Hagai 1:14
Hagai 1:14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo Jehovha akamutsa mweya waZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati weJudha, uye nomweya waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, uye nomweya wavanhu vose vakanga vasara. Vakauya vakatanga kushanda paimba yaJehovha Wamasimba Ose, Mwari wavo
Hagai 1:14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha akamutsa mweya waZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, nomweya waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, nomweya wavanhu vose vakanga vasara, vakauya vakabata paimba yaJehovha wehondo, Mwari wavo
Hagai 1:14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akamutsa mwoyo waZerubhabhero, mwanakomana waShearitieri mutongi wokwaJudha, nemwoyo waJoshuwa mwanakomana waJehozadhaki mupristi mukuru, uyewo mwoyo yechitsama chavanhu vose vakasara vakauya vakashanda paTemberi yaTenzi wehondo nehondo, Mwari wavo
Hagai 1:14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova akamutsa mŋeya waZerubaberi mŋanakomana waSheartieri, muɓati waJuda, nomŋeya waJoshua mŋanakomana waJehozadaki, muprista mukuru, nomŋeya waʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋasara, ʋakaʋuya ʋakaɓata paimba yaJehova wehondo, Mŋari waʋo
Hagai 1:14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)