akanga oita seafa, kwakava nezvizvarwa zvakawanda senyeredzi dzokudenga, zvisingaverengeki sejecha pamahombekombe egungwa.
VaHebheru 11:11-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokutenda naiye Sara akapiwa simba rokutora mimba, kunyange akanga achembera, nokuti akati iye akamupikira akatendeka. Saka kumunhu mumwe, akanga akaita sowafa, kwakabva vana vakaita senyeredzi dzokudenga nokuwanda kwavo, uye sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa risingaverengwi.
VaHebheru 11:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pamusana pechitendero Sara pachake akagamuchira simba rokubata pamuviri kunyange akanga apfuura pazera rokubereka nokuti akati iye akanga avatsidzira akatendeka. Nokudaro kubva pamunhu mumwechete uye akanga aita somunhu akafa akabereka vana vakawanda senyenyedzi dzedenga uye vasingaverengeki sejecha rapamahombekombe pegungwa.
VaHebheru 11:11-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokutenda naiye Sara wakapiwa simba rokutora mimba, kunyaŋge akaŋga acembera, nokuti wakati iye wakamupikira wakatendeka. Saka kumunhu mumŋe, wakaŋga akaita sowafa, kwakabva ʋana ʋakaita senyeredzi dzokuɗeŋga nokuwanda kwaʋo, ʋuye sejeca riri pamhenderekedzo yeguŋgwa risiŋgaʋereŋgwi.
VaHebheru 11:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)