Genesisi 6:13-22
Genesisi 6:13-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Mwari akati kuna Noa, “Ndava kuzoisa magumo kuvanhu vose, nokuti nyika yazara nokurwisana nokuda kwavo. Zvirokwazvo ndiri kuzovaparadza vose pamwe chete nenyika. Saka iwe zviitire areka yomuti womusipuresi; uite makamuri mukati mayo uye uiname nenamo mukati nokunze. Uku ndiko kuvaka kwaunofanira kuiita: Areka inofanira kureba makubhiti mazana matatu, upamhi hwayo huve makubhiti makumi mashanu uye makubhiti makumi matatu pakukwirira kwayo. Uite windo uchipoteredza areka ugosiya kubhiti rimwe chete kumusoro. Uise mukova parutivi rweareka uye uite muturikidzwa wapasi, wapakati nowapamusoro. Ndichauyisa mvura yamafashamu pamusoro penyika kuti iparadze zvipenyu zvose pasi pedenga, zvisikwa zvose zvino upenyu mazviri. Zvinhu zvose zviri panyika zvichaparara. Asi ndichasimbisa sungano yangu newe, uye uchapinda muareka, iwe navanakomana vako uye nomukadzi wako uye navakadzi vavanakomana vako vari pauri. Unofanira kuisa muareka zviviri zviviri pazvisikwa zvipenyu zvose, chikono nechikadzi, kuti zvirarame pamwe chete newe. Zviviri zviviri kubva kumhando dzose dzeshiri, nokubva kumhando dzose dzemhuka nokuzvisikwa zvose zvinokambaira panyika, zvichauya kwauri kuti zvichengetwe zviri zvipenyu. Unofanira kutora zvokudya zvamarudzi ose zvinofanira kudyiwa ugozvichengeta kuti zvigova zvokudya zvako nezvazvo.” Noa akaita zvose sezvaakanga arayirwa naMwari.
Genesisi 6:13-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Mwari wakati kuna Noa, “Kupera kwavanhu vose kwasvika pamberi pangu; nokuti vakazadza nyika nokumanikidzana; tarira, ndichavauraya pamwechete nenyika. Uzviitire areka nomuti wegoferi; uite makamuri muareka, uinamire nechomukati nechokunze nenamo. Unofanira kuiita kudai: Kureba kweareka ngakuve makubhiti ana mazana matatu, nokufara kwayo makubhiti makumi mashanu, nokukwirira kwayo makubhiti makumi matatu. Usiye buri paareka; uripedze kana kwasara kubiti rimwe kubva kumusoro; nomusuo weareka uuise parutivi rwayo; uiite ine dzimba nhatu, mutsara wokutanga, nowechipiri, nowechitatu. Tarira, ini ndinouyisa panyika mvura zhinji, kuti iparadze zvipenyu zvose, zvinomweya woupenyu, pasi pedenga; zvose zviri panyika zvichafa. Asi ndichaita sungano yangu newe; unofanira kupinda muareka, iwe navanakomana vako, nomukadzi wako, navakadzi vavanakomana vako pamwechete newe. Napazvipenyu zvose zvenyama uise muareka zviviri zviviri zvamarudzi ose, kuti zvirarame pamwechete newe; ngazvive mukono nehadzi. Shiri namarudzi adzo, nezvipfuwo namarudzi azvo, nezvinokambaira pasi zvose namarudzi azvo, zvichauya kwauri zviviri zviviri zvamarudzi ose, kuti zviraramiswe. Iwe utore marudzi ose ezvokudya zvose zvinodyiwa, uzviunganidzire kwauri; kuti zvive zvokudya zvako nezvazvo.” Noa akaita saizvozvo; sezvaakarairwa naMwari, wakaita zvose saizvozvo.
Genesisi 6:13-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari akataurira Nowa kuti, “Ndafunga kutsakatisa vanhu vose nokuti ndivo vakaita kuti nyika izare nokupandukirana. Ndichavaparadza pamwechete nenyika. Asi iwe chizvigadzirira ngarava yomuti womugoferi, uikamure-kamure kuita dzimba mukati mayo, uiname netara mukati nokunze. Igadzire wakadai, urefu hwayo ngahuite zana nemakumi matatu amamita ana mamita matatu. Hwasha hwayo ngahuite makumi maviri amamita ana mamita maviri. Urefu hwayo kukwira mudenga kuite gumi ramamita namamita matatu. Unoisa denga pangarava usiye gwanza rina masendimita makumi mana namana pakati pedenga nechengo chayo, uite musuo necheparutivi rwengarava. Igadzire iine uriri hutatu hwakaturikidzana. Chinzwaka, ini ndichaunza panyika mafashamo emvura achaparadza zvinhu zvose zvino mweya unofema. Zvinhu zvose zviri panyika zvichafa. Asi ini ndichaita chitenderano changu newe. Ndichati iwe upinde mungarava, nomudzimai wako navanakomana vako navaroora vako. Pamhando yoga yoga yezvinhu zvose zvipenyu unotora zviviri, chikono nechikadzi uende nazvo mungarava zvirarame pamwechete newe. Utorewo zviviri zviviri pamhando yoga yoga yeshiri nemhuka nezvinokambaira nokuzvova napasi zvirarame. Unofanirawo kutora mhando dzose dzezvokudya uzviunganidzemo zvive chokudya chako nechazvo.” Nowa akaita zvose zvaakanzi naMwari aite.
Genesisi 6:13-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Mŋari wakati kunaNoa: Kupera kwaʋanhu ʋose kwaȿika pamberi paŋgu; nokuti ʋakazadza nyika nokumanikidzana; tarirai, ndicaʋaʋuraya pamŋe cete nenyika. Uɀiitire areka nomuti wegoferi; uite makamuri muareka, uinamire necomukati necokunze nenamo. Unofanira kuiita kuɗai: Kureɓa kweareka ŋgakuʋe makubiti anamazana matatu, nokufara kwayo makubiti makumi mashanu, nokukwirira kwayo makubiti makumi matatu. Usiye ɓuri paareka; uripedze kana kwasara kubiti rimŋe kubva kumsoro; nomukoʋa weareka uuise parutiʋi rwayo; uiite inedzimba nhatu, musara wokutaŋga, nowecipiri, nowecitatu. Tarira, ini ndinoʋuyisa panyika mvura zhinji, kuti iparadze ɀipenyu ɀose, ɀinomŋeya woʋupenyu, pasi peɗeŋga; ɀose ɀiri panyika ɀicafa. Asi ndicaita suŋgano yaŋgu newe; unofanira kupinda muareka, iwe naʋanakomana ʋako, nomukadzi wako, naʋakadzi ʋaʋanakomana ʋako pamŋe cete newe. Napaɀipenyu ɀose ɀenyama uise muareka ɀiʋiri‐ɀiʋiri ɀamarudzi ose, kuti ɀirarame pamŋe cete newe; ngaɀiʋe mukono nehadzi. Shiri namarudzi adzo, neɀipfuwo namarudzi aɀo, neɀinokambaira pasi ɀose namarudzi aɀo, ɀicaʋuya kwauri ɀiʋiri‐ɀiʋiri ɀamarudzi ose, kuti ɀiraramiswe. Iwe utore marudzi ose eɀokudya ɀose ɀinodyiwa, uɀiʋuŋganidzire kwauri; kuti ɀiʋe ɀokudya ɀako neɀaɀo. Noa akaita saiɀoɀo; seɀaakarairwa naMŋari, wakaita ɀose saiɀoɀo.
Genesisi 6:13-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)