Habhakuki 2:18-20
Habhakuki 2:18-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Chifananidzo chakavezwa chinobatsireiko, zvachakangogadzirwa nomuvezi? Kana chifananidzo chakaumbwa, chinodzidzisa nhema? Nokuti uyo anochiita anovimba nechaakazviumbira; anoita zvifananidzo zvisingagoni kutaura. Ane nhamo anoti kudanda, ‘Rarama!’ Kana kubwe risingagoni kutaura, ‘Muka!’ Ko, zvingadzidzisa here? Tarira, chakafukidzwa negoridhe nesirivha; hachina mweya mukati macho napaduku. Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene; nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.”
Habhakuki 2:18-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Mufananidzo wakavezwa unobatsireiko, zvawavezwa nomuvezi wawo; kana mufananidzo wakaumbwa, iwo mudzidzisi wenhema, iye wakauumba zvaanovimba nawo, zvaakaita zvifananidzo zvisingagoni kutaura? Ane nhamo anoti kudanda, ‘Muka! Kana kubwe risingagoni kutaura. Simuka! Zvinu izvi zvingadzidzisa here?’ Tarirai, zvakanamirwa nendarama nesirivha, asi hakuna mweya mukati mazvo napaduku. “Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene, nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.”
Habhakuki 2:18-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chifananidzo chokunamata, ndechebasa rei chaizvo, icho chakatoitwawo zvacho nomunhu; kana chifananidzo chokunamata chesimbi chinodzidzisa nhema? Nokuti anochigadzira wacho anovimba nezvaanenge aita, anoita zvifananidzo zvokunamata zvisingatauri. Zvichamuwana munhu anoti kuchimuti zvacho, “Domukaiwo nhai,” neanoti kudombo zvaro risingataure, “Dosimukai.” Zvingavewo here nechinhu chazvingagone kuzivisa munhu? Zvamunoona kuti chakanamirirwa ndarama kana sirivha uye machiri icho hamuna kana mweya unofema. Asi TENZI, ari muTemberi yake Inoera, pasi pose ngapati mwiro kunyarara pamberi pake.
Habhakuki 2:18-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mufananidzo wakaʋezwa unoɓatsireiko, ɀawaʋezwa nomuʋezi wawo; kana mufananidzo wakaʋumbga, iwo mudzidzisi wenhema, iye wakauʋumba ɀaanoʋimba nawo, ɀaakaita ɀifananidzo ɀisiŋgagoni kutaura? Unenhamo unoti kuɗanda: Muka! kana kubge risiŋgagoni kutaura: Simuka! Ɀinhu iɀi ɀiŋgadzidzisa here? Tarirai, ɀakanamirwa nendarama nesirveri, asi hakunomŋeya mukati maɀo napaɗuku. Asi Jehova uri mutembere yake tȿene, nyika yose ŋgairambe inyerere pamberi pake.
Habhakuki 2:18-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)