Habhakuki 2:2-3
Habhakuki 2:2-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Jehovha akandipindura, akati, ‘Nyora zvawaratidzwa, zvionekwe kwazvo pamahwendefa, kuti zvigone kurahwa noanomhanya. Nokuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.
Habhakuki 2:2-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jehovha akapindura achiti: “Nyora chiratidzo ichi, uite kuti chionekwe kwazvo pamahwendefa kuti anoverenga agoverenga achimhanya. Nokuti chiratidzo ichi chakamirira nguva yakatarwa; chinotaura nezvamagumo uye hachingarevi nhema. Kunyange dai chikanonoka, chimirire; zvirokwazvo chichauya, hachizononoki.
Habhakuki 2:2-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Jehovha akandipindura, akati, ‘Nyora zvawaratidzwa, zvionekwe kwazvo pamahwendefa, kuti zvigone kurahwa noanomhanya. Nokuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.
Habhakuki 2:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akandipindura akati, “Nyora chiratidzo ichi uite kuti chinyatsoonekwa chiri pamafendefa kuitira kuti anoverenga averengewo achimhanya nokuti chiratidzo ichocho chinomiririra nguva yacho yakatemwa chiri kumhanyira kumagumo acho; haasi manyepo. Kunyange zvikaita sezvononoka, zvimirire zvokuitika, zvinotoitika chete hazvisikuzombononoka.
Habhakuki 2:2-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova akandipindura, akati: Nyora ɀawaratidzwa, ɀiʋonekwe kwaɀo pamahwendefa, kuti ɀigone kurabga nounomhanya. Nokuti ɀakaratidzwa iɀi ndeɀeŋguʋa yakatarwa, ɀoʋaʋarira kuguma, haɀiŋgareʋi nhema; kunyaŋge ɀikanonoka, uɀimirire, nokuti ɀicaʋuya ɀirokwaɀo, haɀiŋgaiti ŋguʋa huru.
Habhakuki 2:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)