Hagai 2:4-5
Hagai 2:4-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi zvino chiva nesimba, iwe Zerubhabheri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Iva nesimba, iwe Joshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru. Ivai nesimba, imi mose vanhu venyika,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye mushande. Nokuti ndinemi,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. ‘Ndiro shoko resungano yandakaita nemi, nguva yamakabuda kubvira muIjipiti. Uye Mweya wangu uchagara pakati penyu. Musatya.’
Hagai 2:4-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi zvino chiva nesimba, iwe Zerubhabheri ndizvo zvinotaura Jehovha; newe Joshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, iva nesimba; nemi vanhu vose venyika, ivai nesimba, mubate ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndinemi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Ndiro shoko resungano yandakaita nemi, nguva yamakabuda Ijipiti, mweya wangu uchigere pakati penyu; regai kutya.
Hagai 2:4-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvisinei hazvo, zvino tsunga mwoyo iwe Zerubhabhero, ndizvo zvinotaura Tenzi. Tsunga mwoyo Joshuwa mwanakomana waJehozadhaki mupristi mukuru. Tsungaiwo mwoyo imi vanhu vose venyika ndizvo zviri kutaura Tenzi. Zviri kunzi naTenzi wehondo nehondo, ‘Shandai nokuti ndinemi sokukutsidzirai kwandakaita pamakabuda muIjipiti. Mweya wangu uri mamuri, musatye.’
Hagai 2:4-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ɀino ciʋa nesimba, iwe Zerubaberi — ndiɀo ɀinotaura Jehova; newe Joshua mŋanakomana waJehozadaki, muprista mukuru, iʋa nesimba; nemi ʋanhu ʋose ʋenyika, iʋai nesimba, muɓate — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti ndinemi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Ndiro shoko resuŋgano yandakaita nemi, ŋguʋa yamakaɓuɗa Egipita, mŋeya waŋgu ucigere pakati penyu; regai kutya.
Hagai 2:4-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)