Habhakuki 2:1-4
Habhakuki 2:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndichandomira panzvimbo yangu yokurinda ndichazviisa panzvimbo yakakwirira; ndichatarisa ndione zvaachareva kwandiri uye zvandingapindura pamusoro pokuchema uku. Ipapo Jehovha akapindura achiti: “Nyora chiratidzo ichi, uite kuti chionekwe kwazvo pamahwendefa kuti anoverenga agoverenga achimhanya. Nokuti chiratidzo ichi chakamirira nguva yakatarwa; chinotaura nezvamagumo uye hachingarevi nhema. Kunyange dai chikanonoka, chimirire; zvirokwazvo chichauya, hachizononoki. “Tarira, ana manyawi; zvido zvake hazvina kururama, asi akarurama achararama nokutenda kwake.
Habhakuki 2:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ndichandomira panzvimbo yangu yokurindira, ndichazviisa panharire yangu, ndichatarira ndione zvaachataura neni, uye zvandingapindura pamusoro pokuchema kwangu. “Jehovha akandipindura, akati, ‘Nyora zvawaratidzwa, zvionekwe kwazvo pamahwendefa, kuti zvigone kurahwa noanomhanya. Nokuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru. Tarirai, mweya wavo una manyawi, hauna kururama mukati mavo; asi akarurama achararama nokutenda kwake.
Habhakuki 2:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndichaenda panzvimbo pangu pokutarisira ndiri ndigova panharirire ndakagaririra ndione kuti achanditaurira kuti kudii. Uyewo kuti ini ndichapindurei nezvokunyunyuta kwangu. Akandipindura akati, “Nyora chiratidzo ichi uite kuti chinyatsoonekwa chiri pamafendefa kuitira kuti anoverenga averengewo achimhanya nokuti chiratidzo ichocho chinomiririra nguva yacho yakatemwa chiri kumhanyira kumagumo acho; haasi manyepo. Kunyange zvikaita sezvononoka, zvimirire zvokuitika, zvinotoitika chete hazvisikuzombononoka. Chinzwa, ‘Munhu ane mwoyo usina kururama munhu iyeyo achakundikana asi akarurama achararama nokutendeseka kwake.’ ”
Habhakuki 2:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicandomira panɀimbo yaŋgu yokutaririra, ndicaɀiisa parutura rwaŋgu, ndicatarira ndiʋone ɀaacataura neni, ʋuye ɀandiŋgapindura pamsoro pokucema kwaŋgu. Jehova akandipindura, akati: Nyora ɀawaratidzwa, ɀiʋonekwe kwaɀo pamahwendefa, kuti ɀigone kurabga nounomhanya. Nokuti ɀakaratidzwa iɀi ndeɀeŋguʋa yakatarwa, ɀoʋaʋarira kuguma, haɀiŋgareʋi nhema; kunyaŋge ɀikanonoka, uɀimirire, nokuti ɀicaʋuya ɀirokwaɀo, haɀiŋgaiti ŋguʋa huru. Tarirai, mŋeya waʋo unamanyawi, hauna‐kururama mukati maʋo; asi wakarurama ucararama nokutenda kwake.
Habhakuki 2:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)