Habhakuki 3:3-4
Habhakuki 3:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwari akabva kuTemani, iye Mutsvene akabva kuGomo reParani. Sera Umambo hwake hwakazadza matenga uye mbiri yake yakazadza nyika. Kubwinya kwake kwakaita sokubuda kwezuva; bwerazuva hwakapenya huchibva muruoko rwake, makanga makavigwa simba rake.
Habhakuki 3:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari anouya achibva Temani, Naiye Mutsvene achibva pagomo reParani. Sera. Umambo hwake hunofukidza denga rose, Nyika izere nokurumbidzwa kwake. Kupenya kuripo kwakafanana nechiedza; kwezuva kunobuda paruoko rwake, Simba rake rinovandapo.
Habhakuki 3:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari akabva kuTemani uye Anoera achibva kuGomo reParani, mbiri yake yakakwidibira matenga nyika ikazara nokurumbidzwa kwake. Dzepfunde Kupenya kwake kwakanga kuchiita sechiedza, mirazvo ichipenya mumaoko make, akahwandisa simba rake imomo.
Habhakuki 3:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari unoʋuya acibva Temani, Naiye Mutȿene acibva pagomo reParani. Sera. Ʋumambo bgake ʋunofukidza ɗeŋga rose, Nyika izere nokurumbidzwa kwake. Kupenya kuri’po kwakafanana neciedza; Bgerazuʋa ʋunoɓuɗa paruʋoko rwake, Simba rake rinoʋanda’po.
Habhakuki 3:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)