Habhakuki 1:15-17 - Compare All Versions
Habhakuki 1:15-17 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muvengi anovaredza vose nezviredzo, anovabata mumumbure wake, achivakokorodza murutava rwake; naizvozvo anopembera nomufaro. Naizvozvo anopisira zvibayiro kumumbure wake, uye anopisira zvinonhuhwira kumumbure wake, nokuti anogarika nokuda kwomumbure wake, anodya zvokudya zvakaisvonaka. Ko, acharamba achingodurura zviri mumumbure wake, achingoparadza ndudzi asina tsitsi here?
Habhakuki 1:15-17 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Vanovaredza vose nechiredzo chavo, vanovabata mumumbure wavo, vachivaunganidzira murutava rwavo; naizvozvo vanofara kwazvo vano mufaro. Naizvozvo vanobayira mumbure wavo, nokupisira rutava rwavo zvinonhuwira, nokuti mugove wavo wakakora nazvo, zvokudya zvavo zvawanda. “Zvino vangadurura zviri mumumbure wavo, vakaramba vachiuraya marudzi avanhu here?
Habhakuki 1:15-17 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Anoraura nechirauro ozvikukudza nomumbure wavo anozviti unge unge mumambure avo agopembera kwazvo kufara. Naizvozvo anobayira chibayiro kumimbure yake, opisira rusenzi kumambure ake ndizvo zvinomupa kugarika uye nezvokudya zvakawanda. Ko ivo vacharambokutura mimbure yavo vachingouraya zvisina tsitsi marudzi avanhu nokusingaperi here?
Habhakuki 1:15-17 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ʋanoʋaredza ʋose neciredzo caʋo, ʋanoʋaɓata mumumbure waʋo, ʋaciʋaʋuŋganidzira murutaʋa rwaʋo; naiɀoɀo ʋanofara kwaɀo ʋanomufaro. Naiɀoɀo ʋanoɓayira mumbure waʋo, nokupisira rutaʋa rwaʋo ɀinonhuwira, nokuti mugoʋe waʋo wakakora naɀo, ɀokudya ɀaʋo ɀawanda. Ɀino ʋaŋgaɗurura ɀiri mumumbure waʋo, ʋakaramba ʋaciʋuraya marudzi aʋanhu here?
Habhakuki 1:15-17 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)