Genesisi 8:1-4 - Compare All Versions
Genesisi 8:1-4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Mwari akarangarira Noa nemhuka dzose dzesango nezvipfuwo zvakanga zvinaye muareka, uye akatuma mhepo pamusoro penyika, uye mvura zhinji ikaserera. Zvino zvitubu zvepakadzika uye masuo amafashamu okudenga zvakanga zvazarirwa, uye mvura yakanga yaguma kunaya kubva kudenga. Mvura yakaserera zvishoma nezvishoma kubva panyika. Pakupera kwamazuva zana namakumi mashanu mvura yakanga yadzika, uye pazuva regumi namanomwe romwedzi wechinomwe, areka yakagara pamakomo eArarati.
Genesisi 8:1-4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mwari wakarangarira Noa nezvipenyu zvose, nezvipfuwo zvose zvakanga zviri muareka naye; Mwari akafambisa mhepo panyika, mvura ikaserera, namatsime apakadzika namawindo edenga akazarirwa, nemvura yakabva kudenga ikadziviswa, mvura ikaramba ichidzoka panyika; mazuva ane zana namakumi mashanu akati apfuura, mvura ikaderera. Nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi namanomwe romwedzi, areka ikamira pamusoro pamakomo eArarati.
Genesisi 8:1-4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Mwari akazorangarira Nowa nezvipenyu zvose nezvipfuwo zvese zvaaiva nazvo mungarava, saka Mwari akaita kuti mhepo ivhuvhute pasi pose mvura ikabva yava kuserera. Zvisipiti zviya zvapasipasi namahwindo edenga zvakamiswa kubudisa mvura, mvura yokunaya ikagasa, mvura ndokuramba ichiserera pasi pose. Kwamazuva zana namakumi mashanu mvura yaingoserera. Zvino mumwedzi wechinomwe pamusi wegumi nechinomwe womwedzi iwoyo, ngarava yakagara pamakomo eArarati.
Genesisi 8:1-4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino Mŋari wakaraŋgarira Noa neɀipenyu ɀose, neɀipfuwo ɀose ɀakaŋga ɀiri muareka naye; Mŋari akafambisa mhepo panyika, mvura ikaserera, namatsime apakadzika namawindi eɗeŋga akazarirwa, nemvura yakabva kuɗeŋga ikadziʋiswa, mvura ikaramba icidzoka panyika; mazuʋa anezana namakumi mashanu akati apfuʋura, mvura ikaɗerera. Nomŋedzi wecinomŋe, nezuʋa regumi namanomŋe romŋedzi, areka ikamira pamsoro pamakomo eArarati.
Genesisi 8:1-4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)