Habhakuki 3:1-19
Habhakuki 3:1-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munyengetero wamuprofita Habhakuki unoimbwa neshigionoti. Jehovha, ndakanzwa zvomukurumbira wenyu; haiwa Jehovha, ndinomira ndichitya mabasa enyu. Avandudzei pamazuva edu, panguva yedu ngaaziviswe; pakutsamwa kwenyu rangarirai tsitsi. Mwari akabva kuTemani, iye Mutsvene akabva kuGomo reParani. Sera Umambo hwake hwakazadza matenga uye mbiri yake yakazadza nyika. Kubwinya kwake kwakaita sokubuda kwezuva; bwerazuva hwakapenya huchibva muruoko rwake, makanga makavigwa simba rake. Hosha yakaenda ichibva pamberi pake; denda rakatevera nhambwe dzake. Akamira, akazungunusa nyika; akatarisa, akabvundisa ndudzi dzavanhu. Makomo akare kare akakoromoka uye zvikomo zvakare zvakawira pasi. Nzira dzake dzinogara nokusingaperi. Ndakaona matende eKushani ari panhamo, nzvimbo dzokugara dzeMidhiani dziri pakutambudzika. Ko, makanga matsamwira nzizi here, nhai Jehovha? Makanga matsamwira zvikova here, nhai Jehovha? Makatsamwira gungwa here pamakafambisa mabhiza enyu nengoro dzenyu dzokukunda? Makabudisa pachena uta hwenyu, mukadaidzira miseve mizhinji. Sera Makatsemura nyika nenzizi; makomo akakuonai akadedera. Mvura zhinji yakapfuura; kwakadzika kwakatinhira kukasimudza mafungu pamusoro. Zuva nomwedzi zvakambomira kumatenga zvichiona kuvaima kwemiseve yenyu yaipfuura, zvichiona kupenya kwepfumo renyu rinobwinya. Mukutsamwa kwenyu makapfuura napanyika uye mukushatirwa kwenyu makarasa ndudzi. Makauya kuzonunura vanhu venyu, kuzoponesa muzodziwa wenyu. Makaparadza mutungamiri wenyika yavakaipa, mukamufukura kubva kumusoro kusvika kutsoka. Sera Nepfumo rake chairo makabaya musoro wake, pakauya varwi vake sechamupupuri kuzotiparadzira, vachifara savanoda kuparadza vanotambudzika vakanga vakavanda. Makatsika-tsika gungwa namabhiza enyu, mukabvongodza mvura zhinji. Ndakazvinzwa, hana yangu ikarova, miromo yangu yakadedera pandakanzwa maungira; kuora kwakapinda mumapfupa angu, makumbo angu akadedera. Asi ndichamirira hangu zuva renjodzi kuti riuye pamusoro porudzi ruchatirwisa. Kunyange dai muonde ukasatunga maruva, uye mizambiringa ikashayiwa zvibereko, kunyange kubereka kwomuorivhi kukakona, uye minda ikasabereka zvokudya, kunyange dai kukasava namakwai muchirugu uye mombe dzikashayikwa mumatanga, kunyange zvakadaro, ndichafara muna Jehovha, ndichava nomufaro muna Mwari Muponesi wangu. Ishe Jehovha ndiye simba rangu; anoita kuti tsoka dzangu dziite setsoka dzenondo, anondifambisa pamatunhu akakwirira.
Habhakuki 3:1-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munyengetero womuporofita Habhakuki, unoimbwa neShigionoti. “Aiwa, Jehovha, ndakanzwa mashoko enyu, ndikatya; Aiwa, Jehovha, mutsai basa renyu pakati pamakore; Rizivisei pakati pamakore; Pakutsamwa kwenyu rangarirai nyasha. Mwari anouya achibva Temani, Naiye Mutsvene achibva pagomo reParani. Sera. Umambo hwake hunofukidza denga rose, Nyika izere nokurumbidzwa kwake. Kupenya kuripo kwakafanana nechiedza; kwezuva kunobuda paruoko rwake, Simba rake rinovandapo. Hosha yakaipa inomutungamirira, Mazimbe omoto anobuda patsoka dzake. Anomira achiyera nyika; Anotarira, ndokuparadza marudzi avanhu; Makomo asingaperi anopararira; Zvikomo zvisingaperi zvinokotama; Nzira dzake ndedzekare-kare. Ndinoona matende eKushani ari panhamo; Micheka yamatende enyika yeMidhiani anodedera. Ko Jehovha akatsamwira nzizi here? Hasha dzenyu dzakamukira nzizi here? Kutsamwa kwenyu kwakamukira gungwa here, Zvamunotasva mabhiza enyu, Muchifamba nengoro dzenyu dzoruponeso? Uta hwenyu hwakafukurwa kwazvo; Shamhu dzakapikirwa neshoko renyu. Makaparura nyika nenzizi. Makomo akakuonai akatya, Kudira kwemvura kwakapfuura; Pakadzika pakabudisa izwi rapo, Pakasimudzira maoko apo kumusoro. Zuva nomwedzi zvakamira paugaro hwazvo, Zvichiona chiedza chemiseve yenyu ichipfuura, Zvichiona kupenya kwepfumo renyu rinobwinya. Makatsika nyika makatsamwa, Makapura ndudzi mune hasha. Makabuda kuzoponesa vanhu venyu, Kuzoponesa muzodziwa wenyu; Makakuvadza musoro weimba yowakaipa, Muchifukura nheyo kusvikira kumutsipa wayo. Makabvoora misoro yavarwi vake namapfumo ake; Vakauya sechamupupuri kundiparadza; Kufara kwavo kwakaita sokwavanopedza varombo pakavanda. Makatsika gungwa namabhiza enyu, Iwo murwi wemvura zhinji.” “Ndakanzwa, muviri wangu ukadedera, Miromo yangu yakadedera ndichinzwa izwi; Kuora kwakapinda mumapfupa angu, ndikadedera pandakanga ndiri, Nokuti ndinofanira kumirira zuva renjodzi ndinyerere, Kana iye, anozorwa navanhu, achivawira. Nokuti kunyange muonde ukasatunga maruva, Nemizambiringa ikashaiwa zvibereko, Kunyange kubereka kwomuorivhi kukakona, Neminda ikasabereka zvokudya; Kunyange makwai akapera muchirugu, Nemombe dzikashaikwa mumatanga, Kunyange zvakadaro ndichafara kwazvo muna Jehovha, Ndichava nomufaro muna Mwari woruponeso rwangu. Jehovha Ishe isimba rangu, Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzehadzi yenondo, Anondifambisa pamatunhu angu akakwirira. Kumutungamiriri wokuimba, nemitengeranwa yangu.”
Habhakuki 3:1-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munamato womuporofita Habhakuku wokuita neShigionoti akati, TENZI ndakanzwa nezvenyu uye basa renyu TENZI rinondityisa. Rivandudzei mukati memakore muite kuti rizivikanwe mukati memakore, kana mukushatirwa rangarirai tsiye nyoro. Mwari akabva kuTemani uye Anoera achibva kuGomo reParani, mbiri yake yakakwidibira matenga nyika ikazara nokurumbidzwa kwake. Dzepfunde Kupenya kwake kwakanga kuchiita sechiedza, mirazvo ichipenya mumaoko make, akahwandisa simba rake imomo. Mberi kwake denda rakanga rakatungamira; zvirwere zvakatsikana tsoka naro. Akasimuka akapima nyika akatarisa akadederesa marudzi, makomo apakatikati ndokuati mwarara, makomo apasichigare akati ndondondo kunyura pasi. Maitiro ake aya akanga akaita saapasichigare. Ndakaona misasa yamatendhe yokuKushi yapinda nhamo, machira okudzikatirisa enyika yeMidhia odedera. Nhai TENZI, makanga mashatirirwa nzizi here? Kana kuti hasha dzenyu dzakavirukira nzizi kana kuti makavirukira gungwa nehasha, pamakanga makatasva mabhiza enyu muri mungoro dzenyu dzehondo dzokukurira? Makasunungura hara pauta hwenyu mukaisa museve wenyu patambo yokukungisa mukatsemura nyika nenzizi. Dzepfunde Makomo akakuonai akazvongonyoka; mvura ine hasha ikakukura hwenje hukaunga; masaisai akasimuka mudenga. Zuva nemwedzi zvakati mbikiti kumira panzvimbo pazvo kuchiedza chemiseve yenyu yaipembera kuenda pakuvaima kwepfumo renyu. Makatara nhanho pasi pano makatsamwa mukatsokodzera marudzi avanhu makashatirwa. Makabuda kundonunura vanhu venyu, kuponesa muzodzwa wenyu. Makapwanya musoro womuipi mukamupfekenura kusiya ava musvo kubvira kumakumbo kusvikira pamutsipa. Dzepfunde Makabaya varwi vake musoro nemhayo dzenyu vakanga vauya sechamupupuri kuzondimwararisa, vachifara kwazvo sokunge vanoda kuzhanya varombo muchivande. Makabvongodza gungwa namabhiza enyu, mvura yamafashafasha ine simba. Ndinonzwa muviri wangu uchigwagwadza, miromo yangu ichidedereswa noruzha. Ndatyorwa mapfupa ini, kufamba ndava kungodhadharika. Ndichamirira chinyararire zuva renhamo richawira vanhu vanotirwisa. Kunyange zvazvo mukuyu ukarega kupfumvudza, kunyange mugirepisi ukashaya michero kana pamuorivhi pakashaika michero mindawo isina kubereka chokudya zvipfuwo muzvirugu zvapera kufa mumatanga musisina mombe, zvakadaro zvazvo ndichafara muna TENZI. Ndichafara naMwari muponesi wangu. TENZI, Mwari ndiye simba rangu. Makumbo angu anoaita seemhara achindifambisa panzvimbo dzangu dzokumusoro. Izvi ndezvomuimbisi ane zvokuimbisa zvine tambo dzokuridza.
Habhakuki 3:1-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munyeŋgetero womuprofita Habakuki, unoimbga neShigionoti. Haiwa, Jehova, ndakanzwa mashoko enyu, ndikatya; Haiwa, Jehova, mutsai ɓasa renyu pakati pamakore; Riziʋisei pakati pamakore; Pakutsamŋa kwenyu raŋgarirai nyasha. Mŋari unoʋuya acibva Temani, Naiye Mutȿene acibva pagomo reParani. Sera. Ʋumambo bgake ʋunofukidza ɗeŋga rose, Nyika izere nokurumbidzwa kwake. Kupenya kuri’po kwakafanana neciedza; Bgerazuʋa ʋunoɓuɗa paruʋoko rwake, Simba rake rinoʋanda’po. Hosha yakaipa inomutuŋgamirira, Mazimbe omŋoto anoɓuɗa patsoka dzake. Unomira aciyera nyika; Unotarira, ndokuparadza marudzi aʋanhu; Makomo asiŋgaperi anopararira; Ɀikomo ɀisiŋgaperi ɀinokotama; Nzira dzake ndedzekare‐kare. Ndinoʋona matente eKushani ari panhamo; Miceka yamatente enyika yeMidiani anoɗeɗera. Ko Jehova wakatsamŋira nzizi here? Hasha dzenyu dzakamukira nzizi here? Kutsamŋa kwenyu kwakamukira guŋgwa here, Ɀamunotaȿa mabiza enyu, Mucifamba neŋgoro dzenyu dzoruponeso? Ʋuta bgenyu bgakafukurwa kwaɀo; Shamhu dzakapikirwa neshoko renyu. Sera. Makaparura nyika nenzizi. Makomo akakuʋonai akatya, Kuɗira kwemvura kwakapfuʋura; Pakadzika pakaɓuɗisa inzwi rapo, Pakasimudzira maʋoko apo kumsoro. Zuʋa nomŋedzi ɀakamira paʋugaro bgaɀo, Ɀiciʋona ciedza cemiseʋe yenyu icipfuʋura, Ɀiciʋona kupenya kwepfumo renyu rinobginya. Makatsika nyika makatsamŋa, Makapura ndudzi munehasha. Makaɓuɗa kuzoponesa ʋanhu ʋenyu, Kuzoponesa muzodziwa wenyu; Makakuʋadza musoro weimba yowakaipa, Mucifukura nheyo kuȿikira kumutsipa wayo. Sera. Makabvoʋora misoro yaʋarwi ʋake namapfumo ake; Ʋakaʋuya secampupuri kundiparadza; Kufara kwaʋo kwakaita sokwaʋanopedza ʋarombo pakaʋanda. Makatsika guŋgwa namabiza enyu, Iwo murwi wemvura zhinji. Ndakanzwa, muʋiri waŋgu ukaɗeɗera, Miromo yaŋgu yakaɗeɗera ndicinzwa inzwi; Kuʋora kwakapinda mumafupa aŋgu, ndikaɗeɗera pandakaŋga ndiri, Nokuti ndinofanira kumirira zuʋa renjodzi ndinyerere, Kana iye, unozorwa naʋanhu, aciʋawira. Nokuti kunyaŋge muʋonde ukasatuŋga maruʋa, Nemizambiriŋga ikashaiwa ɀiɓereko, Kunyaŋge kuɓereka kwomuorivi kukakona, Neminda ikasaɓereka ɀokudya; Kunyaŋge makwai akapera mucirugu, Neŋombe dzikashaikwa mumataŋga, Kunyaŋge ɀakaɗaro ndicafara kwaɀo munaJehova, Ndicaʋa nomufaro munaMŋari woruponeso rwaŋgu. Jehova Ishe isimba raŋgu, Unoita tsoka dzaŋgu dziʋe setsoka dzehadzi yenondo, Unondifambisa pamatunhu aŋgu akakwirira. Kumutuŋgamiriri wokuimba, nemiteŋgeranwa yaŋgu.
Habhakuki 3:1-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)