Habhakuki 3:18-19
Habhakuki 3:18-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
kunyange zvakadaro, ndichafara muna Jehovha, ndichava nomufaro muna Mwari Muponesi wangu. Ishe Jehovha ndiye simba rangu; anoita kuti tsoka dzangu dziite setsoka dzenondo, anondifambisa pamatunhu akakwirira.
Habhakuki 3:18-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kunyange zvakadaro ndichafara kwazvo muna Jehovha, Ndichava nomufaro muna Mwari woruponeso rwangu. Jehovha Ishe isimba rangu, Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzehadzi yenondo, Anondifambisa pamatunhu angu akakwirira. Kumutungamiriri wokuimba, nemitengeranwa yangu.”
Habhakuki 3:18-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
zvakadaro zvazvo ndichafara muna TENZI. Ndichafara naMwari muponesi wangu. TENZI, Mwari ndiye simba rangu. Makumbo angu anoaita seemhara achindifambisa panzvimbo dzangu dzokumusoro. Izvi ndezvomuimbisi ane zvokuimbisa zvine tambo dzokuridza.
Habhakuki 3:18-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kunyaŋge ɀakaɗaro ndicafara kwaɀo munaJehova, Ndicaʋa nomufaro munaMŋari woruponeso rwaŋgu. Jehova Ishe isimba raŋgu, Unoita tsoka dzaŋgu dziʋe setsoka dzehadzi yenondo, Unondifambisa pamatunhu aŋgu akakwirira. Kumutuŋgamiriri wokuimba, nemiteŋgeranwa yaŋgu.
Habhakuki 3:18-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)