Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Habhakuki 3:16-19 - Compare All Versions

Habhakuki 3:16-19 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ndakazvinzwa, hana yangu ikarova, miromo yangu yakadedera pandakanzwa maungira; kuora kwakapinda mumapfupa angu, makumbo angu akadedera. Asi ndichamirira hangu zuva renjodzi kuti riuye pamusoro porudzi ruchatirwisa. Kunyange dai muonde ukasatunga maruva, uye mizambiringa ikashayiwa zvibereko, kunyange kubereka kwomuorivhi kukakona, uye minda ikasabereka zvokudya, kunyange dai kukasava namakwai muchirugu uye mombe dzikashayikwa mumatanga, kunyange zvakadaro, ndichafara muna Jehovha, ndichava nomufaro muna Mwari Muponesi wangu. Ishe Jehovha ndiye simba rangu; anoita kuti tsoka dzangu dziite setsoka dzenondo, anondifambisa pamatunhu akakwirira.

Pakurirana nevamwe
Habhakuki 3 BDSC

Habhakuki 3:16-19 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Ndakanzwa, muviri wangu ukadedera, Miromo yangu yakadedera ndichinzwa izwi; Kuora kwakapinda mumapfupa angu, ndikadedera pandakanga ndiri, Nokuti ndinofanira kumirira zuva renjodzi ndinyerere, Kana iye, anozorwa navanhu, achivawira. Nokuti kunyange muonde ukasatunga maruva, Nemizambiringa ikashaiwa zvibereko, Kunyange kubereka kwomuorivhi kukakona, Neminda ikasabereka zvokudya; Kunyange makwai akapera muchirugu, Nemombe dzikashaikwa mumatanga, Kunyange zvakadaro ndichafara kwazvo muna Jehovha, Ndichava nomufaro muna Mwari woruponeso rwangu. Jehovha Ishe isimba rangu, Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzehadzi yenondo, Anondifambisa pamatunhu angu akakwirira. Kumutungamiriri wokuimba, nemitengeranwa yangu.”

Pakurirana nevamwe
Habhakuki 3 SNA2002

Habhakuki 3:16-19 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ndakanzwa, muʋiri waŋgu ukaɗeɗera, Miromo yaŋgu yakaɗeɗera ndicinzwa inzwi; Kuʋora kwakapinda mumafupa aŋgu, ndikaɗeɗera pandakaŋga ndiri, Nokuti ndinofanira kumirira zuʋa renjodzi ndinyerere, Kana iye, unozorwa naʋanhu, aciʋawira. Nokuti kunyaŋge muʋonde ukasatuŋga maruʋa, Nemizambiriŋga ikashaiwa ɀiɓereko, Kunyaŋge kuɓereka kwomuorivi kukakona, Neminda ikasaɓereka ɀokudya; Kunyaŋge makwai akapera mucirugu, Neŋombe dzikashaikwa mumataŋga, Kunyaŋge ɀakaɗaro ndicafara kwaɀo munaJehova, Ndicaʋa nomufaro munaMŋari woruponeso rwaŋgu. Jehova Ishe isimba raŋgu, Unoita tsoka dzaŋgu dziʋe setsoka dzehadzi yenondo, Unondifambisa pamatunhu aŋgu akakwirira. Kumutuŋgamiriri wokuimba, nemiteŋgeranwa yaŋgu.

Pakurirana nevamwe
Habhakuki 3 SUB1949

Habhakuki 3:16-19 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Ndinonzwa muviri wangu uchigwagwadza, miromo yangu ichidedereswa noruzha. Ndatyorwa mapfupa ini, kufamba ndava kungodhadharika. Ndichamirira chinyararire zuva renhamo richawira vanhu vanotirwisa. Kunyange zvazvo mukuyu ukarega kupfumvudza, kunyange mugirepisi ukashaya michero kana pamuorivhi pakashaika michero mindawo isina kubereka chokudya zvipfuwo muzvirugu zvapera kufa mumatanga musisina mombe, zvakadaro zvazvo ndichafara muna TENZI. Ndichafara naMwari muponesi wangu. TENZI, Mwari ndiye simba rangu. Makumbo angu anoaita seemhara achindifambisa panzvimbo dzangu dzokumusoro. Izvi ndezvomuimbisi ane zvokuimbisa zvine tambo dzokuridza.

Pakurirana nevamwe
Habhakuki 3 SCLB

Habhakuki 3:16-19 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ndinonzwa muviri wangu uchigwagwadza, miromo yangu ichidedereswa noruzha. Ndatyorwa mapfupa ini, kufamba ndava kungodhadharika. Ndichamirira chinyararire zuva renhamo richawira vanhu vanotirwisa. Kunyange zvazvo mukuyu ukarega kupfumvudza, kunyange mugirepisi ukashaya michero kana pamuorivhi pakashaika michero mindawo isina kubereka chokudya zvipfuwo muzvirugu zvapera kufa mumatanga musisina mombe, zvakadaro zvazvo ndichafara muna TENZI. Ndichafara naMwari muponesi wangu. TENZI, Mwari ndiye simba rangu. Makumbo angu anoaita seemhara achindifambisa panzvimbo dzangu dzokumusoro. Izvi ndezvomuimbisi ane zvokuimbisa zvine tambo dzokuridza.

Pakurirana nevamwe
Habhakuki 3 SCLBD