Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Habhakuki 2:2-4 - Compare All Versions

Habhakuki 2:2-4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ipapo Jehovha akapindura achiti: “Nyora chiratidzo ichi, uite kuti chionekwe kwazvo pamahwendefa kuti anoverenga agoverenga achimhanya. Nokuti chiratidzo ichi chakamirira nguva yakatarwa; chinotaura nezvamagumo uye hachingarevi nhema. Kunyange dai chikanonoka, chimirire; zvirokwazvo chichauya, hachizononoki. “Tarira, ana manyawi; zvido zvake hazvina kururama, asi akarurama achararama nokutenda kwake.

Pakurirana nevamwe
Habhakuki 2 BDSC

Habhakuki 2:2-4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Jehovha akandipindura, akati, ‘Nyora zvawaratidzwa, zvionekwe kwazvo pamahwendefa, kuti zvigone kurahwa noanomhanya. Nokuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru. Tarirai, mweya wavo una manyawi, hauna kururama mukati mavo; asi akarurama achararama nokutenda kwake.

Pakurirana nevamwe
Habhakuki 2 SNA2002

Habhakuki 2:2-4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Akandipindura akati, “Nyora chiratidzo ichi uite kuti chinyatsoonekwa chiri pamafendefa kuitira kuti anoverenga averengewo achimhanya nokuti chiratidzo ichocho chinomiririra nguva yacho yakatemwa chiri kumhanyira kumagumo acho; haasi manyepo. Kunyange zvikaita sezvononoka, zvimirire zvokuitika, zvinotoitika chete hazvisikuzombononoka. Chinzwa, ‘Munhu ane mwoyo usina kururama munhu iyeyo achakundikana asi akarurama achararama nokutendeseka kwake.’ ”

Pakurirana nevamwe
Habhakuki 2 SCLBD

Habhakuki 2:2-4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Jehova akandipindura, akati: Nyora ɀawaratidzwa, ɀiʋonekwe kwaɀo pamahwendefa, kuti ɀigone kurabga nounomhanya. Nokuti ɀakaratidzwa iɀi ndeɀeŋguʋa yakatarwa, ɀoʋaʋarira kuguma, haɀiŋgareʋi nhema; kunyaŋge ɀikanonoka, uɀimirire, nokuti ɀicaʋuya ɀirokwaɀo, haɀiŋgaiti ŋguʋa huru. Tarirai, mŋeya waʋo unamanyawi, hauna‐kururama mukati maʋo; asi wakarurama ucararama nokutenda kwake.

Pakurirana nevamwe
Habhakuki 2 SUB1949

Habhakuki 2:2-4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Akandipindura akati, “Nyora chiratidzo ichi uite kuti chinyatsoonekwa chiri pamafendefa kuitira kuti anoverenga averengewo achimhanya nokuti chiratidzo ichocho chinomiririra nguva yacho yakatemwa chiri kumhanyira kumagumo acho; haasi manyepo. Kunyange zvikaita sezvononoka, zvimirire zvokuitika, zvinotoitika chete hazvisikuzombononoka. Chinzwa, ‘Munhu ane mwoyo usina kururama munhu iyeyo achakundikana asi akarurama achararama nokutendeseka kwake.’ ”

Pakurirana nevamwe
Habhakuki 2 SCLB